2012
Vachengeti veMhuri
Kukadzi 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2012

Vachengeti veMhuri

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Muri vachengeti vemhuri,” vakadaro Mutungamiri Gordon B. Hinckley (1910–2008) apo pavaisuma “Mhuri: Chiziviso kuNyika” mumusangano mukuru weChita cheRubatsiro muna1995. “Ndimi munobereka vana. Ndimi imi munovarera nekumisa mavari tsika dzeupenyu hwavo. Hakuna rimwe basa rinosvika padyo zvakadaro neumwari sezvinoita kurera vanakomana nevanasikana vaMwari.”1

Kwemakore angadakusvika kugumi nemanomwe iyezvino chiziviso ichi chinosimbisa kuti mabasa edu anokosha zvikuru akamiswa pakusimbisa mhuri nedzimba—zvisinei nemamiriro ezvinhu edu iyezvino. Barbara Thompson, mutevedzeri wechipiri iyezvino muhutungamiri hukuru hweChita cheRubatsiro, akanga ari muTebanakeri yeSalt Lake apo pakaverenga Mutungamiri Hinckley chiziviso kekutanga. “Yaiva nguva huru kwazvo,” anoyeuka. “Ndakanzwa kukosha kweshoko iroro. Ndakazviwanawo ndichifunga kuti, ‘Iyi inhungamiro huru kwazvo kuvabereki. Ibasawo guru revabereki.’ Ndakafunga kwekanguva kadiki kuti shoko iri rakanga risina chekuita neni zvakanyanya sezvo ndakanga ndisina kuchata uye ndakanga ndisina kana vana. Asi nechinguva ichocho ndakabva ndafunga kuti, ‘Asi rinechekuita neni. Ndiri nhengo yemhuri. Ndiri mwanasikana, mukoma, munin’ina kana hanzvadzi, tete, mainini kana maiguru, mwana wamaiguru, wamainini kana wasekuru, uye ndiri muzukuru. Ndine mabasa— nemaropafadzo—nokuti ndiri nhengo yemhuri. Kunyange dai ndanga ndirini chete nhengo yemhuri yangu irikurarama, ndichiri nhengo yemhuri yaMwari, uye ndine basa rekubatsira kusimbisa dzimwe mhuri.’”

Kunaka kwazvo ndekwekuti, hatisiyiwe tiri tega mukuedza kwedu. “Rubatsiro rukuru kuru kwazvo,” vanodaro Sisita Thompson, “rwatichava narwo mukusimbisa mhuri nderwekuziva nekutevera dzidziso dzaKristu nekuvimba Naye kuti atibatsire.”2

Kubva muMagwaro Matsvene

Zvirevo 22:6; 1 Nifai 1:1; 2 Nifai 25:26; Aruma 56:46–48; Dzidziso neZvibvumirano 93:40

Kubva muNhoroondo Yedu

“Apo Sister Bathsheba W. Smith pavakashanda semutungamiri mukuru weChita cheRubatsiro wechina [kubva 1901 kusvikira 1910], vakaona chidikanwi chekusimbisa mhuri, uye saka vakamisa dzidziso yezvidzidzo zvanaamai zvemasisita eChita cheRubatsiro. Zvidzidzo izvi zvaisanganisira rairo pamusoro pemuchato, kutaririra madzimai anepamuviri, nekurera vana. Zvidzidzo izvi zvaitsigira dzidziso dzeMutungamiri Joseph F. Smith pamusoro pekubatsira madzimai kweChita cheRubatsiro mumabasa avo ekumba.

“‘Kose kupi zvako kune kusaziva kana kuti kune kushaikwa kwenzwisiso maererano nemhuri, mabasa emhuri, maererano nesungiro dzinofanira kuvapo uye dziripo zviri pamutemo pakati pemurume nemukadzi uye nepakati pevabereki nevana, ipapo chita ichi chiripo kana kuti chiri padyo kubatsira, uye nezvipo zvemweya nefemero zvinova zvechita ichi, chakagadzirira uye chakamirira kupa rairo zviri maererano nemabasa iwayo anokosha.’”3

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Gordon B. Hinckley, “Stand Strong against the Wiles of the World,” Ensign, Mbudzi 1995, 101.

  2. Barbara Thompson, “I Will Strengthen Thee; I Will Help Thee,” Liahona neEnsign, Mbudzi 2007, 117.

  3. Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 153.

Chii Chandingaite?

  1. Ndingabatsire sei masisita andinotaririra kuti vasimbise mhuri?

  2. Ndingave sei kurudziro yakarurama mumhuri yangu?