2010–2019
Munyoro uye Ane Mwoyo Wakaninipa
Kubvumbi 2018


Munyoro uye Ane Mwoyo Wakaninipa

Unyoro ndihwo hunhu huno tsanangura Mununuri uye hunoratidzwa nemapinduriro akarurama, kuzvideredza uchida, uye nokuzvidzora kwakasimba.

Ndinofara mumukana unoyera wekutsigira vatungamiri vedu veChechi, uye ndinotambira nemwoyo wose Gosa Gong naGosa Soares kuChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. Hushumiri hwevarume vakatendeka ava hwunozoropafadza vanhu pachavo uye mhuri napanyika pose, uye ndinoda zvikuru kushandira navo uye kudzidza kubva kwavari.

Ndinonamata kuti Mweya Mutsvene unozotidzidzisa uye nekutijekesera apo patinodzidza pamwechete pamusoro pechikamu chakakosha chehunhu wehumwari hweMuponesi1 uhwo mumwe nemumwe wedu hwaanofanira kuedza kutevedzera.

Ndichazopa mienzaniso yakati wandei inoratidza hunhu hwakafanana nehwaKristu ndisati ndadoma hunhu hwacho chaihwo pashure mushoko rangu. Ndapota nyatsoteererai kumuenzaniso mumwe nemumwe uye mugofunga pamwepo neni mhinduro dzakanaka kumibvunzo yandinozobvunza.

Muenzaniso #1. Jaya Mupfumi naAmureki

MuTestamente Itsva, tinodzidza nezvejaya mupfumi rakabvunza Jesu kuti, “Mudzidzisi Akanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”2 Muponesi akatanga amuraira kuti achengete mirairo. Tenzi akatevera nokupa jaya racho chimwezve chaaifanira kuita chaienderana nezvidikanwi zvake pachake uye nemamiriro ezvinhu ake.

“Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga: ugouya unditevere.

“Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rikaenda rineshungu, nokuti rakanga rinefuma zhinji.”3

Enzanisa mhinduro yejaya mupfumi uyu nechiitiko chaAmureki, sekutsanangurwa kwazvakaitwa muBhuku raMormoni. Amureki aive murume aishanda nesimba uye akabudirira aine hama uye shamwari zhinji.4 Akazvitsanangura semurume akadaidzwa nguva zhinji kushandira Ishe asi airamba kunzwa, murume aiziva zvinhu zvaMwari asi akasarudza kusaziva.5 Amureki pamusoro pazvose aiva murume akanaka, asi akatsauswa nezvinhu zvenyika kufanana nejaya mupfumi rinotsanangurwa muTestamente Itsva.

Kunyangwe zvazvo pashure akanga amboomesa mwoyo wake, Amureki akateerera izwi rengirozi, akagamuchira muporofita Aruma mumba make, uye akamupa zvokudya. Akakurudzirwa pane zvemweya panguva yekushanya kwaAruma uye akadaidzwa kuti aparidze vhangeri. Amureki zvino akasiya “goridhe rake, nesirivheri yake, uye nezvinhu zvake zvakakosha … kuitira shoko raMwari, [uye akarambwa] naavo vaimbova shamwari dzake uyewo nababa vake nehama dzake.”6

Chii chamunofunga kuti chinotsanangura musiyano pakati pemhinduro dzejaya mupfumi naAmureki?

Muenzaniso #2. Pahorani

Munguva yaiva nenjodzi yehondo yakatsanangurwa muBhuku raMormoni, kunyoreranwa kwetsamba kwakaitika pakati paMoronai, kaputeni wemauto echiNifai, naPahorani, mutongi mukuru uye gavhuna wemunyika yacho. Moronai, uyo mauto ake aiva achitambura nokuda kwerutsigiro rwaiva rusinakukwana kubva kuhurumende, akanyorera Pahorani “nenzira yekushoropodza”7 uye akamupomera mhosva iye nevamwe vake vatungamiri yokushaya hanya, yenungo, yokuregerera, uye kunyangwe yokuva vatengesi.8

Pahorani aigona kunge akatsamwira Moronai nepomero dzemhosva dzake dzaiva dzisiri chokwadi, asi haana kudaro. Akapindura nemutsa uye akatsanangura rupandikiro kuhurumende urwo Moronai rwaaisaziva nezvarwo. Uye zvino Pahorani akazivisa kuti:

“Tarisa, ndinoti kwauri Moronai, kuti handifadzwe nematambudziko ako makurusa, hongu, zvinosuwisa mweya wangu. …

“… Mutsamba yako wandishoropodza, asi hazvina mhosva; handina kushatirwa, asi ndinofara nehukuru hwemwoyo wako.”9

Chii chamunofunga kuti chinotsanangura mhinduro yemwoyo murefu yaPahorani kupomero dzemhosva dzaMoroni?

Muenzaniso #3. Mutungamiri Russell M. Nelson naMutungamiri Henry B. Eyring

Mumusangano mukuru mwedzi mitanhatu yakapfuura iyo, Mutungamiri Russell M. Nelson vakatsanangura mhinduro yavo kukukoka kwaMutungamiri Thomas S. Monson kwekunzvera, kufungisisa, uye kushandisa zvokwadi zviri muBhuku raMormoni. Vakati: “Ndakaedza kutevera rairo yavo. Pakati pezvimwe zvinhu, ndakaita mudorongodzwa weizvo Bhuku raMormoni, zvariri, izvo zvarinozivisa, izvo zvarinoramba, izvo zvarinozadzikisa, izvo zvarinojekesa, uye izvo zvarinozarura. Kuongorora Bhuku raMormoni nenzira iyoyo kwakave chiito chenzwisiso yakadzama uye chinokurudzira! Ndinozvikurudzira kune mumwe nemumwe wenyu.”10

Mutungamiri Henry B. Eyring vakasimbisawo kukosha muupenyu hwavo kwechikumbiro chaMutungamiri Monson. Vakataura kuti:

“Ndakaverenga Bhuku raMormoni mazuva ose kwemakore anopfuura makumi mashanu. Naizvozvo ndinokwanisa kunge ndakave nepfungwa yekuti mashoko aMutungamiri Monson akanga achireverwa mumwe munhu. Asi zvakadaro, sevazhinji venyu, ndakanzwa kurudziro yemuporofita uye vimbiso yake ichindikoka kuti ndiedze zvakasimbisisa. …

“Mhedzisiro inofadza kwandiri, uye nekune vazhinji venyu, yakave yeizvo zvakavimbiswa nemuporofita.”11

Chii chamunofunga kuti chinotsanangura mhinduro dzepakareko uye dzemwoyo wose kukukoka kwaMutungamiri Monson nevatungamiriri vaviri ava veChechi yaIshe?

Handisi kutaura kuti mhinduro dzakasimba panezvemweya dzaAmureki, Pahorani, Mutungamiri Nelson, naMutungamiri Eyring dzakakonzerwa nehunhu humwechete hwakafanana nehwaKristu chete. Chokwadi, hunhu nezviitiko zvizhinji zvinofambirana zvakatungamirira mukukura panezvemweya kunoratidzwa muupenyu hwevaranda vana ava vanokudzwa. Asi Muponesi nevaporofita Vake vakasimbisa hunhu hwakakosha uhwo isu tese hwatinofanira kunzwisisa zvakanyanya kuzara uye nokuedza kuisa muupenyu hwedu.

Unyoro

Ndapota cherechedzai hunhu uhwo Ishe hwavakashandisa kuzvitsanangura Ivo pachavo muchinyorwa chitsvene chinotevera: “Muise joko rangu pamusoro penyu, uye mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu.”12

Mukutirairidza, Muponesi akasarudza kusimbisa unyoro kubva pakati pehunhu hwose uye zviito zvakanaka zvose zvaAikwanisa kunge akasarudza.

Murairidzo mumwechetewo unowonekwa muzvakazarurwa zvakagamuchirwa neMuporofita Joseph Smith muna 1829. Ishe vakazivisa kuti, “Dzidzai pamusoro pangu, uye muteerere kumashoko angu; fambai muunyoro hweMweya wangu, uye muchava norunyararo mandiri.”13

Unyoro ndihwo hunhu huno tsanangura Mununuri uye hunoratidzwa nemapinduriro akarurama, kuzvideredza uchida, uye nokuzvidzora kwakasimba. Hunhu uhwu hunotibatsira kunzwisisa zvakanyanya kuzara imwe neimwe yemhinduro dzaAmureki, Pahorani, Mutungamiri Nelson, uye naMutungamiri Eyring.

Semuenzaniso, Mutungamiri Nelson neMutungamiri Eyring neururami uye nekukurumidza vakapindura kukurudziro yaMutungamiri Monson yekuverenga nekunzvera Bhuku raMormoni. Kunyangwe vose varume ava vaishandira muzvinzvimbo zveChechi zvakakosha uye zvinoonekera uye vari vakanga vanzvera magwaro matsvene zvikurusa kwemakumi emakore, vakaratidza mumhinduro dzavo kusazengurira kana kuva nepfungwa yekuzvikoshesa.

Amureki nokuda akazviisa pasi pechido chaMwari, akagamuchira daidzo yekuparidza vhangeri, uye akasiya kumashure mamiriro ezvinhu ake erudekaro uye hukama neshamwari nenhengo dzemhuri. Uye Pahorani akaropafadzwa nenzwisiso uye nokuzvidzora kwakasimba kwekuita chinhu afunga pane kuita chinhu asina kufunga sekutsanangura kwaakaita kuna Moroni mamiriro ezvinhu akaoma aikonzerwa nekupandukira hurumende kwakanga kuchiitika.

Hunhu hwakafanana nehwaKristu hweunyoro kazhinji haunzwisiswe munyika yedu yemazuva ano. Unyoro kusimba, kwete utera; kushingaira, kwete kungonyarara; kuva neushingi, kwete kutya; kuzvidzora, kwete kuita zvinopfuuridza; kuzvininipisa, kwete kuzvitutumadza; uye kuva netsika, kwete kusava netsika. Munhu munyoro haatsamwiswi nyore, haanyepedzeri, kana kuzvitutumadza uye anokurumidza cherechedza budiriro dzevamwe.

Asi runinipo nguva zhinji runoreva kuvimba panaMwari uye kudikanwa kwenguva dzose kwenhungamiro netsigiro Yavo, ratidzo yehunhu hweunyoro igashiro yezvepamweya yekudzidza zvose kubva kuMweya Mutsvene uye kubva kuvanhu vanogona kuratidzika sekunge vasinganyanyi kukwanisa, vasina ruzivo rwakanyanya, kana vasina kunyanya kudzidza, avo vanogona kunge vasina zvinzvimbo zvakakosha, kana kuti neimwe nzira vangangoratidzika sevasina ruzivo ruzhinji rwekugovera. Rangarirai makundiro akaita Naamani, kaputeni wemauto amambo muSyria, rudado rwake uye neunyoro akagamuchira rairo yevaranda vake yekuteerera Erisha muporofita uye kunogeza murwizi rweJordani kanomwe.14 Unyoro ndiyo dziviriro huru kubva kuhupofu hwerudado urwo runowanzokonzerwa nemukurumbira, chinzvimbo, simba, upfumi, uye rumbidzo nevamwe.

Unyoro—Hunhu Hwakafanana nehwaKristu uye Chipo cheMweya

Unyoro hunhu hunokudziridzwa kuburikidza nechido chemunhu pachake, kushandisa zvakarurama rusununguko rwesarudzo, uye nekuedza nguva dzose kuchengetedza ruregerero rwezvivi zvedu.15 Ichiwo chipo chemweya icho chatinokwanisa kutsvaga zvakakodzera.16 Tinofanira kurangarira, zvisinei, zvinangwa izvo ropafadzo rakadaro zvarinopuwirwa, kunyangwe kupundutsa nekushandira vana vaMwari.17

Apo patinouya uye nekutevera Muponesi, tinowedzera uye padiki nepadiki tinokwaniswa kuti tive saIye zvakanyanya. Tinoropafadzwa neMweya nehunhu hwekuzvidzora uye nemaitiro akaterema uye akadzikama. Nokudaro, vanyoro ndizvo zvatinova sevadzidzi vaTenzi uye kwete chete sechimwe chinhu chatinoita.

“Mosesi akadzidziswa uchenjeri hwose hwevaEgipita, akava nesimba pamashoko napamabasa ake.”18 Asi zvakadaro “wakanga ari munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.”19 Ruzivo rwake uye kwaniso dzake zvaikwanisa kunge zvakamuita kuti ave nerudado. Panzvimbo paizvozvo, hunhu uye chipo chezvemweya cheunyoro izvo zvaakaropafadzwa nazvo zvakaderedza kuzvitutumadza muupenyu hwake uye zvikakudza kwaniso yaMosesi semudziyo wekuzadzisa zvinangwa zvaMwari.

Tenzi seMuenzaniso weUnyoro

Mienzaniso yakanakisisa uye yakakosha yeunyoro inowanikwa muupenyu hweMuponesi Pachake.

Mununuri Mukuru, uyo “akadzika pasi pezvinhu zvose”20 uye akatambura, akabuda ropa, uye akafa “kuti atinatse pakusarurama kwose,”21 zvinyoro-nyoro akageza tsoka dzaiva nehuruva dzevadzidzi Vake.22 Unyoro hwakadaro ndihwo hunhu hunoratidza Ishe semuranda uye mutungamiri.

Jesu anopa muenzaniso mukurusa wemapinduriro akarurama uye wekuzvideredza uchida apo paakatambura marwadzo makurusa muGetsemane.

“Wakati asvika panzvimbo iyo, akati [kuvadzidzi vake], Nyengeterai kuti murege kupinda mukuidzwa.

“Uye … akapfugama akanyengetera,

“Achiti, Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri; asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”23

Unyoro hweMuponesi muchiitiko chakakosha nekusingaperi uye chinorwadza zvikurusa ichi hunoratidza kune mumwe nemumwe wedu kukosha kwekuisa ungwaru hwaMwari pamusoro peungwaru hwedu pachedu.

Kusashanduka kwekuzvideredza achida uye kuzvidzora kwakasimba kwaIshe kunoshamisa pamwepo nokuva rairidzo kwatiri tose. Apo boka raiva rakapakatira zvombo revarindi vepatemberi uye nemauto echiRoma pavakasvika paGetsemane kuzobata nekusunga Jesu, Petro akazvomora munondo wake akagura nzeve yekurudyi yemuranda wemupirisita mukuru.24 Muponesi zvino akabata nzeve yemuranda uye akamuporesa.25 Ndapota cherechedzai kuti Akananavira uye akaropafadza murume aiedza kumutora senhapwa, achishandisa simba rekudenga rimwechetero iro raikwanisa kunge rakaMudzivirira kubatwa nekurovererwa pamuchinjikwa.

Fungawo pamusoro pezvaitika apo Tenzi pavakapomerwa uye nekutongerwa mhosva pamberi paPirato kuti arovererwe pamuchinjikwa.26 Jesu akanga azivisa pachena panguva yekutengeswa Kwake kuti, “Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa ikozvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru anegumi namaviri?”27 Asi zvakadaro “Mutongi Wokusingaperi wavose vapenyu navakafa”28 zvichipikisana neizvo zvaifanira kunge zvakaitika nenzira inemusoro akatongwa pamberi pouyo akanga agadzwa nehurumende kwechinguva. “Uye [Jesu] haana kumupindura kana neshoko rimwechete; mubati akashamisika kwazvo-kwazvo nazvo.”29 Unyoro hweMuponesi hunoratidzwa nemhinduro Yake yaiva nekuzvibata, kuzvidzora kwakasimba, uye kusada kushandisa simba Rake risina mugumo kuitira rupundutso rwake pachake.

Vimbiso uye Uchapupu

Mormoni anoratidza unyoro semavambo anobva kwaniso dzose nezvipo zvose zvemweya.

“Nokudaro, kana munhu aine rutendo anofanira kuva netariro; nokuti pasina rutendo hapakwanisi kuva netariro ipi zvayo.

“Uye zvakare, tarisai ndinoti kwamuri haakwanisi kuva norutendo netariro, kusara kwokunge ari munyoro uye ane mwoyo wakaninipa.

“Kana zvakadaro, rutendo rwake netariro yake hazvina maturo, nokuti hakuna unogamuchirwa naMwari, kusara kwavanyoro uye vane mwoyo wakaninipa; uye kana munhu ari munyoro uye ane mwoyo wakaninipa, uye achibvuma nesimba roMweya Mutsvene kuti Jesu ndiye Kristu, anofanirwa kuva norudo rwakadzama; nokuti kana asina rudo rwakadzama haana chaari; nokudaro anofanirwa kuva norudo rwakadzama.”30

Muponesi akazivisa pachena kuti, “Vakaropafadzwa vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.”31 nyoro chikamu chakakosha chehunhu hwoumwari uye hunokwanisa kugamuchirwa uye nekukudziridzwa muupenyu hwedu nokuda uye kuburikidza neRudzikinuro rweMuponesi.

Ndinopupura kuti Jesu Kristu ndiye Mununuri wedu akamutswa kuvakafa uye anorarama. Uye ndinovimbisa kuti Anozotitungamira, kutidzivirira, uye nekutisimbisa apo patinofamba muunyoro hweMweya Wake. Ndinozivisa pachena uchapupu hwangu hwakasimba hwezvokwadi uye nezvivimbiso izvi muzita rinoyera raIshe Jesu Kristu, ameni.