2010–2019
Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu
Kubvumbi 2018


Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu

Mumazuva arikuuya, zvinenge zvisingakwanisike kurarama pamweya pasina kutungamira, kuraira, kunyaradza, neshanduro yenguva dzose yeMweya Mutsvene.

Wave mukana wakanakisisa kwazvo kupemberera Isita nemi paSvondo ino yemusangano mukuru! Hapana chinova chakanyanya kukodzera kupfuura kurangarira chiitiko chakakoshesesa chakambofa chaitika pasi pano nekunamata munhu akakoshesesa akambofa akafamba pasi pano. Muneino Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinoMunamata uyo akatanga Rudzikinuro rusina magumo Rwake muBindu reGetsemane. Akada kutambudzikira zvivi neutera zveumwe neumwe wedu, uko kutambudzika kwakaMukonzera kuti “abude ropa kubva paburi rose remuviri.”1 Akarovererwa pamuchinjikwa weKarivhari2 uye akamuka pazuva rechitatu semunhu wekutanga kumutswa kuvakafa wevana vaBaba vedu Vekudenga. Ndinomuda uye ndinopupura kuti Mupenyu! Ndiye anoraira nekutungamira Chechi Yake.

Pasina Rudzikinuro rusingaperi rweMununuri wedu, hakuna kana mumwechete wedu aizove netariro yekufa akadzokera kuna Baba vedu Vekudenga. Pasina Kumuka Kwake Kuvakafa, rufu rwaizova magumo. Rudzikinuro rweMuponesi wedu rwakaita kuti upenyu husingaperi huve hunokwanisika uye kusafa kuve chinhu chinoitika kune vese.

Pamusana pebasa Rake rinoshamisa zvikurusa uye nerunyararo rwaAnopa vateveri Vake zvakaita kuti mudzimai wangu, Wendy, neni tinzwe nyaradzo muusiku hwaNdira 2, 2018, apo patakamutswa nerunhare tichiudzwa kuti Mutungamiri Thomas S. Monson vakanga vashaya.

Mufananidzo
Mutungamiri Russell M. Nelson neMutungamiri Thomas S. Monson

Tinovasuwa zvikuru Mutungamiri Monson! Tinokudza upenyu hwavo nenhaka yavo. Hofori yemweya, vakasiya mucherechedzo usingadzimike pane avo vese vaivaziva uye nepaChechi yavaida.

Musi weSvondo, Ndira 14, 2018, mumupanda wepamusoro weTemberi yeSalt Lake, Hutungamiri Hwekutanga hwakarongwa patsva nenzira yakareruka asi inoyera yakamiswa naIshe. Zvino, pagungano rinoyera remangwanani nezuro, nhengo dzeChechi panyika pose dzakasimudza maoko adzo kusimbisa chinhano chakanga chatorwa pashure neVaapositora. Ndinotenda zvakaninipa nerutsigiro rwunosimbisa rwenyu .

Ndinotendawo kune avo vandakatsigwa pamapfudzi avo. Wakave mukana wangu kushandira muChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri kwemakore makumi matatu nemana uye nekuziva pachezvangu gumi reVatungamiri gumi nevatanhatu vakapfuura veChechi. Ndakadzidza zvakawanda kubva kune mumwe nemumwe wavo.

Ndinotenda zvikuru kumadzitateguru angu. Vose vari vesere vanaambuya nanasekuru vevabereki vangu vaive vatendeukiri kuChechi muEurope. Mumwe nemumwe wemweya yakatendeka iyi akapira zvinhu zvose kuti auye kuZion. Munguva yezvizvarwa zvakatevera, zvisinei, havazi vose madzitateguru angu vakaramba vakazvipira zvakadaro. Nekuda kwaizvozvo, handina kurerwa mumba maikosheswa vhangeri.

Mufananidzo
Vabereki veMutungamiri Nelson
Mufananidzo
Mhuri yeMutungamiri Nelson mudiki

Ndaivada nekuvakudza zvikuru vabereki vangu. Vaive vakakosha zvikuru kwandiri uye vakandidzidzisa zvidzidzo zvakakoshesa. Handikwanisi kuvatenda zvakakwana nekuda kweupenyu hwekumba hwaiva nekufara hwavakagadzirira ini nevaberekedzani vangu. Uye zvakadaro, kunyange semukomana, ndaiziva kuti ndakanga ndichishaiwa chimwe chinhu. Rimwe zuva ndakakwira tiremu, chitima chinofamba nepanjanji yepakati pemugwagwa ndikaenda kune chimwe chitoro chemabhuku cheLDS kuti ndinotsvaga bhuku riri pamusoro pezveChechi. Ndaida kudzidza pamusoro pevhangeri.

Apo pandakasvika pakunzwisisa nezve Shoko reUchenjeri, ndaida kuti vabereki vangu vararame mutemo iwoyo. Saka, rimwe zuva pandakanga ndiri mudiki kwazvo, ndakaenda kumupanda wedu wepazasi pemba ndikarovera pasi pakongiri rose bhodhoro redoro! Ndakatarisira kurangwa nababa vangu , asi havana kana shoko ravakataura.

Pandakanga ndakura uye ndavakutanga kunzwisisa kukosha kwechirongwa chaBaba Vekudenga, ndaiwanzo taura kazhinji mumwoyo mangu kuti, “Handidi chimwezve chipo cheKirisimasi!” Ndirikungoda kusunganidzwa kuvabereki vangu.” Chiitiko chaishuvirwa ichocho hachina kuitika kusvikira vabereki vangu vapfuura makore makumi masere, ndokubva chazoitika. Ini handikwanise kunyatsoratidza mufaro wandakanzwa zuva iroro,3 uye zuva rega rega ndinonzwa mufaro iwoyo wekusunganidzwa kwavo uye nekusunganidzwa kwangu kwavari.

Mufananidzo
Russell naDantzel Nelson

Muna 1945, apo pandakanga ndiri muchikoro chekudzidzira zvekurapa, ndakachata naDantzel White muSalt Lake Temple. Iye neni takakomborerwa nevanasikana vapfumbamwe vakanakisa uye nemwanakomana mumwechete anokosha. Nhasi mhuri yedu irikungoramba ichikura ndeumwe wemafaro makuru-kuru eupenyu hwangu.

Mufananidzo
Mutungamiri naSisita Nelson nevanasikana vavo
Mufananidzo
President Nelson nemwanakomana wavo

Muna 2005, mushure memakore anoda kusvika makumi matanhatu ewanano, mudiwa wangu Dantzel akangoerekana adaidzwa kuenda kumusha. Kwechinguva, rusuwo rwangu rwakandibata zvekupotsa ndatadza kuita zvinhu zvamazuva ose. Asi shoko reIsita uye nechivimbiso chekumuka kuvakafa zvakandisimbisa.

Mufananidzo
Wendy naRussell Nelson

Zvino Ishe vakazounza Wendy Watson kurutivi rwangu. Takasunganidzwa muTemberi yeSalt Lake musi waKubvumbi 6, 2006. Ndinomuda zvikuru! Mudzimai anoshamisa—ropafadzo guru kwandiri, kumhuri yedu, uye kuChechi yose.

Rimwe nerimwe remaropafadzo aya rakauya semhedzisiro yekutsvaga uye nekuteerera kufemero dzeMweya Mutsvene. Mutungamiri Lorenzo Snow vakataura kuti, “Uyu mukana wakanakisisa kune Mutendi weMazuva Ekupedzisira ega ega … wekuti ikodzero yedu yekuve nezviratidzo zveMweya zuva rega rega reupenyu hwedu.”4

Chimwe chezvinhu chinoramba chichisimbiswa neMweya papfungwa dzangu kubvira pakudaidzwa kwangu kutsva seMutungamiri weChechi ndeche madiro anoita Ishe kuratidza pfungwa Dzavo nechido Chavo. Ropafadzo rekugamuchira zvakazarurwa rimwe rezvipo zvikuru-kuru zvaMwari kuvana Vavo.

Kuburikidza nezviratidziro zveMweya Mutsvene, Ishe vanozotibatsira mune dzese vavariro dzakarurama dzedu. Ndinoyeuka ndiri mumupanda wekuoparetera, ndakamira kumusoro kwemurwere—ndisina chokwadi chemaitiro eoparesheni isina kumbobvira yakaitwa—uye ndikanzwa Mweya Mutsvene uchidhirowa maitirwo eoparesheni iyi mupfungwa dzangu.5

Kuti ndisimbise chikumbiro changu chekuti Wendy achate neni, ndakati kwaari, “Ndinoziva nezve zvakazarurwa uye nemagamuchirirwo azvinoitwa.” Kumupa rumbidzo—uye, nekuzosvika pakuziva, sechinhu chaangaite—akange atotsvaga uye agamuchira zvakazarurwa zvake pachake pamusoro pezvedu, izvo zvakamupa hushingi hwekuti ati hongu.

Senhengo yeChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri, ndainamatira zvakazarurwa zuva nezuva uye ndichipa kutenda kuna Ishe nguva dzose dzaVaitaura kumwoyo wangu nepfungwa dzangu.

Fungidzirai chishamiso chazvo! Kune ipi zvayo daidzo yedu yemuChechi, tinokwanisa kunamata kuna Baba vedu veKudenga uye tigogamuchira nhungamiro nerairo, tichiyambirwa nezvenjodzi nezvitsautso, uye tichikwaniswa kubudirira pazvinhu zvataisazombokwanisa kuita tiri tega. Kana tikagamuchira zvechokwadi Mweya Mutsvene uye tichidzidza kuziva nekunzwisisa femero Dzawo, tinozotungamirwa muzvinhu zvikuru nezvidiki.

Chinguva chipfupi chapfuura apo pandakatarisana nebasa rairatidzika serakaoma zvikuru kubudirira pariri rekusarudza vatevedzeri vaviri, ndakanetseka kuti ndaizokwanisa sei kusarudza vaviri chete kubva kuvarume gumi nevaviri vandinoda uye vandinoremekedza.

Nokuti ndinoziva kuti femero yakanaka inowanikwa paruzivo rwakanaka, nemunamato ndakasangana ini ndega neMuapositora ega ega.6 Zvino ndakazozviisa pekuti ndive ndega mumupanda wakavanzika wemutemberi uye ndikatsvaga chido chaIshe. Ini ndinopupura kuti Ishe vakandiraira kuti ndisarudze Mutungamiri Dallin H. Oaks neMutungamiri Henry B. Eyring kuti vashande sevatevedzeri vangu muHutungamiri Hwekutanga.

Nenzira imwecheteyo, ndinopupura kuti Ishe vakafemera kudanwa kwaGosa Gerrit W. Gong naGosa Ulisses Soares kuti vagadzwe seVaapositora Vavo. Ini nesu tinovagamuchira kuhukama uhwu husina kufana nechimwe chinhu hwekushandira.

Apo patinoungana seDare reHutungamiri Hwekutanga neChikwata chevane Gumi neVaviri, mipanda yedu yekusanganira inova mipanda yezvakazarurwa. Mweya unenge uripo zvakasimba. Apo patinorwisana nezvinhu zvinogozha, mafambiro ezvinhu anofadza zvikuru anoitika apo Muapositora ega ega paanotaura pfungwa dzake nemaonero ake akasununguka. Kunyangwe tichisiyana mumaonero ezvinhu edu pekutanga, rudo rwatinonzwirana nderwe nguva dzose. Kubatana kwedu kunotibatsira kuziva chido chaIshe chezveChechi Yavo.

Mumisangano yedu, ruzhinji harumbotongi! Tinoteerera nemunamato kune mumwe nemumwe wedu uye tinotaurirana kusvikira tabatana. Zvino kana tasvika pachibvumirano chakakwana, shanduro inobatanidza yeMweya Mutsvene inofadza zvinoshamisa! Tinonzwa izvo Muporofita Joseph Smith zvavaiziva apo pavakadzidzisa kuti, “Nekubatana kwemanzwiro edu tinowana simba naMwari.”7 Hakuna nhengo yeHutungamiri Hwekutanga kana yeChikwata chevane Gumi neVaviri ingambofa yakasiyira sarudzo dzeChechi yaIshe kumafungiro ake pachake aanoona akakodzera!!

Mabhuratha nemasisita, tingave sei varume nevakadzi—varanda vakaita saKristu—vanodiwa naIshe kuti tive? Tinokwanisa sei kuwana mhinduro kumibvunzo inotikangaidza? Kana chiitiko chinoshamisa zvikurusa chaJoseph Smith muChisango Chinoyera chichitidzidzisa chimwe chinhu, chinotidzidzisa kuti matenga akavhurika uye kuti Mwari vanotaura kuvana Vavo.

Muporofita Joseph Smith vakatimisira nzira yekuti titevere mukugadzirisa mibvunzo yedu. Nokunge akwezverwa kuchivimbiso chaJakobo chekuti kana tichishayiwa uchenjeri tingakumbira kuna Mwari,8 mukomana Joseph akaenda nemubvunzo wake kunaivo Baba Vekudenga. Akatsvaga zvakazarurwa zvake pachake, uye kutsvaga kwake ikoko kwakavhura mukuwo wekupedzisira uno.

Nemunzira imwecheteyo, kutsvaga kwenyu kunozokuvhurirai chii? Huchenjeri hupi hwamunoshaya? Chii chamunonzwa kufanira kukurumidza kuziva kana kunzwisisa? Teverai muenzaniso weMuporofita Joseph. Tsvagai nzvimbo yakanyarara iyo yamunokwanisa kuenda nguva nenguva. Zvininipisei pamberi paMwari. Dururai mwoyo wenyu kuna Baba venyu Vekudenga. Tendeukirai kwaVari kuitira kuwana mhinduro nekuwana nyaradzo.

Namatai muzita raJesu Kristu pamusoro pezvinetso zvenyu, pezvamunotya, utera hwenyu—hongu, zvishuvo izvozvo chaizvo zvemwoyo yenyu. Uye zvino moteerera! Nyorai ndangariro dzinouya mupfungwa dzenyu. Nyorai pasi manzwiro enyu uye moita zvinhu zvamunofemerwa kuti muite. Apo pamunodzokorora maitiro aya zuva nezuva, mwedzi nemwedzi, gore negore, “munozokura mumusimboti wezvakazarurwa,”9

Mwari vanoda here zvechokwadi kutaura nemi? Hongu! “Zvingaite semunhu anoisa kaoko kake kasina simba kudzivirira rwizi rweMissouri kuti rwusaerere nenzira yarwo yakatemwa … sekurambidza Samasimba kuti vadire ruzivo kubva kudenga, pamisoro yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira.”10

Hamufanire kunetseka pamusoro pekuti chokwadi ndechipi.11 Hamufanire kunetseka nekuti ndiani wamunokwanisa kuvimba naye zvakanaka. Kuburikidza nezvakazarurwa zvenyu pachenyu, munokwanisa kugamuchira uchapupu hwenyu pachezvenyu hwekuti Bhuku raMormoni ishoko raMwari, kuti Joseph Smith muporofita, uye kuti ino ndiyo Chechi yaIshe. Zvisinei nezvingangotaurwa kana kuitwa nevamwe, hapana munhu angatore uchapupu hwakataurwa kumwoyo wenyu nepfungwa dzenyu pamusoro peizvo zvinova chokwadi.

Ndinokukurudzirai kuita zvinopfuura kwaniso yenyu yezvemweya yamuinayo zvino kuti mugamuchire zvakazarurwa zvenyu pachenyu, nekuti Ishe vakavimbisa kuti “kana [mukakumbira], muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo, kuti mugoziva zvakavandika nezvinhu zverunyararo—izvo zvinounza rufaro, izvo zvinounza upenyu hwusingaperi.”12

Pane zvakawandisisa izvo Baba venyu vari Kudenga zvavanoda kuti muzive. Sekudzidzisa kwakaita Gosa Neal A. Maxwell kuti, “Kune avo vane maziso ekuona uye nenzeve dzekunzwa, zviri pachena kuti Baba neMwanakomana vari kupa zvakavanzika zvepasi rose!”13

Hapana chinovhura matenga sezvakaita kusanganisa utsvene, kunyatsoteerera, kutsvaga nemwoyo wose, kudya mazuva ose pamashoko aKristu muBhuku raMormoni zvakawedzerwa,14 uye nguva nenguva inopirwa kuita basa remutemberi nerenhoroondo yemhuri.

Kutaura chokwadi, pangangova paine nguva dzaunonzwa sekunge matenga akavharwa. Asi ndinovimbisa kuti apo pamunoramba muchiteerera, muchitenda neropafadzo rose ramunopihwa naIshe, uye apo pamunoremekedza nemwoyo murefu nguva yaIshe, muchapihwa ruzivo nenzwisiso zvamunotsvaga. Ropafadzo rose iro Ishe ravainaro rekuti vakupei—kunyange zvishamiso—zvinozotevera. Izvo ndizvo zvinozoitwa nezvakazarurwa zvako pachako.

Ndine tarisiro yakanaka pamusoro peramangwana. Rinozova rakazadzwa nemikana yekuti mumwe nemumwe wedu afambire mberi, atore chinhano, uye aendese vhangeri kumativi ose epasi. Asi handisiwo ndisinakungwara pamusoro pemazuva ari mberi. Tinorarama munyika yakagozha uye ine kukakavadzana kuri kuramba kuchiwedzera. Kuwanikwa nguva dzose kwekugoverana nekutaurirana nyaya paindaneti uye nenhau dzinoswerera zuva rose kuri kutizadza nemashoko asingaperi. Kana tiine tariro ipi zvayo yekusarudza mukati mezviuru zvemazwi akasiyana siyana uye nemudzidziso dzevanhu zvinopikisa chokwadi, tinofanira kudzidza kugamuchira zvakazarurwa.

Muponesi neMununuri wedu, Jesu Kristu, anozoita mamwe emabasa Ake makuru-kuru pakati paiyezvino neapo paAnouya zvakare. Tinozona zviratidzo zvinoshamisa zvekuti Mwari Baba neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, vanotungamira Chechi ino muhushe nekubwinya. Asi mumazuva arikuuya, zvinezenge zvisingagoneke kurarama pane zvemweya pasina kutungamirirwa, kurairwa, kunyaradzwa, uye neshanduro yenguva dzose yeMweya Mutsvene.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinokutetererai kuti muwedzere kwaniso yezvemweya yenyu yekugamuchira zvakazarurwa. Itai kuti Svondo ino yeIsita ive nguva inokosha muupenyu hwenyu. Sarudzai kuita basa remweya rinodikanwa kuti munakirwe nechipo cheMweya Mutsvene uye munzwe izwi reMweya nguva zhinji uye zvakanyanya kujeka.

NaMoroni, ndinokukurudzirai paSabata yeIsita kuti “muuye kuna Kristu, muve munobatirira kune zvipo zvakanaka,”15 muchitanga nechipo cheMweya Mutsvene, icho chipo chinokwanisa kushandura uye chinozoshandura upenyu hwenyu.

Tiri vateveri vaJesu Kristu. Chokwadi chakakoshesesa icho chinozofa chakapupurwa kwauri neMweya Mutsvene ndechekuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari vanorarama. Mupenyu! Murevereri wedu kunaBaba, Muenzaniso wedu, uye Mununuri wedu. Pane ino Svondo yeIsita, tinorangarira kuzvipira kwerudzikinuro Kwake, Kumutswa Kuvakafa chaiko Kwake, uye humwari Hwake.

Ino iChechi Yake, yakadzoreredzwa kuburikidza neMuporofita Joseph Smith. Ndinopupura, nekuzivisa rudo rwangu kune mumwe nemumwe wenyu, muzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.