2012
Vakurudzirei Kunamata
Kukadzi 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2012

Vakurudzirei Kunamata

Apo pandakanga ndiri kamwana kadiki, vabereki vangu vakandidzidzisa nemuenzaniso kunamata. Ndakatanga ndiine fungidziro mupfungwa mangu yaBaba Vekudenga vaiva kure kure. Asi nekukura, ruzivo rwangu nemunamato rwashanduka. Fungidziro irimupfungwa mangu yava iyo yaBaba Vekudenga vari pedyo pedyo, avo vakafukidzwa nechiedza chinopenya, uye vanonyatsondiziva zvakakwana.

Shanduko iyoyo yakauya apo pandakawana uchapupu hwechokwadi hwekuti rondedzero yaJoseph Smith yechiitiko chake chemuna 1820 muManchester, mudunhu reNew York, ndechechokwadi.

“Ndakaoona murazvu wechiedza uri nechepamusoro pangu chaipo, uchipenya kupfuura kupenya kwezuva, uyo wakadzika zvishoma nezvishoma kusvika wave pandiri.

“Pasina nguva, ndakabva ndaona ndatobviswa pamuvengi uyo akanga akandisunga. Chiedza pachakamira pandiri ndakaona Vanhu vaviri, avo kupenya kwavo nekubwinya kwavo kunokunda tsananguro yose, vakamira nechepamusoro pangu mumhepo. Mumwe wavo akataura kwandiri, achindidaidza nezita rangu uye akati achinongedzera kune mumwe—Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!” (Nhoroondo ya—Joseph Smith 1:16–17).

Baba Vekudenga Vakanga vari muchisango ichi pazuva iroro rakanaka rematsutso. Vakadaidza Joseph nezita. Uye vakasuma Muponesi wepanyika akamutswa kuvakafa se “Mwanakomana Wavanoda” Wavo. Pari papi zvapo nekose kupi zvako kwaunonamata, uchapupu hwako hwehuchokwadi hwechiitiko chinoshamisa ichocho hunokwanisa kukuropafadza.

Baba avo vatinomata kwavari ndivo Mwari Vanobwinya Vakasika nyika kuburikidza neMwanakomana Wavo Wavanoda. Vanonzwa minamato yedu sekunzwa kwaVakaita munamato waJoseph—zvakajeka sekunge minamato yacho iri kupihwa pamberi paVo chaipo. Vanotida zvakakwana zvekuti Vakapa Mwanakomana Wavo kuti ave Muponesi wedu. Nechipo ichocho Vakaita kuti zvikwanisike kwatiri kuti tiwane kusafa neupenyu husingaperi. Uye Vanotipa, kuburikidza nemunamato nemuzita reMwanakomana Wavo, mukana wekutaura Navo muupenyu huno kakawanda sekusarudza kwedu.

Vane hupirisita muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira vane ruvimbo runoera “rwekushanyira imba yenhengo yega yega, uye nekuvakurudzira kuti vanamate vachidudza uye nemuruvande” (D&Z 20:47; kusimbisa kwakawedzerwa).

Kune nzira dzakawanda dzekukurudzira mumwe munhu kuti anamate. Semuenzaniso, tinokwanisa kupupura kuti Mwari vakatiraira kuti tinamate nguva dzose, kana kuti tinokwanisa kutsanangura mienzaniso inobva mumagwaro matsvene uye inobva muzviitiko zvedu pachedu zvemaropafadzo anouya kubva muminamato yekutenda, yezvikumbiro, neyekutsvaga ruzivo. Semuenzaniso, ndinokwanisa kupupura kuti ndinoziva kuti Baba Vekudenga vanopindura minamato. Ndakagashira nhungamiro nenyaradzo kubva mumazwi akauya mupfungwa mangu, uye ndinoziva nokuda kweMweya Mutsvene kuti mazwi iwayo aibva kuna Mwari.

Muporofita Joseph Smith vakava nezviitiko zvakadaro, uye newe unokwanisawo kuva nazvo. Akagashira mhinduro iyi kumunamato wakapihwa nemwoyo wese:

“Mwanakomana wangu, runyararo ngaruve kumweya wako; matambudziko ako nemarwadzo ako zvichave kwechinguva chidiki;

“Uye zvino, kana ukashingirira mazviri zvakanaka, Mwari vachakusimudzira pamusoro” (D&Z 121:7–8).

Ichochi chaiva chakazarurwa kubva kuna Baba vane rudo kuenda kumwanakomana akatendeka akanga ari mumarwadzo makuru kwazvo. Wese mwana waMwari anokwanisa kutaura mumunamato Navo. Manzwiro erudo nechiedza akauya kwandiri semhinduro kuminamato yangu yakaninipa akava neshanduro hurusa pandiri kupinda kurudziro ipi zvayo yekunamata.

Tinowana uchapupu hwemurairo upi zvawo waMwari nekuchengeta murairo iwoyo (ona Johane 7:17). Izvi ichokwadi kumurairo wekuti tinamate nguva dzose tichidudza uye nemuchivande. Semudzidzisi wenyu neshamwari yenyu, ndinovimbisa kuti Mwari vanozopindura minamato yenyu uye kuti nesimba reMweya Mutsvene, munokwanisa kuzvizivira pachenyu kuti mhinduro dzacho dziri kubva kwaVari.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

  • “Mifananidzo zvishandiso zvinokosha zvekusimbisa pfungwa huru iri muchidzidzo” (Teaching, No Greater Call [1999], 176). Ratidza mufananidzo waJoseph Smith kana weChiratidzo Chekutanga. Kurukurai chiitiko chakasanganikwa nacho naJoseph Smith pamusoro pemunamato. Minamato yako ingava inonyanya kureva chinhu sei kana ukafananidza “Baba Vekudenga … vari pedyo pedyo,” sezvinoita Mutungamiri Eyring?

  • Sekuraira kwaita Mutungamiri Eyring, funga kugovera uchapupu hwako pamusoro pemunamato, uchitsanangura maropafadzo awakagashira nokuda kwemunamato, kana kugovera zvinyorwa zvitsvene pamusoro pemunamato.