2010–2019
Mufaro weKurarama Upenyu Hwakamisirwa pana Kristu
Gumiguru 2015


Mufaro weKurarama Upenyu Hwakamisirwa pana Kristu

Upenyu hwedu hunofanira kuva hwakamisirwa muna Kristu nemazvo-chaizvo kana tichifanira kuzowana mufaro wechokwadi nerunyararo muupenyu huno.

Nyika yatiri kurarama iri kumanikidza zvikuru vanhu vakanaka kwese kwese kuti vadzikise kana kunyangwe kutosiya mwero yavo yokurarama zvakarurama. Asi zvakadaro, zvisinei nehuipi nemiyedzo inotikomberedza zuva rega rega, tinogona uye tinozowana mufaro wechokwadi nhasi mukurarama upenyu hwakamisirwa pana Kristu.

Kumisira upenyu hwedu muna Jesu Kristu uye nevhangeri Rake kunozounza rugadzikano uye mufaro kuupenyu hwedu, sezvinoratidzwa nemienzaniso inotevera.

Gosa Taiichi Aoba veMakumi Manomwe, vanogara mumusha mudiki uri mumakomo muShikoku, Japan, vakakumbirwa kuti vadzidzise kirasi pamusangano mukuru wevechidiki. Dingindira remusangano wacho rakasarudzwa raiva rekuti “Mirai Imi Munzvimbo Tsvene”. Mushure mekufunga nezve dingindira uye zvekudzidzisa, Gosa Aoba vakasarudza kushandisa basa ravo sechishandiso chekudzidzisa. Basa ravo ndere kuumba.

Mufananidzo
Gosa Aoba vachiumba zviumbwa nevechidiki

Gosa Aoba vanorondedzera kuti kirasi yavo yevechidiki yakafara zvikurusa payakaona kuti aikwanisa kushandura zvinoshamisa chimiro cheivhu rekuumbisa raiva mumaoko avo kuita ndiro, mbiya, uye nemakapu. Mushure mechiratidzo chavo, vakavabvunza kana paiva nevangada kuedza kuumba. Vese vakasimudza maoko avo.

Gosa Aoba vakaita kuti vechidiki vacho vakati wandei vauye mberi vazoedza chifariro chavo chitsva. Ivo vakafungidzira, mushure mekuvawongorora, kuti izvi zvaizova zviri nyore chaizvo. Zvisinei, hapana kana mumwe wavo akabudirira mukuyedza kwavo kuumba kunyange mbiya iri nyore. Vakataura kuti: “Handikwanise kuzviita izvi!” “Sei izvi zvakaoma kudaro?” “Izvi zvakaoma zvikuru.” Mashoko aya akataurwa apo ivhu paraikandwa nevhiri rokuumbisa kwese kwese nemumupanda.

Vakabvunza vechidiki kuti sei vaiva vachiomerwa nekuumba ivhu. Vakapindura nemhinduro dzakasiyana siyana: “Handina ruzivo rwazvo,” “Handina kumbozvidzidziswa,” kana kuti “Handina chipo chazvo.” Kubva pane zvaiva zvaitika, zvavakataura zvose zvaiva zvechokwadi, zvisinei, chikonzero chakanyanya kukosha chekutadza kwavo chaiva chekuti ivhu raiva risina kuiswa pakati chaipo pevhiri rekuumbisa. Vechidiki vakafunga kuti vakang vaisa ivhu pakati pevhiri, asi kubva pamaonero enyanzvi, raive risiri pakati chaipo. Zvino vakavaudza kuti, “Ngatiedzei izvi zvakare.”

Mufananidzo
Gosa Aoba vachiumba neivhu

Panguva ino, Gosa Aoba vakaisa ivhu pakati chaipo pevhiri uye zvino ndokubva vatanga kutenderedza vhiri, vachiita buri pakati peivhu. Vechidiki vakati wandei vakaedza zvakare. Panguva ino munhu wese akatanga kuombera apo pavakati: “Heyi, hazvisi kuzununguka,” “Ndinokwanisa kuzviita izvi” kana kuti “Ndazviita!” Ichokwadi kuti zviumbwa zvakanga zvisina kunyatsorurama, asi mhedzisiro yaiva yakasiyana zvikurusa kubva pakuedza kwekutanga. Chikonzero chebudiriro yavo chaiva chokuti ivhu raive ranyatsoiswa pakati chaipo pevhiri.

Nyika yatiri kugara mairi yakafanana nevhiri remuumbi rinotenderera, uye chimbidzo yevhiri iri iri kuwedzera. Seivhu riri pavhiri remuumbi, isu tinofanira kuve tiri pakatiwo. Musimboti wedu, pakati peupenyu hwedu, unofanira kuva Jesu Kristu uye nevhangeri Rake. Kurarama upenyu hwakamisirwa pana Kristu zvinoreva kuti tinodzidza pamusoro paJesu Kristu uye nevhangeri Rake uye zvino totevera muenzaniso Wake uye nekuchengeta mirairo Yake namazvo.

Muporofita wechinyakare Isaya akati, “Asi zvino, Ishe, ndimi baba vedu; isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu; isu tose tiri basa ramaoko enyu.”1

Kana upenyu hwedu huchinge hwakamisirwa muna Jesu Kristu, Anokwanisa kutiumba zvinobudirira kuti tive vatinofanira kuve kuitira kuti tidzokere pamberi Pake naBaba Vokudenga muumambo hweseresitiyaro. f8Mufaro watinowana muupenyu hwuno hwunozoenderana zvikurusa nokuti upenyu hwedu hwakamisirwa zvakanana zvakadii padzidziso, muenzaniso, uye nokuzvipira kwerununuro kwaJesu Kristu.

Mabhuratha nemasisita, Ini ndakazvarwa mumhuri yeVatendi vaMazuva Ekupedzisira vakanga vari nhengo dzeChechi kwezvizvarwa zvizhinji, saka maropafadzo nemufaro wekuva nevhangeri raJesu Kristu sehwaro hwetsika dzemhuri yedu zvaiva zviri chikamu chomusikirwo choupenyu hwedu hwemazuva ose. Apo chete pandaiva ndava pahushumiri hwangu hwenguva yakazara semukomana wechidiki ndipo pandakazoziva rushanduro rwakanaka zvinoshamisa urwo kuzara kwevhangeri raJesu Kristu kwarwunarwo pana avo vasina kumbowana kare maropafadzo ako muhupenyu hwavo. Ndima iyi iri muna Mateu inoratidza nzira iyo vanhu vanotendeutsirwa kuvhangeri raJesu Kristu yavanova nayo: “Ushe hwodenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake unoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo.”2

Regai ndigoverane nemi muenzaniso kubva muBhuku raMormoni unoratidza izvo mumwe mutendeuki zvaaida kubhadhara kuitira kuti agamuchire mufaro unoenderana nokuwana pfuma yakataurwa nezvayo naJesu murungano rwemufananidzo wepfuma yakavanzwa mumunda.

Rangarirai mubhuku raAruma chitsauko 20, Amoni naRamoni vaifamba kuenda kuguta reMidoni nechinangwa chekuwana uye nekusunungura mukoma waAmoni ainzi Aroni kubva mutirongo. Murwendo rwavo vakasangana nababa vaRamoni, avo vaiva mambo wevaRamani pamusoro penyika yacho yose.

Mambo akatsamwa zvikuru kuti mwanakomana wake Ramoni aiva achifamba naAmoni, mushumuri wechiNifai, uyo waaiona semuvengi. Aida kuti mwanakomana wake aifanira kunge aenda kumabiko makuru aakanga aitira vanakomana vake uye nevanhu vake. Mambo wevaRamani akagumbuka zvikuru zvekuti akaraira mwanakomana wake Ramoni kuti auraye Amoni nemunondo wake. Apo Ramoni paakaramba, mambo akaburitsa munondo wake pachake kuti auraye mwanakomana wake nekuda kwekusateerera; zvisinei, Amoni akapindira kuti aponese upenyu hwaRamoni. Akapedzisira akurira mambo uye aigona kunge akamuuraya.

Izvi ndizvo zvakataurwa namambo kuna Amoni mushure mekuzviwana ari mumamiriro ezvinhu aya eupenyu kana rufu: “Kana ukasandiuraya ndichabvuma chose chaunoda, kana kukupa chikamu chepakati cheumambo hwangu.”3

Saka mambo aiva achida kubhadhara mutengo wechikamu chapakati cheumambo hwake kuitira kuti aponese upenyu hwake. Mambo anofanira kunge akashamiswaa apo Amoni paakakumbira chete kuti asunungure mukoma wake Aroni nevamwe vake kubva mutirongo uye kuti mwanakomana wamambo Ramoni achengete umambo hwake.

Pashure, nekuda kwekusangana uku, Aroni mukoma waAmoni akasunungurwa kubva mutirongo reMidoni. Mushure mekusunungurwa akafemerwa kuenda kunzvimbo iyo yaitongwa namambo wechiRamani. Aroni akasumwa kuna mambo uye akava nemukana wekumudzidzisa misimboti yevhangeri raJesu Kristu, kusanganisira chirongwa chikuru cherununuro. Dzidziso dzaAroni dzakakurudzira mambo zvakadzama.

Mhinduro yamambo kudzidziso dzaAroni inowanikwa mundima 15 yaAruma chitsauko 22: “Uye zvakaitika kuti mushure mekunge Aroni atsanangura zvinhu izvi kwaari, mambo akati: Chii chandingaite kuti ndiwane upenyu uhwu hwokusingaperi hwawataura? Hongu, ndingaitei kuti ndizvarwe naMwari, kuti mweya uyu wakaipa udzurwe kubva pachipfuva changu, uye ndigotambira Mweya wake, kuti ndigozadzwa nerufaro, kuti ndisaraswe pazuva rokupedzisira? Tarisai, akadaro iye, ndichasiya zvose zvandinazvo, hongu, ndichasiya umambo hwangu, kuti ndigashire kufara kukuru uku.”

Nenzira inoshamisa zvikurusa, mukusiyana nekupa chikamu chapakati cheumambo hwake kuti aponese upenyu hwake, mambo wevaRamani aiva zvino ava kuda kupa umambo hwake hwese kuitira kuti agogamuchira mufaro uyo unouya kubva mukunzwisisa, kutambira, uye nokurarama vhangeri raJesu Kristu.

Mudzimai wangu, Nancy, mutendeukiwo kuChechi. Akataura kwandiri kakawanda nomumakore apfuura ayo pamusoro pemufaro waakanzwa muupenyu hwake kubvira paakawana, kutambira, uye nekurarama vhangeri raJesu Kristu. Izvo zvinotevera ipfungwa dzaSisita Maynes pamusoro pechiitiko chavo:

“Semunhu mukuru wechidiki mumakore angu ekutanga ekumakumi maviri, yaiva nguva muupenyu hwangu apo pandaiziva kuti ndaifanira kushandura chimwe chinhu kuitira kuti ndive munhu anonyanya kufara. Ndainzwa kunge ndairarama upenyu hwangu ndisina chinangwa chaicho uye negwara, uye ndaiva ndisingazivi kwekuenda kuti ndizviwane. Ndakanga ndagara ndichiziva kuti Baba Vokudenga variko uye nguva nenguva nemuupenyu hwangu hwese ndaiita minamato, ndichinzwa kuti Vaiteerera.

“Apo pandakatanga tsvago yangu, ndakapinda machechi akasiyana akati wandei asi nguva dzose ndaipedzisira ndava namanzwiro mamwechetewo uye nokuora mwoyo kumwecheteko. Ndinonzwa kuti ndakaropafadzwa zvikuru nekuti munamato wangu wekuti ndiwane gwara uye chinangwa muupenyu wakazopindurwa pokupedzisira, uye kuzara kwevhangeri raJesu Kristu kwakaunzwa muupenyu hwangu. Kokutanga muupenyu hwangu ndakanzwa kuti ndakanga ndiine chinangwa, uye chirongwa chemufaro chakaunza rudekaro rwechokwadi muupenyu hwangu.”

Chimwe chiitiko kubva muBhuku raMormoni chinoratidza zvakajeka kuti kurarama upenyu hwakamisirwa pana Kristu kunokwanisa sei kutizadza nemufaro mukuru kunyangwe apo patinenge takakomberedzwa nematambudziko akaoma zvikurusa,

Mushure mekunge muporofita Rihai nemhuri yake vabva muJerusarema muna 600 Kristu Asati Azvarwa, vakadzungaira kwamakore angangoita masere murenje kusvikira vazosvika munyika yavakadaidza kuti Nyika yeMaguta, iyo yaive pedyo nemhenderekedzo yegungwa. Nifai anorondedzera upenyu hwavo hwematambudziko murenje nenzira iyi: “Takanga taona matambudziko akawanda nekuomerwa kukuru, … kunyangwe akawanda zvokuti hatingakwanise kuanyora ose.”4

Apo paaigara muNyika yeMaguta, Nifai akapihwa basa naIshe rekuvaka ngarava yaizovayambutsa gungwa kuenda kunyika yechipikirwa. Mushure mekunge vasvika munyika yechipikirwa, makakava makuru akaramba achimuka pakati pevanhu avo vaimisira upenyu hwavo muna Kristu uye nevaiva vasingatendi, avo vaitevera mienzaniso yaRamani naRemueri. Pakupedzisira, njodzi yechisimba pakati pemapoka maviri acho yaiva yakakura zvekuti Nifai naavo vaitevera dzidziso dzaIshe vakazviparadzanisa uye vakatizira murenje kuti vadzivirirwe. Panguva iyi, makore angangosvika makumi matatu mushure mokunge Rihai nemhuri yake vabva muJerusarema, Nifai anoita chirevo chinozivikanwa zvikuru uye chisinganyanyi kushamisa, kunyanya mushure mekunge anyora mumagwaro matsvene matambudziko mazhinji uye nezvinetso zvizhinji izvo zvavakanga vakatarisana nazvo kwenguva yakareba kudaro. Aya ndiwo mashoko ake: “Uye zvakaitika kuti [takagara] netsika yemufaro.”5 Zvisinei nematambudziko avo, vakakwanisa kurarama maererano nemutoo wemufaro nekuti vaiva vakamisirwa muna Kristu uye nevhangeri Rake.

Mabhuratha nemasisita, seivhu riri pavhiri remuumbi, upenyu hwedu hwunofanira kuve hwakamisirwa muna Kristu nomazvo chaizvo kana tichifanira kuzowana mufaro wechokwadi nerunyararo rwechokwadi muupenyu huno. Mienzaniso yamambo wevaRamani; mudzimai wangu, Nancy; uye navanhu vechiNifai yese inotsigira musimboti wechokwadi uyu.

Ndinokupupurirai uchapupu hwangu nhasi kuti nesuwo tinokwanisa kuwana runyararo irworwo, mufaro iwoyo, rudekaro irworwo rwechokwadi kana tikasarudza kurarama upenyu hwakamisirwa pana Kristu, nemuzita raJesu Kristu, ameni.