2012
Vanasikana muHumambo Hwangu
Kurume 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2012

Vanasikana muHumambo Hwangu

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

Tiri vanasikana vaBaba vedu vari Kudenga. Vanotiziva, vanotida, uye vane chirongwa kwatiri. Chikamu chechirongwa ichocho chinosanganisa kuuya panyika kuzodzidza kusarudza chakanaka pamusoro pechakaipa. Apo tinosarudza kuchengeta mirairo yaMwari, tinoVakudza uye tinobvuma hunhu hwedu sevana vaMwari. Chita cheRubatsiro chinotibatsira kuyeuka nhaka tsvene iyi.

Chita cheRubatsiro nenhoroondo yacho zvinotisimbisa nokutitsigira. Julie B. Beck, mutungamiri mukuru weChita cheRubatsiro, akati: “Sevanasikana vaMwari, murikugadzirira zvinzvimbo zvekusingaperi, uye mumwe nemumwe wenyu ane rudzi, hunhu, nebasa remunhukadzi. Kubudirira kwemhuri, vagarisani munzvimbo, Chechi ino, nechirongwa chinokosha cheruponeso zvinoenda nokumira kwerutendo rwenyu. … [Baba Vedu Vekudenga] vakaitira Chita cheRubatsiro kuti chibatsire kuvaka vanhu Vavo uye nokuvagadzirira kumaropafadzo etemberi. Vakamisa [Chita cheRubatsiro] kuti vaenzanise vanasikana Vavo nebasa Ravo uye kutsvaga rubatsiro rwavo mukuvaka humambo Hwavo nekusimbisa dzimba dzeZioni.”1

Baba vedu vari Kudenga vakatipa basa chairo iro rekubatsira kuvaka Humambo Hwavo. Vakatikomborerawo nezvipo zvemweya zvatinoda kuti tibudirire pabasa chairo iri. Kuburikidza neChita cheRubatsiro, tine mikana yekushandisa zvipo zvedu kusimbisa mhuri dzedu, kubatsira avo vanoshaya, nekudzidza mararamiro sevadzidzi vaJesu Kristu.

Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri hweKutanga, vakati nezvehudzidzi: “Nekufamba nemwoyo murefu munzira yehudzidzi, tinozviratidza mwero werutendo rwedu uye kuda kwedu kutambira chido chaMwari pane chedu.”2

Ngatiyeukei kuti tiri vanasikana vaMwari uye tigoedza kurarama sevadzidzi Vavo. Apo tinodaro, tinozobatsira kuvaka humambo hwaMwari pano panyika uye tigova vakakodzera kudzokera pamberi Pavo.

Kubva muMagwaro Matsvene

Zekaria 2:10; Dzidziso neZvibvumirano 25:1, 10, 16; 138:38–39, 56 ; “Mhuri: Chiziviso kuNyika” (Liahona uye Ensign, Mbudzi 2010, 129)

Kubva muNhoroondo Yedu

Musi waKubvumbi 28, 1842, Muporofita Joseph Smith akati kumasisita muChita cheRubatsiro: “Maiswa zvino muchinhano umo mamunokwanisa kushanda maererano netsitsi idzo Mwari dzavakadyara [mamuri]. … kana mukabudirira pamikana yenyu, ngirozi hadzizokwanisa kudzivirirwa mukuva vafambidzani venyu.”3

Nokuziva simba reChita cheRubatsiro rekushandira vamwe nekubatsira vanhu kuti vawedzere murutendo, Zina D. H. Young, mutungamiri mukuru wechitatu weChita cheRubatsiro, akavimbisa masisita muna 1893 kuti, “mukatvagisisa muhudzami hwemwoyo yenyu pachenyu muchawana, nerubatsiro rweMweya waIshe, dombo remutengo mukuru, uchapupu hwebasa rino.”4

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Julie B. Beck, “‘Daughters in My Kingdom’: The History and Work of Relief Society,” Liahona, Mbudzi 2010, 112, 114.

  2. Dieter F. Uchtdorf, “The Way of the Disciple,” Liahona, Chivabvu 2009, 76.

  3. Joseph Smith, mu History of the Church, 4:605.

  4. Zina D. H. Young, “How I Gained My Testimony of the Truth,” Young Woman’s Journal, Apr. 1893, 319.

Chii Chandingaite?

  1. Ndingabatsire sei masisita angu kusvika pakwaniso yavo sevanasikana vaMwari?

  2. Ndingashandise sei muupenyu hwangu rairo neyambiro zvakapihwa kumadzimai muDzidziso neZvibvumirano 25?