2013
Nyarara, Ugadzikane
Kurume 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2013

Nyarara, Ugadzikane

Mufananidzo
Mutungamiri Thomas S. Monson

Rimwe zuva makore mashoma akapfuura, mushure mokunge ndaita mabasa aida kuitwa kuhofisi, ndakanzwa femero yakasimba kuti ndishanyire shirikadzi yakanga yakwegura iyo yaivamurerwe panzvimbo inochengetwa vakwegura muSalt Lake City. Ndakachaira motokari kuenda ikoko pakarepo.

Pandakaenda kumupanda wake, ndakawana musina munhu. Ndakabvunza mumwe mushandi wapo maererano nekwaaiva uye ndikarairwa kuenda kunzvimbo yokutandarira. Ikoko ndakawana shirikadzi yakanaka iyi ichishanyirana nemunin’ina wayo uye neimwe shamwari yayo. Takava nehurukuro yakanakisa pamwechete.

Apo pataitaura, mumwe murume akauya kumukova wemupanda kuti azotenga chokunwa kubva mumushini unotengeserwa zvokunwa. Akanditarisa akati, “Ko, ndiwe Tom Monson.”

“Hongu,” Ndakapindura. “Uye iwe wakafanana nevemhuri yekwa Hemingway.”

Akataura kuti akanga ari Stephen Hemingway, mwanakomana waAlfred Eugene Hemingway, uyo akanga ashanda semutevedzeri wangu pandaiva bhishopi makore mazhinji akapfuura uye uyo wandaidaidza kuti Gene. Stephen akandiudza kuti baba vake vakanga varimo munzvimbo imwecheteyo uye vakanga vava pedyo nekufa. Gene akanga achindidaidza, uye mhuri yavo yaida kundiwana asi vakanga vatadza kuwana nhamba yerunhare rwangu.

Ndakaoneka pakarepo ndokubva ndaenda naStephen kumupanda weuyo waimbova mutevedzeri wangu, umo vamwe vevana vake mavakanga vakaunganawo, mudzimai wake akange ashaya makore akange apfuura. Nhengo dzemhuri idzi dzakaona kusangana kwangu naStephen munzvimbo yokutandarira semhinduro yaBaba vedu Vokudenga kuchido chavo chikuru chokuti ndione baba vavo vasati vafa uye ndipindure daidzo yavo. Ini ndakanzwawo kuti izvi zvaiva chokwadi, nokuti dai Stephen asina kupinda mumupanda mandaiva ndichishanya ndiri panguva iyoyo chaiyo yaakapinda, ndingadai ndisina kumboziva kuti Gene aiva munzvimbo iyi.

Takamupa ropafadzo. Mweya werunyararo wakavapo. Takava nekushanyirana kwakanaka, mushure ndikasimuka ndoenda.

Mangwanani akatevera runhare rwakauya kuti Gene Hemingway akanga ashaya — maminetsi makumi maviri chete mushure mokutambira ropafadzo kubva kumwanakomana wake neni.

Ndakapa munamato chinyararire wekutenda kuna Baba Vokudenga nefemero Yavo inotungamirira, iyo yakakurudzira kushanya kwangu kunzvimbo iyi inochengetwa vakwegura uye yakanditungamirira kumudikani shamwari yangu Alfred Eugene Hemingway.

Ndinoda kufunga kuti pfungwa dzaGene Hemingway manheru iwayo — apo patakanakirwa zvikuru nekuvapo kweMweya, tikatora chinhanho mumunamato wakaninipa, uye tikataura ropafadzao rehupirisita — akadzokorora manzwi akataurwa murwiyo “Master, the Tempest Is Raging”:

Rambai Muripo, O Mununuri wakaropafadzwa!

Musandisiya ndoga zvakare,

Uye nerufaro ndichasvika kumagumo egungwa kwakaropafadzwa

Ndigozorora pamahombekombe akanakisa.

Ndichiri kuda rumbo irworwo uye ndinopupura kurunyararo rwarunounza:

Kunyangwe hasha dzematutu emhepo emugungwa

Kana madhimoni kana vanhu kana chingava chii zvacho,

Hapana mvura dzinokwanisa kunyudza ngarava paimire

Tenzi wegungwa nepasi nematenga.

Vese vachateerera zvakanaka kuchido chenyu:

Nyarara, ugadzikane.1

Nemumisodzi nezviyedzo, nemukutya nekusuwa, nemukurwadziswa pamwoyo nokusurukirwa kwekushayikirwa nevadikanwi, kune vimbiso yokuti upenyu hahuna mugumo. Ishe neMuponesi wedu ndiye uchapupu hunorarama hwekuti izvi ndizvo zvazviri.2Manzwi ake mumurairo mutsvene wakanyorwa akakwana: “Nyararai, muzive kuti ndini Mwari” Mapisarema 46:10). Ndinopupura kuchokwadi ichi.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. “Master, the Tempest Is Raging,” Hymns, no. 105.

  2. Ona Richard L. Evans, “So Let Us Live to Live Forever,” New Era, Chikunguru 1971, 18.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Shoko rino rinokwanisa kunyaradza avo vakarasikirwa nevadikanwi kurufu kana avo vari kutambudzika nechiedzo. Kuwedzera kushoko reMutungamiri Monson, funga kugovera chimwe chezvinyorwa zvitsvene zvinotevera, maererano nezvidikanwi zveavo vamunodzidzisa: Jobo 19:25–26; 1 Vakorinte 15:19–22; Mosaya 24:13–15; Dzidziso neZvibvumirano 122:7–9. Kana wakurudzirwa, ungangopupura nezve runyararo urwo Muponesi rwavakakupa muzviyedzo zvako.