2013
Sarudza kuGadzikana
Kurume 2013


Vana

Sarudza kuGadzikana

Mutungamiri Monson vanoti kana takagadzikana uye tine ruremekedzo, tinokwanisa kunzwa runyararo nokutambira uchapupu hwakasimba hwaBaba vedu Vokudenga. Uye Mweya Mutsvene unokwanisa zvirinani kutikurudzira kunzira dzatinokwanisa kubatsira vamwe nadzo.

Nyora pasi kana kukurukura nevabereki vako imwe nzira yaungakwanisa kuva wakagadzikana. Zvino tora nguva vhiki ino kuzviedza. Mushure mekudaro, unokwanisa kunyora mujenari rako pamusoro pemanzwiro nekurudziro dzawakava nadzo.