Zvipfeko Zvinoera zveMutemberi

Kubva munguva dzechinyakare, varume nemadzimai vakagamuchira nziyo dzinoera, manamatiro emhando dzakasiyana-siyana, zvipfeko zvechitendero zvakazara nemicherechedzo, zviito, uye mhemberero zvekuratidza manzwiro avo omukatikati okuzvipira kuna Mwari.

Kusiyana-siyana kwemhando dzeratidzo idzi kuzhinji uye kwakasiyana-siyana semhuri yevanhu. Asi zvakadaro dzose dzine chinangwa chokupedzisira chimwechetecho: kubatanidza mutendi nechinangwa chekuzvipira kwake munzira yakadzama yemunhu pachake—kuswedera pedyo naMwari.

Kune avo vari kunze kwechimwe chitendero, mitambo nezvipfeko zvinogona kuratidzika sezvisingazivikanwi. Asi kune vanotora chinhanho mazviri, zvinogona kumutsa manzwiro akadzama ezvemweya, kuvakurudzira kuita zvakanaka, uye kunyangwe kuumba nzira yekushandira kweupenyu hwose.

Nguo dzemupikirikadzi. Gemenzi remupirisita. Chari yemunamato yechiJudha. Heti yepagotsi yechiMoziremu. Marobhu matsvuku emumongi wechiBhudha. Zvese chikamu chechirukwa chizere neudzamu hwekuzvipira kwevanhu kuna Mwari.

Hazvisi zvose zvipfeko zvezvitendero zvakadai zvinoratidzwa paruzhinji. Zvimwe zvipfeko zvinoonekwa chete munzvimbo dzekunamatira dzakakosha. Semuenzaniso, marobhu emutemberi eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, anozivikanwa semarobhu matsvene ehupurisita, anopfekwa chete mukati metemberi yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira uye anochengeterwa maseremoni anoera zvikurusa echitendero chavo. Zvipfeko zvichena zvakareruka zvinomiririra hutsvene uye enzano. Mutungamiri mukurusa weChechi nenhengo itsva vakafanana apo pavanenge vakapfeka zvimwechetezvo. Varume nemadzimai vanopfeka zvipfeko zvakafanana, izvo zvinounza mucherechedzo wechitendero unoyeuchidza maitiro emutemberi akatsanangurwa muTestamende Yekare.

MuChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, hamuna zvipfeko zvechitendero zvokunze zvakakosha muminamato yenguva dzose yemusi weSvondo.

Zvisinei, vatendi vazhinji vakatendeka vaMazuva Ekupedzisira vanopfeka gamendi pasi pezvipfeko zvavo iro rine ukoshi hwechitendero hwakadzama. Chipfeko chemukati ichi chine mutsigo chinouya muzvikamu zviviri uye chinodaidzwa kazhinji “segamendi remutemberi.”

Vamwe vanhu vanodaidza magamendi emutemberi nemazita asiriwo, semashiripiti kana kuti “sezvipfeko zvemukati zvemashiripiti.” Mashoko aya haasi chete enhema, asiwo anogumbura nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva–Ekupedzisira. Hapana chinhu chemashiripiti kana chakavanzika pamusoro pemagamendi emutemberi, uye nhengo dzeChechi dzinokumbira mwero mumwechetewo weruremekedzo nenzwisiso zvinopuwa kune chimwe chipi zvacho chitendero navanhu vakanaka.

Magamendi emutemberi anopfekwa nenhengo dzechechi dzakura idzo dzakaita zvivimbiso zvinoera mutemberi zvekuchengeta mirairo yaMwari uye nekurarama vhangeri raJesu Kristu.

Kune nhengo dzeChechi, gamendi remutemberi rine mutsigo rinopfekwa pasi pezvipfeko zvamazuva ose uye marobhu emucherechedzo anopfekwa panguva yokunamata mutemberi anomiririra chinhu chinoera uye chemunhu pachake muhukama hwavo naMwari uye nekuzvipira kwavo kurarama upenyu hwakanaka, hunokudzwa.