2012
Sei Tichifanira kuva neVaporofita?
Kurume 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2012

Sei Tichifanira Kuva naVaporofita?

Nokuti Baba veKudenga vanoda vana Vavo, Havana kuvasiya vachifamba nemuupenyu huno hwepasi vasina gwara nehutangamiri. Dzidziso dzaBaba Vekudenga hadzisi dzamazuva ose, dzinofanozivikanwa, dzisingashamise sedzaunokwanisa kuwana mubhuku renyaya raunotenga kuchitoro chemabhuku. Huchenjeri hweMunhu wekudenga ane simba rose, anoziva zvose, anoda vana Vake. Mukati memazwi Ake mune chivande chenguva—kiyi kurufaro muupenyu huno nemunyika ichauya.

Baba Vekudenga vanozarura huchenjeri uhwu kuvana Vavo panyika kuburikidza nevaranda Vavo vaporofita (ona Amosi 3:7). Kubva kumazuva aAdama, Mwari vanotaura kuvana Vavo kuburikidza nevaporofita vakagadzwa avo vanopihwa basa rekuzarura chido nerairo Yavo kune vamwe. Vaporofita vadzidzisi vakafemerwa uye vanogara vari vapupuri vakakosha vaJesu Kristu (ona D&Z 107:23). Vaporofita vanotaura kwete chete kuvanhu venguva yavo, asi vanotaurawo kuvanhu nemunguva yose. Mazwi avo anoita maungira nemumazana emakore seuchapupu hwechido chaMwari kuvana Vavo.

Nhasi haana kusiyana nenguva dzakapfuura. Ishe havade vanhu venguva yedu zvishoma kupinda munguva dzakapfuura. Rimwe remashoko anoshamisa eKudzorerwa kweChechi yaJesu Kristu nderekuti Mwari vanoramba vachitaura kuvana Vavo. Havana kuhwanda mumatenga asi vanotaura nhasi sezvaVaiita mumazuva ekare kare.

Zvizhinji zvezvavanozarura kuvaporofita Vavo zvinoitirwa kudzivirira rusuwo rwedu sevanhu uye sevagari venyika. Apo Mwari pavanotaura. Vanoita izvozvo kudzidzisa, kufemera, kunatsa, nekuyambira vana Vavo. Apo vanhu nevagari venyika pavasingateerere mirairo yaBaba vavo Vekudenga, vanoita izvozvo vachizviisa panjodzi yekuedzwa, kurwadziwa, nokushaya zororo.

Mwari vanoda vana Vavo vose. Ndokusaka Vachititeterera nomwoyo wese kuburikidza nevaporofita vavo. Sekuda kwatinoita izvo zvakanyanya kunakira vadikanwi vedu, Baba Vekudenga vanoda izvo zvakanyanya kunakira isu. Ndokusaka rairo Yavo yakakoshesesa uye dzimwe nguva ichifanira kuteererwa nokukurumidza zvikuru. Ndokusaka Vasina kutisiya nhasi asi vanoramba vachizarura chido Chavo kwatiri kuburikidza nevaporofita Vavo. Magumo edu nemagumo enyika yedu amire pakunzwa nekuteerera kwedu shoko raMwari rakazarurwa kuvana Vavo.

Mirairo yakakosha zvikuru yaMwari kurudzi rwevanhu inowanikwa muBhaibheri, muBhuku raMormoni, muDzidziso neZvibvumirano, nemuDombo reMutengo Mukuru. Pamusoro pazvo, Ishe vanotaura kwatiri kuburikidza nevaranda Vavo, sezvaVachaita zvakare pamusangano mukuru urikuuya.

Kune avo vose vanoshamisika kana chinhu chakadai chichikwanisa kuvapo—vangangobvunza kuti, “Zvinokwanisika here kuti Mwari Vanotaura kwatiri nhasi?” — nomwoyo wangu wose ndinokukokai kuti “muuye muzoona” ( Johane 1:46). Verengai shoko raMwari sekuwanikwa kwarinoitwa mumagwaro matsvene. Teererai kumusangano mukuru nenzeve inoda kunzwa izwi raMwari rinopihwa kuburikidza nevaporofita Vavo vemazuva ekupedzisira. Uyai, munzwe, uye muone nemwoyo yenyu! Nokuti mukakumbira “nomwoyo wose, nechido chaicho, mune kutenda muna Kristu, [Mwari] achakuburitsirai chokwadi chazvo, nesimba reMweya Mutsvene” (Moronai 10:4). Kuburikidza uye nesimba iri, ndinoziva kuti Jesu Kristu mupenyu uye anotungamira Chechi Yake, kuburikidza nemuporofita mupenyu, kunyange Mutungamiri Thomas S. Monson.

Mabhuradha nemasisita, Mwari vanotaura kwatiri nhasi. Uye Vanoda kuti vana Vavo vose vateerere nokunzwa izwi Ravo. Apo tinodaro, Ishe vanozotikomborera nekutisimudzira zvikuru, zvese muupenyu huno uye nemunyika dzichauya.