2012
Zvidikanwi Zvinokosha neMushando Unopiwa
Gunyana 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gunyana 2012

Zvidikanwi Zvinokosha neMushando Unopiwa

Dzidza chinyorwa chino nomunamato uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Mufananidzo
Chiratidzo chechisimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Zvidikanwi zvevamwe zvinogara zviripo nguva dzose,” vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson, “uye mumwe nemumwe wedu anokwanisa kuita chimwe chinhu kubatsira mumwe munhu. … Kusara kokunge tashandira vamwe neushingi zvokuti tinokanganwa pamusoro pematambudziko edu pachedu, chinangwa choupenyu hwedu chinova chidiki diki.”1

Sevadzidzisi vekushanyirana tinokwanisa muchokwadi kusvika pakuziva nokuda sisita wega wega watinoshanyira. Kushandira avo vatinoshanyira kunozouya zviri nyore nyore nokuda kwerudo rwedu kwavari (ona Johane 12:34–35).

Tingaziva sei zvidikanwi zvenyama nezvomweya zvemasisita edu kuitira kuti tigokwanisa kuvashandira apo pazvinenge zvichidikanwa? Sevadzidzisi vekushanyirana, tinekodzero yokutambira femero apo patinonamatira avo vatinoshanyira.

Kugara tichitaura nguva dzose nemasisita edu kwakakoshawo. Kushanyira kwedu isu pachedu, kuridzira runhare, kunyorera chitsamba chekurudziro, kutumira maimeiri, kugara naye pamisangano napazviitwa, kupa rumbidzo yechokwadi, kukurukura naye kuchechi, kumubatsira munguva dzeurwere kana dzezvimwe zvidikanwi, nezvimwe zviito zvemushando zvose zvinotibatsira kutaririrana nokusimbisana.2

Vadzidzisi vekushanyirana vanokumbirwa kunopira zviri maererano nemagariro, zvidikanwi zvakakosha zvemasisita, uye mushando unenge wapihwa kwavari. Kupira uku nemushando wedu kumasisita edu kunotibatsira kutaridza udzidzi hwedu.3

Kubva muMagwaro Matsvene

Johane 10:14–16; 3 Nifai 17:7, 9; Moroni 6:3–4

Kubva muNhoroondo Yedu

Kushandirana kwakagara kuri chikamu chinokosha chekudzidzisa kwekushanyirana. Kuburikidza nekushandira kunoenderera tinounza tsitsi neushamwari izvo zvinopfuura kungoshanyirana kunoitwa mwedzi wega wega. Kuva nehanya kwedu ndiko kwakakosha.

“Chido changu ndechokuteterera kumasisita edu kuti varege kushurudzika pamusoro pekuridza runhare kana kushanya mushure memwedzi mitatu yoga yoga kana kwemwedzi woga woga,” vakadaro sisita Mary Ellen Smoot, mutungamiri mukuru weChita Cherubatsiro wechigumi netatu. Vakatikumbira kuti “tinyanye kushingirira pakuriritira mweya mitete.”4

Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985) vakadzidzisa kuti, “Zvakakosha zvikuru kuti tishandirane muumambo.” Asi vakaziva kuti mushando wese hausi unofanira kuva wakakura zvinembiri. “Kazhinji chaizvo, zviito zvedu zvemushando ndezvekungokurudzira kana kupa … rubatsiro pamabasa madiki diki amazuva ose,” vakadaro, “asi imhedzisiro dzakanakisa zvakadii dzinokwanisa kuuya … kubva kuzviito zvidiki asi zvinechinangwa!”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “What Have I Done for Someone Today?” Riahona, Mbudzi 2009, 85.

  2. Ona Handbook 2: Administering the Church (2010), 9.5.1.

  3. Ona Handbook 2, 9.5.4.

  4. Mary Ellen Smoot, in Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 117.

  5. Teachings of Presidents of the Church: Spencer W. Kimball (2006), 82.

Chii Chandingaite?

  1. Ndiri kutsvaka here femero yangu pachangu yokuziva madaviriro andingaita kuzvidikanwi zvenyama nezvomweya zvasisita wega wega wandakapuhwa kuti nditaririre?

  2. Masisita andinotaririra anoziva sei kuti ndine hanya navo nemhuri dzavo?