2012
Dzidziso yeKushanyirana, Basa reRuponeso
Zvita 2012


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Zvita 2012

Dzidziso yeKushanyirana, Basa reRuponeso

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Mufananidzo
Chiratidzo cheChita cheRubatsiro

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Dzidziso yekushanyirana inopa madzimai mukana wekutaririra, kusimbisa, nekudzidzisana— zvechokwadi ibasa reruponeso. Kuburikidza nedzidziso yekushanyirana, masisita anotaririrana akamirira Muponesi uye vanobatsira kugadzirira madzimai kumaropafadzo eupenyu husingaperi.

“Tinofanira ‘kuyambira, kutsanangura, kukurudzira, nekudzidzisa, nekukoka [vamwe] kuti vauye kuna Kristu’ (D&C 20:59), sekutaura kwakaita Ishe muzvakazarurwa zvavo,” vakadaro Mutungamiri Spencer W. Kimball (1895–1985). Pamusoro pazvo, vakati, “Uchapupu hwenyu inzira yokuita izvi yakanakisisa.”1

Apo isu sevadzidzisi vekushanyirana patinowedzera ruzivo rwedu rwezvokwadi zvevhangeri, zvapupu zvedu zvinosimbisa uye zvinotsigira masisita arikugadzirira kubhabhatidzwa nekusimbiswa. Tinobatsira nhengo itsva kuti dzive dzakabatirira zvakasimba muvhangeri. Kushanya kwedu nerudo rwedu zvinobatsira “kudzosa avo vakarasika [uye] zvigodziisa mwoyo yeavo vatonhora muvhangeri.”2 Uye tinokurudzira masisita kuuya kuna Kristu kuburikidza nekuenda kutemberi.

“Muchaponesa mweya,” vakadaro Mutugamiri Kimball kuvadzidzisi vekushanyirana, “uye ndiyani angaziva asi kuti vazhinji vevanhu vakanaka vari muChechi nhasi varimo nokuti maiva mudzimba dzavo uye mukavapa pfungwa itsva, tariro itsva. Makazarura zvinhu kwavari zvavakanga vasinganzwisise. Makawedzera ruzivo rwavo. …

“Munoona, hamusi chete kuponesa masisita aya, asi zvimwewo varume vavo nedzimba dzavo.”3

Kubva muMagwaro Matsvene

Dzidziso neZvibvumirano 20:59; 84:106; 138:56

Kubva muNhoroondo Yedu

Apo Muporofita Joseph Smith paakaronga Chita cheRubatsiro, akati madzimai vakanga vasingafanire kutaririra chete varombo asiwo kuponesa mweya. Akadzidzisawo kuti madzimai arimuChechi vane mabasa anokosha muchirongwa cheruponeso chaBaba Vekudenga.4 Tichitungamirirwa nemisimboti yakadzidziswa neMuporofita Joseph Smith, isu semasisita ari muChita cheRubatsiro tinokwanisa kushanda pamwechete kugadzirira madzimai nemhuri dzavo kumaropafadzo aMwari makuru-kuru.

“Ngatiitiranei tsitsi,” akadaro Mutungamiri Brigham Young (1801–77), “uye itai [kuti avo] vakasimba vataririre zvinyoro-nyoro avo vakarukutika mukuvasimbisa, uye itai kuti avo vanoona vatungamirire mapofu kusvikira vavakukwanisa kuzvionera nzira pachavo.”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Spencer W. Kimball, muDaughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 116.

  2. Eliza R. Snow, muDaughters in My Kingdom, 45–46.

  3. Spencer W. Kimball, muDaughters in My Kingdom, 117.

  4. Ona Joseph Smith, muDaughters in My Kingdom, 171–72.

  5. Brigham Young, muDaughters in My Kingdom, 107.

Chii Chandingaite?

  1. Chita cheRubatsiro chinondigadzirira sei kuwana maropafadzo eupenyu husingaperi?

  2. Chii chandingaite kuwedzera rutendo rweavo vandinotaririra?