2013
Uyai kwaNdiri
Chivabvu 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2013

“Uyai kwaNdiri

Nemanzwi Ake nemuenzaniso Wake, Kristu akatiraridza maswederere atingaita kwaAri.

Ndinotenda kuvanemi mumusangano mukuru uno weChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Iyi iChechi Yake. Tinotora zita Rake patiri apo patinopinda muumambo Hwake. Ndiye Mwari, Musiki, uye akarurama. Tiri vanhu venyama vanofa uye vanotadza. Asi murudo Rwake kwatiri nemhuri dzedu, Anotikoka kuti tive pedyo Naye. Aya ndiwo manzwi Ake: “Swederai pedyo neni uye ini ndichaswedera pedyo nemi; nditsvakei nokushingaira uye muchandiwana, kumbirai uye muchagashira; gogodzai, uye muchazarurirwa.”1

Pamwaka uno weIsita tinoyeuchidzwa kuti sei tichiMuda uye nezve chivimbiso chaAnoita kuvadzidzi vake vakatendeka kuti vanozova shamwari Dzake dzinodiwa. Muponesi akaita chivimbiso ichocho uye akatiudza, mauyire Aanoita kwatiri, apo tino Mushandira. Mumwe muenzaniso uri muzvakazarurwa kuna Oliver Cowdery apo paaishandira Ishe neMuporofita Joseph Smith mukududzira Bhuku raMormoni: “Tarisai, ndiwe Oliver, uye ndataura kwauri pamusana pezvauri kuda; nokudaro chengetedza manzwi aya mumwoyo mako. Iva unotendeka nokushingirira mukuchengeta mirairo yaMwari, uye ini ndichakukomberedza mumaoko erudo rwangu.2

Ndakanzwa rufaro rwekuuya pedyo neMuponesi uye rwekuuya Kwake pedyo neni kazhinjisa kuburikidza nezviito zvakareruka zvekuteerera kumirairo.

Iwe Wakava nezviitiko izvozvo. Zvingangova apo pawakasarudza kupinda musangano wesakaramende. Ini ndakava nechiitiko chakadaro pane mumwe musi weSabata apo pandaiva ndichiri mudiki chaizvo. Mumazuva iwayo taitambira sakaramende mumusangano wamanheru. Ndangariro yemumwe musi makore anopfuura makumi matanhatu nemashanu akapfuura, apo pandakachengeta murairo wekuungana nemhuri yangu uye neVatendi, ichiri kundiswededza pedyo neMuponesi.

Kunze kwakanga kwakasviba uye kuchitonhora. Ndinorangarira ndichinzwa kurerukirwa nekudziyirwa muchechi manheru iwayo nevabereki vangu. Takatora sakaramende, yakaropafadzwa nokutambidzwa nevanehupirisita hwaAaroni, tichibvumirana naBaba vedu Vokudenga kurangarira Mwanakomana Wavo nguva dzose nokuchengeta mirairo Yavo.

Kumagumo kwemusangano takaimba rwiyo “Garai neni, Nokuti Ava Madekwana,” nemanzwi ari maruri “O Muponesi, garai neni usiku huno.”3

Ndakanzwa rudo nekuvapedyo kweMuponesi manheru iwayo. Uye ndakanzwa nyaradzo yeMweya Mutsvene.

Ndaida kuvandudza zvakare manzwiro erudo rweMuponesi uye kuva pedyo Kwake zvandakanga ndanzwa mumusangano wesakaramende iwoyo muhudiki hwangu. Saka nguva pfupi yapfuura iyo ndakachengeta mumwe murairo. Ndakanzvera mumagwaro matsvene. Maari, ndaiziva kuti ndaikwanisa zvakare kuva neMweya Mutsvene uchiita kuti ndinzwe izvo zvakanzwikwa nevadzidzi vaviri vaIshe Akamuka apo paAkatambira kukoka kwavo kuti auye mumba mavo uye agare navo.

Ndakaverenga nezve zuva rechitatu mushure meKuroverwa Pamuchinjikwa nokuvigwa Kwake. Madzimai akatendeka nevamwe vanhu vakawana dombo rakungurutswa rabviswa pabwiro uye vakaona kuti mutumbu Wake wakanga usirimo. Vakanga vauya nokuda kwerudo rwavo kwaAri kuti vazozodza muviri Wake.

Ngirozi mbiri dzakamirapo uye dzikabvunza kuti sei vaitya, vachiti:

“Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa?

“Haapo pano, wamuka: Fungai zvaakakuvudzai achiri Garirea,

“Achiti, Mwanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaoko evanhu vakaipa, aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.”4

Vhangeri raMarko rinowedzera rairo yakabva kune mumwe wengirozi idzi: “Asi endai, mundovudza vadzidzi vake naPetro, kuti unokutungamirirai Garirea, muchandomuvonako, sezvaakakuvudzai.”5

Vaapositora nevadzidzi vakanga vaungana muJerusarema. Sezvatingadai takaita, vaitya nokushama apo pavaitaurirana nezvekuti rufu nemashoko okumuka kuvakafa Kwake zvaizorevei kwavari.

Vaviri vevadzidzi vakafamba masikati iwayo kubva Jerusarema munzira yokuenda kuEmausi. Kristu Akamuka kuvakafa Akazviratidza panzira akafamba navo. Ishe Akanga Auya kwavari.

Bhuku raRuka rinotibvumira kufamba navo:

“Zvino vakati vachitaurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo.

“Asi meso avo akanga abatwa vakasamuziva.

“Akati kwavari: Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?

“Mumwe wavo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari, Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usingazivi zvakaitwa’mo mazuva ano here?”6

Vakamuudza nezvokusuwa kwavo kuti Jesu akanga afa apo pavakanga vavimba kuti aizova Mununuri weIsraeri.

Ishe Akamuka Anofanira kunge akataura neinzwi rinerudo apo paAitaura kuvadzidzi vaviri ava vaiva vakasuwa uye vachichema:

“Zvino iye akati kwavari: Imi vokusafunga, munemwoyo inonoka kutenda zvose zvakarebwa navaporofita:

“Ko Kristu wakanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda pakubwinya kwake here?

“Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro ose.”7

Zvino kwakauya nguva yakabata mwoyo wangu kubvira pandaiva mukomana mudiki.

“Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda, iye akaita sowoda kupfuura.

“Asi vakamugombedzera, vachiti, Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira. Ipapo akapinda kundogara navo.”8

Muponesi akatambira manheru iwayo kukokwa kuti apinde mumba yevadzidzi Vake pedyo nemusha weEmausi.

Akagara navo pakudya. Akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Meso avo akasvinudzwa vakaMuziva. Zvino akanyangarika kwavari. Ruka akatinyorera manzwiro evadzidzi vakaropafadzwa avo: “Vakataurirana, vachiti: Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?”9

Paawa imwechete iyoyo, vadzidzi vaviri ava vakadzokera nokukurumidza kuJerusarema kunoudza Vaapositora gumi nemumwe zvakanga zvaitika kwavari. Panguva iyoyo Muponesi akazviratidza zvakare.

Akawongorora huporofita hwebasa Rake rekudzikinura zvivi zvevana vose vaBaba Vake uye adimbure majoko erufu.

“Akati kwavari: Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu uchatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu:

“Kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga paJerusarema.

“Uye imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.”10

Manzwi eMuponesi ndeechokwadiwo kwatiri sezvaakanga ari kuvadzidzi Vake panguva iyoyo. Tiri zvapupu zvezvinhu izvi. Uye basa rakanakisisa ratakatambira apo patakabhabhatidzwa muChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira rakatsanangurwa zviri pachena kwatiri nemuporofita Aruma mazana emakore akapfuura pamvura dzaMormoni:

“Uye zvakaitika kuti akati kwavari; Tarisai, hedzino mvura dzaMormoni (nokuti ndiko kudaidzwa kwadzaiitwa) uye zvino, zvamunoda kuuya mudanga raMwari, nokudaidzwa savanhu vavo, uye muine chido chokutakurirana mitoro, kuti ive inoreruka.

“Hongu, uye kuti munoda kuchema neavo vanochema; hongu, nokunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa, nokumira sevapupuri vaMwari panguva dzose muzvinhu zvose, nomunzvimbo dzose dzamunenge muri, kana kusvikira pakufa, kuti muzonunurwa naMwari, nokuzoverengerwa neavo vachamutswa pakumuka kwokutanga, kuti muve noupenyu hwokusingaperi—

“Zvino ndinoti kwamuri, kana izvi zviri zvido zvemwoyo yenyu, chii chamusingade kuti mubhabhatidzwe muzita raIshe, seuchapupu pamberi pavo kuti mapinda muchibvumirano navo, kuti muchamushandira nokuchengeta mirairo yavo, kuti vazova vanodurura Mweya wavo pamuri zvakanyanya?

“Zvino apo vanhu vakanga vanzwa mazwi aya, vakarova maoko avo nomufaro vakati: Izvi ndizvo zvido zvemwoyo yedu.”11

Tiri pasi pechibvumirano zvese kubatsira nokukurudzira avo vanoda rubatsiro uye kuva zvapupu zveMuponesi nemuhupenyu hwedu huno hwese.

Tinozokwanisa kuzviita tisingakundikani chete apo patinonzwa rudo kuMuponesi uye rudo Rwake kwatiri. Apo patinenge takatendeka kuzvivimbiso zvatakaita, tinozonzwa rudo rwedu kwaAri. Runowedzera nokuti tichanzwa simba Rake uye kuswedera Kwake pedyo nesu apo patinenge tichiMushandira.

Mutungamiri Thomas S. Monson vakatiyeuchidza kakawanda nezve chivimbiso chaIshe kuvadzidzi Vavo vakatendeka: “Uye ani zvake achakugashirai, ipapo ndichavepowo, nokuti ndichaenda pamberi pehuso hwenyu, Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe, Mweya wangu uchange uri mumwoyo yenyu, uye ngirozi dzangu dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.”12

Kune imwe nzira iwe neni yatakanzwa nayo kuswedera pedyo nesu Kwake. Apo tinopa mushando werudo rukuru kwaAri, Anoswedera pedyo kune avo vatinoda mumhuri dzedu. Nguva yose yandaifanira kutama kunogara kumwe kana kusiya mhuri yangu kuti ndinoshandira Ishe, ndakaona kuti Ishe airopafadza mudzimai wangu nevana vangu. Akagadzirira varanda Vake vanorudo uye mikana yokuswededza mhuri yangu pedyo Naye.

Imi makanzwa ropafadzo rimwechetero muupenyu hwenyu. Vazhinji venyu mune vadikanwi avo vari kutsauka kubva panzira yekuupenyu hwusingaperi. Munoshama kuti chii chakawedzerwa chamugaita kuvadzosa. Munokwanisa kuvimba naIshe kuti Anoswedere pedyo navo apo pamuno Mushandira murutendo.

Munorangarira chivimbiso chaIshe kuna Joseph Smith naSidney Rigdom apo pavaiva kure nemhuri dzavo vachiMushandira: “Shamwari dzangu Sidney naJoseph, mhuri dzenyu dziri zvakanaka; dziri mumaoko angu, ndichaita navo izvo zvandinoona zvakandinakira; nokuti mandiri mune simba rose.”13

SaAruma naMambo Mosaya, vamwe vabereki vakatendeka vakashandira Ishe kwenguva yakareba uye zvakanaka asi vane vana vakatsauka kunyangwe nekuzvipira kwevabereki vavo kuna Ishe. Vakaita zvose zvavaikwanisa pasina chimuko, kunyangwe nerubatsiro kubva kushamwari dzine rudo dzakatendeka.

Aruma neVatendi venguva yake vakanamatira mwanakomana wake nevanakomana vaMambo Mosaya. Ngirozi yakauya. Minamato yenyu neminamato yeavo vanoshandisa rutendo rwavo ichaunza varanda vaIshe kuzobatsira nhengo dzemhuri dzenyu. Vanozovabatsira kusarudza nzira yokumusha kuna Mwari, kunyangwe pavanorwiswa naSatani nevateveri vake, avo vane chinangwa chokuparadza mhuri muupenyu huno uye nemukusingaperi.

Munoyeuka manzwi akataurwa nengirozi kuna Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya mukupanduka kwavo: “Uye zvakare, ngirozi yakati: Tarisai, Ishe vakanzwa minamato yevanhu vavo, neminamato yemuranda wavo, Aruma, anova baba vako; nokuti akanamata nerutendo rukuru maererano nemi kuti dai masvitswa pakuziva chokwadi; naizvozvo, nechikonzero ichochi ndauya kuti ndizokupwisai nezvesimba nemvumo yaMwari, kuti minamato yevaranda vavo ingapindurwe maererano nerutendo rwavo.”14

Chivimbiso changu kwauri iwe unonamata nokushandira Ishe hachikwanisi kuva chokuti uchawana ropafadzo rose raunozvishuwira iwe nemhuri yako. Asi ndinokwanisa kukuvimbisa kuti Muponesi achaswedera pedyo newe nokukuropafadza iwe nemhuri yako neizvo zvakanakisisa. Uchava nenyaradzo yerudo Rwake uye uchaMunzwa achiswedera pedyo mumhinduro kuminamato yako, apo unotandavadza maoko ako mukupa mushando kuna vamwe. Apo paunopa rubatsiro kuna avo vanoda rubatsiro uye paunopa cheneso yeRudzikinuro Rwake kuna avo vakasuwa nokuda kwezvivi, simba raIshe rinozokutsigira. Maoko Ake akatandavadzwa pamwepo neako kubatsira nokuropafadza vana vaBaba vedu Vokudenga, kusanganisira avo vari mumhuri yako.

Kune kutambirwa kwakanakisa kwatakagadzirirwa apo patinodzokera kumusha. Zvino tichazoona kuzadzikiswa kwechivimbiso chaIshe, avo vataida. Ndiye Achatitambira muupenyu hwekusingaperi matinonogara Naye uye naBaba vedu Vokudenga. Jesu Kristu akazvitsanangura nenzira iyi:

“Tsvaka kuunza uye nokumisa Zioni yangu. Chengeta mirairo yangu muzvinhu zvose.

“Uye, kana ukachengeta mirairo yangu uye nekushingirira kusvika kumagumo uchawana upenyu hwokusingaperi, chiri icho chipo chikuru kupfuura zvose zvipo zvaMwari.”15

“Nokuti avo vapenyu vachawana nhaka yepasi, uye avo vakafa vachazorora kubva mukushanda kwavo kwose, uye mabasa avo achavatevera; uye vachagashira korona mudzimba dzaBaba vangu, idzo dzandakavagadzirira.”16

Ndinopupura kuti tinokwanisa neMweya kutevera kukoka kwaBaba Vokudenga: “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!”17

Nemanzwi Ake uye nemuenzaniso Wake, Kristu Akatitaridza maswederero atingaita kwaAri. Mwana wega wega waBaba Vokudenga uyo akasarudza kupinda nemusuo rerubhabhatidzo muChechi yaVo achava nemukana muupenyu huno hwekudzidziswa vhangeri Ravo uye kunzwa kubva kuvaranda Vavo vakadaidzwa, kukoka Kwavo, “Uyai kwandiri.”18

Varanda Vavo vese avo vakaita chibvumirano naVo vari muumambo Hwavo pasi uye munyika yemweya vachatambira hutungamiri Hwavo kuburikidza neMweya apo vanoropafadza nokushandira vamwe vakaVamiririra. Uye vachanzwa rudo Rwavo nokuwana rufaro mukuswededzwa pedyo Navo.

Ndiri chapupu cheKumuka Kuvakafa kwaIshe pachokwadi chose sokunge ndakanga ndiripo manheru iwayo nevadzidzi vaviri muimba yenzira yekuEmausi. Ndinoziva kuti Anorarama nechokwadi chose sekuziva kwakaita Joseph Smith apo paakaona Baba neMwanakomana muchiedza chemagwanani akanaka zvikuru musango remiti muPalmyra.

Iyi iChechi yechokwadi yaJesu Kristu. Chete mumakii ehupirisita anaMutungamiri Thomas S. Monson ndimo mune simba rokuti tisunganidzwe mumhuri kuti tirarame nokusingaperi naBaba vedu Vokudenga uye naIshe Jesu Kristu. PaZuva roKutongwa tichamira pamberi peMuponesi, takatarisana naye. Ichava nguva yerufaro kuna avo vakaswedera pedyo Naye mumushando Wake muupenyu huno. Zvichafadza kunzwa mashoko okuti: “Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka.”19 Ndinopupura chaizvo sechapupu cheMuponesi Akamuka uye Mununuri wedu nemuzita raJesu Kristu, amen.