Pamusoro peKusunganidzwa Mutemberi

Pamusoro peKusunganidzwa Mutemberi

Mhuri yakakosha kuChirongwa chaMwari

Mhuri: Chiziviso kuNyika” inotaura kuti “muchato pakati pemurume nemudzimai yakagadzwa naMwari uye kuti mhuri yakakosha zvikurusa kuchirongwa cheMusiki chehupenyu hwokusingapere hwevana Vake” (Ensign kana Liahona, Mbudzi 2010, 129).

Mifaro mikurusa yehupenyu inowanikwa mumhuri inerudo. Izvi zvakadaro kunyangwe zvazvo kuine zvimhingamupinyi nezvinetso zveupenyu. Kuvaka mhuri dzakasimba kunoda kuedza nesimba rose. Asi kuedza nesimba rose uku kunokwanisa kuunza mufaro muhupenyu hwuno uye nokusingaperi kwose. Kunyangwe mumhuri umo mune ukama hwakaoma, vhangeri raJesu Kristu rinokwanisa kuunza tariro, nyaradzo, uye kuporeswa.

Muchirongwa chaBaba Vokudenga, murume nemukadzi vanokwanisa kuva pamwechete nariinhi nariinhi. Mvumo yokubatanidza mhuri nariinhi nariinhi inodaidzwa kunzi simba rekusunganidza. Ndiro simba rimwechetero iro Jesu raakapa kuvaApositora Vake munguva yehushumiri Hwake panyika (Mateo 16:19). Muchato wokusingaperi naizvozvo unodaidzwa kunzi kusunganidzwa. Vana vanoberekwa kana kutorwa zviri pamutemo mumichato yokusingaperi iyoyo vanokwanisawo kusunganidzwa kumhuri dzavo nokusingaperi.

Mukusiyana nemichato inongovapo chete “kusvika rufu rwakuparadzanisai,” kusunganidzwa mutemberi kunoita chokwadi chokuti rufu harukwanisi kuparadzanisa vadikanwi. Kuti michato ienderere mberi mushure merufu, inofanira kusunganidzwa munzvimbo kwayo uye nemvumo kwavo. Nzvimbo kwayo ndiyo temberi uye mvumo kwayo ndihwo hupirisita hwaMwari (Dzidziso neZvibvumirano 132:7, 15–19).

Murume nemukadzi avo vakasunganidzwa mutemberi vanoita zvibvumirano zvinoera naIshe uye nemumwe nemumwe wavo. Zvibvumirano izvi zvinovapa chokwadi chokuti ukama hwavo hwunozoenderera mberi mushure mehupenyu hwuno kana vakatendeka kuzvitsidzo zvavo. Vanoziva kuti hapana chinhu, kunyangwe rufu chinokwanisa kuvaparadzanisa. Avo vakachata vanofanira kuona mubatanidzwa wavo seukama hwunonyanya kukoshesesa hwavo hwepanyika. Mushure mezvose, uyo watakachata naye ndiye chete munhu kunze kwaIshe watinorairwa kuti tide nemwoyo wedu wose (Dzidziso neZvibvumirano 42:22).

Temberi yekuPayton Utah, Mupanda weKusunganidzirwa

Muchato Wokusingaperi Wakakosha Zvikurusa

Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vakadzidzisa kuti: “Muchato pamwe ndiwo sarudzo yakanyanya kukoshesesa pasarudzo dzose uye une shanduro hurusa, nokuti unechokuita kwete nemufaro wapakarepo chete, asiwo nemufaro wokusingaperi. Unobata kwete avo vaviri chete vakachata, asiwo mhuri dzavo, kunyanya vana vavo nevana vevana vavo, kudzika kusvika kuzvizvarwa zvokurekure” (“The Importance of Celestial Marriage,” Ensign, Oct. 1979, 3).

Chibvumirano chemuchato wokusingaperi chinodikanwawo kuitira kusimudzirwa kumusoro-soro. Kusimudzirwa kumusoro-soro ndihwo upenyu hwokusingaperi―rudzi rweupenyu uhwo Mwari hwavanorarama. Vakarurama. Vanogara mukubwinya kukuru. Vane ruzivo rwose, simba rose, uye ungwaru hwose. Vane rudo, tsitsi, uye vane nyasha. Ndivo Baba Vokudenga vemunhu wose panyika. Tinokwanisa kuva saIvo nerimwe zuva. Uku ndiko kusimudzirwa kumusoro--soro.

Kusimudzirwa kumusoro--soro ndicho chipo chikurusaicho Mwari chavanopa vana Vavo (Dzidziso neZvibvumirano 14:7). Ndiwo mubairo wavose avo vanoratidza kuti vakatendeka kuna Ishe. Avo vanodaro vanozorarama munhanho yepamusoro- soro yeumambo hweseresitiyaro.

Ishe vakaratidza kuburikidza naJoseph Smith:

“Mukubwinya kweseresitiyaro mune matenga matatu kana kuti nhanho; uye kuitira kuti awane repamusoro-soro, munhu anofanira kupinda muhurongwa uhwu hwehupirisita [zvinoreva chibvumirano chitsva uye chisingaperi chemuchato]; uye kana akasadaro, haakwanisi kuriwana” (Dzidziso neZvibvumirano 131:1–3).

Apo patinoremekedza zvibvumirano zvedu, tinokwanisa kuva nechokwadi chokuti tinozova nevadikanwi vedu nariinhi nariinhi. Ishe vakavimbisa kuti:

“Kana murume akachata nemukadzi kuburikidza neshoko rangu, iro rinova mutemo wangu, uye kuburikidza nechibvumirano chitsva uye chisingaperi, uye chikasungwa kwavari kuburikidza neMweya Mutsvene wevimbiso, neuyo akazodzwa, uyo kwaari kwandakapa simba iri uye nemakiyi ehupirisita hwuno; …uye kana [ivo] vakagara muchibvumirano changu, … zvichaitwa kwavari muzvinhu zvose zvipi nezvipi zvazvo zvakaiswa pavari nemuranda wangu, munguva, uyu nemukusingaperi kwose; uye vachava vakazara nesimba apo pavanenge vabuda munyika” (Dzidziso neZvibvumirano 132:19).

Ishe vanoziva kuti havasivana Vavo vose vanozova nemukana wokuchata muhupenyu hwuno. Vakavimbisa kuti avo vose vanotambira vhangeri uye voedza nesimba rose kuchengeta zvibvumirano zvavo vanozova nomukana wokuchata uye nokuva navana muhupenyu hwuno kana hwuchatevera.

Zvizvarwa Zvose Zvakabatanidzwa

Chiziviso chemhuri chinotaura kuti “chirongwa chemufaro chehumwari chinoita kuti ukama hwemhuri hwurambe hwuripo nokuseri kweguva. Zvisungo nezvibvumirano zvinoera zvinowanikwa mumatemberi matsvene zvinoita kuti zvikwanisike kuti vanhu vadzokere pamberi paMwari uye kuti mhuri dzive dzakabatanidzwa nokusingaperi.”

Simba rokusinganidza rinoendererawo kubva kuvabereki kuenda kuvana, nemuzvizvarwa zvose kubvira kumavambo enyika. Mutungamiri Joseph Fielding Smith (1876–1972) vakadzidzisa kuti vana vanozvarwa muchibvumirano—uye avo vakasunganidzwa kuvabereki vavo mutemberi—“vane kodzero yemaropafadzo evhangeri anopfuura ayo avo vasina kuzvarwa zvakadaro avane kodzero yokugamuchira. Vanokwanisa kugamuchira nhungamiro hurusa, dziviriro hurusa, kurudziro hurusa kubva kuMweya waIshe; uye zvino hakuna simba rinokwanisa kuvatora kubva kuvabereki vavo” (Doctrines of Salvation, comp. Bruce R. McConkie [1955], 2:90)

Vana vanozvarwa kuvabereki avo vakasunganidzwa mutemberi vanozvarwa muchibvimirano. Nokudaro, vanova chikamu chemhuri yokusingaperi, maererano nokutendeka kwavo. Vana vasina kuzvarwa muchibvumirano vanokwanisawo kuva chikamu chemhuri yokusingaperi apo vabereki vavo vakavazvara kana avo vakavatora kuti vave vana vavo zvepamutemo pavanosunganidzwa. Chisungo chokusunganidza vana kuvabereki chinoitwa chete mutemberi. Kuti maropafadzo awanike kumunhu wose, tinokwanisawo kuita zvisungo muchinzvimbo cheavo vakafa. Nenzira iyi, mhuri dzose dzinokwanisa kuva pamwechete nariinhi nariinhi.

Vimbiso yokuti mhuri dzedu dzikokwanisa kuva pamwechete mushure mokufa inopa revo kuhupenyu. Inotikurudzira kuti tive vakatendeka uye vakavimbika. Inonatsurudza nokupfumisa ukama hwemhuri dzedu. Inotibatsira kuwana mufaro uye tariro apo patinotarisana nezvinetso zveupenyu. Uye kuziva kuti tinokwanisa kuzova pamwechete zvakare kunounza nyaradzo uye runyararo apo patinotarisana nokutambura kana kufa kwavadikanwi.

Chisungo chokusunganidzwa ndicho chipo chikurusa chaMwari kuvana Vake. Chinoita kuti tikwanise kudzokera kunogara Navo nevadikanwi vedu vose nariinhi nariinhi. Chinopa maropafadzo anoshamisa ehupenyu hwuno uye hwunotevera. Iyeuchidzo yenguva dzose yokuti mhuri dzakakosha zvikurusa kuchirongwa chaMwari uye kumufaro wedu pano uye nokusingaperi. Chinopa runyararo, tariro, uye mufaro kuna vose vanochigamuchira nerutendeko.