2010–2019
Chiteterero kuMasisita Angu
Gumiguru 2015


Chiteterero kuMasisita Angu

Tinoda simba renyu, rutendeuko rwenyu, chivimbo chenyu, kwaniso yenyu yekutungamirira, ungwaru hwenyu, uye namanzwi enyu.

Vadikanwi maGosa Rasband, Stevenson, uye Renlund, isu, Hama dzenyu, tinokutambirai kuChikwata chaVaapositora Vane Gumi naVaviri. Tinotenda Mwari nokuda kwezvakazarurwa izvo zvaVanopa kumuporofita Wavo, Mutungamiri Thomas S. Monson.

Mabhuratha namasisita, apo patakasangana mumusangano mukuru mwedzi mitanhatu yapfuura iyo, hapana wedu akatarisira kuuya kweshanduro idzo dzaizobata zvakadzama mwoyo wemunhu wose muChechi. Gosa L. Tom Perry vakagovera shoko rakasimba zvikuru pamusoro pechikamu chisingatsiviwi icho muchato uye mhuri zvaunacho muchirongwa chaIshe. Takakatyamadzwa zvikurusa apo mushure mamazuva mashomanana, takaziva nezve chirwere chegomarara icho chaizovatora kubva kwatiri nechinguva chidiki.

Kunyangwe zvazvo utano hwaMutungamiri Boyd K. Packer hwakanga hwuri kuderera, vakaenderera mberi “nokushingaira” mubasa raIshe. Hutano hwavo muna Kubvumbi wapfuura uyo hwaiva hwusina kusimba, asi zvakadaro vakashingirira kuti vaizoparidza uchapupu hwavo chero chete vaiva vapenyu. Zvino, mazuva makumi matatu namana chete mushure mokushayika kwaGosa Perry, Mutungamiri Packer vakapfuura nepachidzitiro kupinda munyika yemweya.

Takashuva Gosa Richard G. Scott pamusangano mukuru wedu wakapfuura uyo, asi takafungisisa nezve uchapupu hwakasimba hweMuponesi uhwo hwavakanga vapupura mumisangano yakare mizhinji. Uye mazuva gumi namaviri chete apfuura ayo, Gosa Scott vakadaidzwa kumusha uye vakabatanidzwa zvakare nomudiwa wavo Jeanene.

Ndakava nomukana wokuva neHama dzose idzi munguva yamazuva okupedzisira avo, kusanganisira kubatana nenhengo dzemhuri yaMutungamiri Packer uye yaGosa Scott chinguva chipfupi vasati vashayika. Zvakanga zvakaoma zvikuru kwandiri kubvuma kuti shamwari dzinokosheswa nhatu idzi, varanda vakanakisisisa ava vaIshe, havasisipo. Ndinovashuva zvikurusa kupfuura zvandinogona kutakura.

Apo pandaifunga pamusoro pezviitiko zvakanga zvisingatarisirwi izvi, mamwe amanzwiro ayo akaramba ari mandiri ndeeizvo zvandakacherechedza mumadzimai aya akasiyiwa navarume. Handikwanisa kukanganwa kutaridzika kworunyararo kwaiva naSisita Donna Smith Packer uye naSisita Barbara Dayton Perry apo pavaiva padivi rouvato rwavarume vavo, vose vaiva madzimai aiva akazadzwa nerudo, chokwadi uye nerutendo rwakarurama.

Apo Sister Packer pavaiva vakagara pedyo nemurume wavo mumaawa ake okupedzisira, vaiva muenzaniso wakasimba zvikuru werunyararo urwo runopfuura nzwisiso dzose.1 Kunyangwe zvazvo vaiziva kuti mufambidzani anodiwa wavo wamakore angangosvika makumi manomwe aizovasiya nechinguva chidiki chaitevera, vakataridza runyararo rwomudzimai akazadzwa norutendo. Vaitaridzika sengirozi, sezvavangori mumufananidzo uyu wavo pamwechete apo pavaiva vari pakukumikidzwa kweTemberi yeBrigham City Utah.

Mufananidzo
Mutungamiri naSisita Packer paTemberi yeBrigham City Utah.

Ndakaona rudzi rumwechete irworwo rwerudo nerutendo ruchitaridzwa naSisita Perry. Kuzvipira kwavo zvose kumurume wavo uye kuna Ishe kwaionekwa pachena, uye kwakabata mwoyo wangu zvakadzama.

Mufananidzo
Gosa naSisita Perry

Kubvira mumaawa okupedzisira avarume vavo uye zvichienderera mberi kusvika pazuva ranhasi, madzimai akasimba aya akaratidza simba noushingi izvo zvinotaridzwa nguva dzose namadzimai anochengeta zvibvumirano.2 Hazvisi zvinokwanisika kuyera shanduro idzo madzimai akadaro dzaanadzo, kwete chete pamhuri asiwo paChechi yaIshe, savakadzi, vanaamai, uye vanambuya; samadzikoma navanunʼuna uye savanatete; savadzidzisi uye savatungamiri; uye kunyanya semienzaniso yakanakisa uye savadziviriri vakatendeka vechitendero3

Izvi zvakanga zviri chokwadi mumukuwo wevhangeri woga woga kubvira kumazuva aAdama naEva. Asi zvakadaro madzimai emukuwo uno akasiyana kubva kumadzimai emumwe upi zvawo mukuwo nokuda kwokuti mukuwo uno wakasiyana nemimwe mikuwo ipi zvayo.4 Siyano iyi inounza zvose mikana uye mabasa.

Mufananidzo
Mufananidzo waMutungamiri Kimball

Makore makumi matatu namatanhatu apfuura ayo, muna 1979, Mutungamiri Spencer W. Kimball vakaita huporofita hwakakosha zvikuru pamusoro peshanduro iyo madzimai anochengeta chibvumirano yaaizova nayo pane ramangwana reChechi yaIshe. Vakaporofita kuti: “Huzhinji hwehuwandu hwevanhu hukuru huri kuuya kuChechi mumazuva ekupedzisira hunozouya nekuda kwekuti vazhinji vamadzimai akanaka epanyika … anozokwezverwa kuChechi muhuwandu hukuru. Izvi zvinozoitika kusvika padanho apo madzimai eChechi ravanotaridza ururami uye nenzwisiso muupenyu hwavo uye kusvika padanho apo madzimai eChechi pavanoonekwa kuti vakasiyana—munzira dzinofadza—kubva kumadzimai enyika.”5

Masisita angu anodiwa, imi munova vashandidzani vakakosha mumazuva okupedzisira ano, zuva iro Mutungamiri Kimball ravakafanoona ndinhasi. Ndimi madzimai avakafanoona! Hunhu hwakanaka hwenyu, chiedza chenyu, rudo rwenyu, ruzivo rwenyu, ushingi hwenyu, chimiro chenyu, rutendo rwenyu, uye noupenyu hwenyu hwakarurama zvinozokwezva madzimai akanaka apanyika, pamwepo nemhuri dzavo, kuChechi muhuwandu hukuru husati hwamboonekwa!6

Isu, mabhuratha enyu muChechi, tinoda simba renyu, rutendeuko rwenyu, chivimbo chenyu, kwaniso yenyu yekutungamirira, ungwaru hwenyu, uye namanzwi enyu. Umambo hwaMwari hahwusi uye hahwukwanisi kuva hwakazara pasina madzimai ayo anoita zvibvumirano zvinoera uye zvino vozvichengeta, madzimai anokwanisa kutaura nesimba uye nemvumo zvaMwari!7

Mutungamiri Packer vakazivisa pachena kuti:

“Tinoda madzimai akarongeka uye madzimai anokwanisa kuronga. Tinoda madzimai ane unyanzvi hwehutungamiri avo vanokwanisa kuronga nokuraira nokutungamira; madzimai anokwanisa kudzidzisa, madzimai anokwanisa kutaura noushingi. …

“Tinoda madzimai ane chipo chedudziro avo vanokwanisa kuona zvinoitika munyika uye voziva izvo, zvisinei nokuti zvinomukurumbira wakadii, zvisina kumisirwa pachokwadi kana kuti zvine njodzi.”8

Nhasi, regai ndiwedzere kuti tinoda madzimai anoziva kuita kuti zvinhu zvakakosha zviitike kuburikidza norutendo rwavo uye avo vanova vadziviriri vaneushingi vehunhu hwakanaka uye vemhuri munyika izere nezvivi. Tinoda madzimai akazvipira kufudza vana vaMwari nemunzira yechibvumirano vakananga kukusimudzirwa kwapamusoro-soro; madzimai anoziva magamuchiriro okuita zvakazarurwa zvavo pachavo, anonzwisisa simba uye runyararo rweendaumenti yemutemberi; madzimai anoziva kuwana rubatsiro kubva pamasimba ekudenga kuitira kudzivirira nokusimbisa vana uye mhuri; madzimai anodzidzisa asingatyi.

Nemuupenyu hwangu hwose, ndakaropafadzwa namadzimai akadaro. Mudzimai wangu akashaya, Dantzel, aiva mudzimai akadaro. Nguva dzose ndinozogara ndichitenda nokuda kwehuridziro inoshandura upenyu iyo yaakanga ainayo pandiri muzvinhu zvose zvoupenyu hwangu, kusanganisira kuedza kwangu kuwana nzira itsva dzokuvhiya mwoyo.

Makore makumi mashanu namasere akapfuura ayo ndakakumbirwa kuvhiya musikana mudiki, uyo airwara zvakakomba nechirwere chomwoyo chaaiva azvarwa nacho. Hanzvadzi yake iyo yaiva mukuru kwaari yakanga yafa nechirwere chimwechetecho. Vabereki vake vakateterera rubatsiro. Ini ndaiva ndisina tarisiro yakanaka pamusoro pamagumo azvo asi ndakapika kuita zvose zvaiva musimba rangu kuponesa upenyu hwake. Zvisinei nokuedza kwangu kwose, mwana akafa. Pashure, vabereki vamwechetevo vakauya nemumwe mwanasikana kwandiri, uyo ipapo aiva nemwedzi gumi nemitanhatu, uyo aivawo azvarwa aine mwoyo waiva usina kumira zvakanaka. Zvakare, nokuda kwechikumbiro chavo kwandiri, ndakaita oparesheni paari. Mwana mucheche uyu akafawo. Kurasikirwa kwaisuwisa zvikurusa kwechitatu uku mumhuri imwechete kwakandikurira zvikuru pamwoyo.

Ndakaenda kumba ndakazadzwa norusuwo rukurusa. Ndakazvikanda pasi mumupanda wedu wokutandarira uye ndikachema husiku hwose. Dantzel akagara parutivi rwangu, achiteerera apo pandaidzokorora kakawanda kutaura kuti handaizombofa ndakaita imwe oparesheni yemwoyo zvakare. Zvino, kuma5.00 mangwanani, Dantzel akanditarisa uye norudo akabvunza achiti, “Wapedza here kuchema? Zvino simuka upfeke. Dzokera kuchipatara. Enda kubasa! Unofanira kudzidza zvimwe zvakawanda. Kana ukarega basa iyezvino, vamwe vanozofanira kudzidza kuburikidza namarwadzo izvo zvaunotoziva nekare.”

Zvirokwazvo ndaida nzwisisiso, ushingi uye norudo rwemudzimai wangu! Ndakadzokera kubasa uye ndikadzidza zvimwe zvakawanda. Dai yakanga isiri kurudziro yakafemerwa yaDantzel, ndingadai ndisina kuzova nyanzvi pakuvhiya mwoyo uye ndingadai ndisina kuzenge ndakagadzirira kuita oparesheni muna 1972 iyo yakaponesa upenyu hwaMutungamiri Spencer W. Kimball.9

Masisita, munoziva here shanduro inoshamisa zvikuru yehurudziro yenyu apo pamunotaura zvinhu izvo zvinouya kumwoyo yenyu nokupfungwa dzenyu sokutungamirirwa kwamunenge muchiitwa neMweya? Mumwe mutungamiri wesiteki akanaka zvikuru akandiudza nezve musangano wedare resiteki umo mavaikurukura nyaya yakaoma. Pane imwe nguva, akaona kuti mutungamiri wePuraimari wesiteki akanga asina chaataura, saka akabvunza kana akanga aine pfungwa dzokugovera. “Chaizvo, ndine zvandinoda kutaura,” akadaro uye zvino akaenderera kugovera pfungwa yakabva yashandura mafambiro ose emusangano. Mutungamiri wesiteki akaenderera mberi achiti, “Apo paaitaura, Mweya wakapupura kwandiri kuti akanga apa inzwi kuzvakazarurwa izvo zvatakanga tichitsvaka sedare.”

Masisita angu anodiwa, zvisinei nokuti daidzo yenyu ingange iri ipi, zvisinei nokuti mamiriro ezvinhu enyu angange ari api, tinoda pfungwa dzenyu, tinoda nzwisiso dzenyu, uye nefemero yenyu. Tinoda kuti mutaure neushingi mumatare ewadhi uye esiteki. Tinoda sisita woga woga akachata kuti ataure “semushandidzani anotora chinhanho uye ane chikamu chakazara zvachose”10 apo paanobatana nemurume wake mukutungamira mhuri yavo. Kunyangwe mune varume kana kuti musina, imi masisita mune kwaniso dzakasiyana nedzedu uye ruzivo nerunzwisiso rwokuberekwa narwo rwakakosha sezvipo zvinobva kuna Mwari. Isu varume hatikwanisi kuva nehuridziro yakakosha seyamunayo.

Tinoziva kuti chiito chokupedzisira uye chikurusa chekusika kwose chaiva kusikwa kwemunhukadzi!11 Tinoda simba renyu!

Pikiso kuChechi, dzidziso yadzo, uye nenzira yamararamiro edu ichawedzera. Nokuda kweizvi, tinoda madzimai vanenzwisiso yakasimba yedzidziso yaKristu uye vanozoshandisa nzwisiso iyoyo kudzidzisa nokubatsira kurera chizvarwa chavanhu chinokwanisa kukunda zvivi.12 Tinoda madzimai anokwanisa kuziva hunyengeri nemumhando dzahwo dzose. Tinoda madzimai anoziva mawaniro okuita simba iro Mwari ravanopa kuvachengeti vechibvumirano uye anotaura zvitendero zvavo nechivimbo uye nerudo rwakarurama. Tinoda madzimai ane ushingi uye nenzwisiso yaAmai vedu Eva.

Masisita angu anodiwa, hapana chakanyanya kukosha kuupenyu hwenyu hwokusingaperi kupfuura rutendeuko rwenyu pachenyu. Madzimai akatendeuka, anochengeta chibvumirano—madzimai akafanana nemudzimai wangu wandinoda Wendy—ayo upenyu hwavo hwakarurama hwunozonyanya kuonekwa munyika iri kuderera pahunhu uye nokudaro vanozoonekwa savakasiyana uye vakatsaukana nenzira dzinofadza zvikurusa .

Saka nhasi ndinoteterera kumasisita angu eChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kuti endererai mberi nokuita! Torai nzvimbo yenyu yakakodzera uye inodikanwa mumba menyu, munzanga dzenyu, uye nemuumambo hwaMwari—kupfuura zvamakambofa makaita. Ndinoteterera kwamuri kuti zadzikisai huporofita hwaMutungamiri Kimball. Uye ndinokuvimbisai nemuzita raJesu Kristu kuti apo pamunoita kudaro, Mweya Mutsvene unozokudza simba reshanduro renyu nenzira isati yakamboitwa!

Ndinopupura nezve huchokwadi hwaIshe Jesu Kristu uye nezve simba Rake rinonunura, rinodzikinura uye rinotsvenesa. Semumwe wavaApositora Vake, ndinokutendai, masisita angu anodiwa, uye ndinokuropafadzai kuti musvike pakwaniso yenyu yakazara, kuzadzikisa chinangwa chekusikwa kwenyu, apo patinotora chinhanho pamwechete mubasa rinoera iri. Pamwechete tinozobatsira kugadzirira panyika kuitira Kuuya kweChipiri kwaIshe. Pamusoro peizvi ndinopupura, sehanzvadzi yenyu, muzita raJesu Kristu, ameni.

Zvinyorwa

  1. Ona VaFiripi 4:7

  2. Izvi zvinosanganisira misodzi—mukuchengeta murairo wokuchema avo vatinoda apo pavanosiya upenyu (ona Dzidziso neZvibvumirano 42:45).

  3. Ona simba shanduro reshanduro raRebeka pana Isaka nemwanakomana wavo Jakobo muna Genesi 27:46; 28:1–4.

  4. Ona Joseph Fielding Smith, Answers to Gospel Questions, dzakaunganidzwa naJoseph Fielding Smith Mwana, mabhuku mashanu (1957–66), 4:166. Cherechedza: Basa raIshe mune mimwe mikuwo yose yakare raingoitwa muchikamu chidiki chenyika uye rakagumiswa nokuda kwerutsauko kubva pachitendero. Mukusiyana, basa raIshe mumukuwo uno harizongoitwi mune dzimwe nzvimbo kana mune dzimwe nguva chete. Rinozozadza panyika pose uye rinozogumisira noKuuya kweChipiri kwaIshe.

  5. Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball (2006), 222–23.

  6. Apo pandakazvarwa, kwaiva nenhengo dzeChechi dzaiva pasi pezviuru mazana matanhatu. Nhasi kune nhengo dzinopfuura mamirioni gumi nemashanu. Huwandu ihwohwo hunozoramba hwuchiwedzera.

  7. Mutungamiri Joseph Fielding Smith vakataurira masisita eChita cheRubatsiro kuti, “Munokwanisa kutaura nemvumo, nokuda kwokuti Ishe vakaisa mvumo pamusoro penyu.” Vakataurawo kuti Chita cheRubatsiro “chakapiwa simba nemvumo yekuita zvinhu zvikurusa zvakawanda. Basa iro ravanoita rinoitwa nemvumo yohumwari” (“Relief Society—an Aid to the Priesthood,” Relief Society Magazine, Ndira 1959, 1959, 4,5). Zvitapwa izvi zvakataurwawo naGosa Dallin H. Oaks munhaurwa yemusangano, “Makiyi neMvumo zveHupirisita,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2014, 51–52.

  8. Boyd K. Packer, “The Relief Society,” Ensign, Mbudzi 1978, 8; onawo M. Russell Ballard, Counseling with Our Councils: Learning to Minister Together in the Church and in the Family (1997), 93.

  9. Ona Spencer J. Condie, Russell M. Nelson: Father, Surgeon, Apostle (2003), 146, 153–56. Cherechedza: Muna 1964 Mutungamiri Kimball vakanditsaura semutungamiri wesiteki uye vakandiropafadza kuti huwandu hwavanhu vanofa hwuzoderera nokuda kwekuedza kwangu kuwana nzira itsva dzokuita nadzo maoparesheni patsinga huru yemwoyo. Tose hatina kuziva panguva iyoyo kuti makore masere pashure, ndaizoita oparesheni pana Mutungamiri Kimball iyo yaisanganisira kugadzirisa tsinga huru yemwoyo wavo yaiva isingashandi zvakanaka.

  10. “Apo patinotaura nezve muchato sehushandidzani, ngatitaurei nezvemuchato sehushandidzani hwakazara zvachose. Hatidi kuti madzimai edu eLDS vave vashandidzani vasingatore chinhanho mukuitwa kwesarudzo kana vashandidzani vasina zvizvinji zvavanobvumirwa kutaura mubasa iro rekusingaperi! Ndapota ivai mushandidzani anotora chinhanho uye ane chikamu chakazara zvachose” (Spencer W. Kimball, “Privileges and Responsibilities of Sisters,” Ensign, Mbudzi. 1978, 106.

  11. “Zvinangwa zvose zvapanyika uye izvo zvose zvaiva munyika hazvizozadzikiswi pasina mudzimai—uyo anova chikamu chakakoshesa chekusika kwose” (Russel M. Nelson, “Lessons from Eve,” Ensign, Mbudzi 1987, 87). “Eva akava chisikwa chokupedzisira chaMwari, mugumisiro mukuru webasa rinoshamisa rose iro rakanga raitika kare” (Gordon B. Hinckley, “The Women in Our Lives,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2004, 83).

  12. Ona Russell M. Nelson, “Children of the Covenant,” Ensign, Chivabvu 1995, 33.