2012
Kuwanazve Mweya weKisimusi
Zvita 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Zvita 2012

Kuwanazve Mweya weKisimusi

Mufananidzo
NeMutungamiri Thomas S. Monson

Makore akapfuura sagosa wechidiki, ndakadaidzwa pamwechete nevamwe kuenda kuchipatara muSalt Lake City kuti tinopa maropafadzo kuvana vanorwara. Apo patakapinda, takaona muti weKisimusi unezvivheneko zvawo zvakajeka uye zvakanaka uye tikaona mapasuru akanga akanyatsoputirwa aivapasi pemapazi awo akanga akatambanuka. Zvino takapinda nemumipata umo vakomana nevasikana vadiki—vamwe vaiva nemapurasita paruoko kana gumbo, vamwe vaiva nezvirwere izvo pamwe zvakanga zvisingakwanise kurapwa zvirinyore—vakatikwazisa nezviso zvinonyemwerera.

Kakomana kadiki kairwara zvikuru kakadaidzira kwandiri kachiti, “Zita renyu ndiani?”

Ndakamuudza zita rangu, uye akabvunza kuti, “Mungandipawo rapafadzo here?”

Ropafadzo rakapihwa, uye apo patakatendeuka kuti tibve parutivi pemubhedha wake, akati, “Ndinokutendai zvikuru.”

Takafamba nhano shoma shoma, zvino ndikanzwa odaidzira kuti, “Bhuradha Monson, Kisimusi inerufaro kwamuri.” Zvino kunyemwerera kukuru kwakava pachiso chake.

Mukomana uyu aiva nemweya weKisimusi. Mweya weKisimusi chimwe chinhu chandinovimba kuti isu tose tinozova nacho mumwoyo yedu nemuupenyu hwedu—kwete chete panguva ino iyoyi asiwo nemugore rose.

Apo patinenge tiine mweya weKisimusi, tinoMuyeuka uyo Anekuzvarwa kwatinoyeuka panguva ino yegore: “Nokuti nhasi mazvarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe” (Ruka 2:11).

Muzuva redu rino mweya wekupa zvipo une chinhano chikuru-kuru mukuyeuka nguva yeKisimusi. Ndinofunga kuti hatingakwanise kubatsirika here nekuzvibvunza kuti, Zvipo zvipi zvingadiwa naIshe kuti ini ndipe kwaVari kana kune vamwe panguva ino yakakosha yegore?

Regai ndipewo pfungwa yekuti Baba vedu Vekudenga vangada kuti mumwe nemumwe wedu ape kwaVari nekuMwanakomana Wavo chipo chekuteerera. Ndinonzwawo kuti Vangatikumbira kuti tizvipe isu pachedu uye tirege kuita chindingoveni kana kuita nhafu kana kukakavadzana, sekutaura kunoita Mwanakomana Wavo anokosha muBhuku raMormoni:

“Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anemweya wokukakavadzana haasi wangu, asi wadhiabhorosi, anova … anonyukura mwoyo yavanhu nehasha, mumwe kune mumwe.

“Tarisai, iyi haisi dzidziso yangu, kuti ndizadze mwoyo yavanhu nehasha, vachishatirisana; asi iyi ndiyo dzidziso yangu, kuti zvinhu izvi zvinofanira kubviswa” (3 Nifai 11:29–30).

Mumukuwo uno wakanakisa wekuzara kwenguva, mikana yedu yekuda nekuzvipa isu pachedu haina muganhu zvechokwadi, asi inokwanisa chete kuvapo kwenguva pfupi yekuti tiishandise. Nhasi kune mwoyo yekufadza, mazwi anetsitsi ekutaura, zviito zvinoda kuitwa, uye mweya inoda kuponeswa.

Mumwe munhu aive nenzwisiso huru yemweya weKisimusi akanyora kuti:

Ndiri Mweya weKisimusi—

Ndinopinda muimba yeurombo, ndichikonzera vana vane zviso zvakachenuka kuti vavhure maziso avo, mukushamisika kunerufaro.

Ndinokonzera ruoko rwakapfumbatwa rwemunhu anechindingoveni kuti rusununguke nokudaro zvoisa vara rakajeka pamweya wake.

Ndinokonzera vakwegura kuti vavandudze huduku hwavo uye kuti vaseke sezvavaiita apo pavakanga vari vadiki.

Ndinochengeta kudanana kuchienderera mumwoyo yehudiki, uye ndinojekesa kurara nehope dzakanaka.

Ndinokonzera tsoka dzine chido kuti dzibatsire avo vanoshaya, dzichisiya mwoyo ichishamisika nerunako rwenyika.

Ndinokonzera muparadzi kuti afunge zvishoma pamusoro penzira yake yekupengereka nekuparadza, uye agotumira kumudikani arikushushikana chipo chidiki chinoburitsisa misodzi yerufaro—misodzi inogeza mitsetse yakaoma yerusuwo.

Ndinopinda muzvitokisi zvinerima, ndichiyeuchidza avo vanemavanga erusuwo pahunhu hwavo pamusoro pezvazvingadai zvakave uye ndichinongedzera mberi kumazuva akanaka achazovapo.

Ndinouya zvinyoro-nyoro, muimba chena inyerere yemarwadzo, uye miromo yakarukutika zvokutadza kutaura asi inongodedera murunyararo rwokutenda kwakasimba.

Munzira chiuru, Ndinokonzera nyika yakarukutika kuti itarise muchiso chaMwari, uye kwekanguva kadiki igokanganwa zvinhu zvidiki uye zvisina basa.

Ndiri Mweya weKisimusi.1

Mumwe nemumwe wedu ngawane patsva mweya weKisimusi— kunyange Mweya waKristu.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. E. C. Baird, “Christmas Spirit,” muJames S. Hewitt, ed., Illustrations Unlimited.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Apo pamunogovera shoko reMutungamiri Monson nemhuri, fungai kusimbisa mubvunzo wavakabvunza pamusoro pezvipo izvo Ishe zvavangada kuti tipe kwaVari kana kune vamwe nguva ino. Kurudzirai nhengo dzemhuri kuti dzinyore pasi pfungwa nemazano avo (kana, kuvana vadiki, kuti vaite mufananidzo) pamusoro pekuti vanga “wana patsva sei mweya weKisimusi —kunyange Mweya waKristu.”