2013
Dzidziso dzeNguva Yedu
Chivabvu 2013


Dzidziso dzeNguva Yedu

Dzidziso dzeHufundisi hwaMerkizedeki nedze Chita cheRubatsiro paSvondo yechina dzichamisirwa ku”Dzidziso dzeNguva Yedu” Chidzidzo chega chega chinokwanisa kugadzirirwa kubva kunhaurwa imwechete kana kupfuura dzakapuwa mumusangano mukuru uchangopfuura (ona chati iri pazasi). Vatungamiri vesiteki nevedunhu vangangokwanisa kusarudza nhaurwa dzinofanira kushandiswa, kana kuti vangangopa basa iri kumabhishopi nevatungamiri vebazi. Vatungamiri vanosimbisa kukosha kwazvakaita kuti mabhuratha eHufundisi hwaMerkizedeki nemasisita eChita cheRubatsiro vadzidze nhaurwa dzimwechetedzo paSvondo dzimwechetedzo.

Avo vanopinda zvidzidzo zveSvondo yechina vanokurudzirwa kudzidza uye kuuya kukirasi nemagazini remusangano mukuru uchangopfuura.

Mazano eKugadzirira Chidzidzo kubva muNhaurwa

Namata kuti Mweya Mutsvene uzova newe apo paunodzidza nekudzidzisa nhaurwa (iyi/idzi). Ungangonzwa kuda kugadzirira chidzidzo uchishandisa zvimwe zvinyorwa, asi nhaurwa dzemusangano mukuru ndizvo zvinyorwa zvinobvumidzwa. Basa rako nderekubatsira vamwe kudzidza nekurarama vhangeri sekudzidziswa kwarakaitwa mumusangano mukuru weChechi uchangopfuura.

Wongorora nhaurwa (iyi/idzi), uchitsvaka misimboti nedzidziso zvinozadzikisa zvidikanwi zvenhengo dzekirasi. Tsvakawo nyaya, ndima dzakatapwa kubva mumagwaro matsvene, nezvirevo kubva munhaurwa zvinozokubatsira kudzidzisa chokwadi ichi.

Nyora tsananguro inoratidza madzidzisiro achaitwa misimboti nedzidziso. Funga kusanganisira mibvunzo inobatsira nhengo dzekirasi.

  • Tsvaka misimboti nedzidziso munhaurwa (iyi/idzi).

  • Funga pamusoro pezvazvinoreva

  • Govera nzwisiso, mazano, zviitiko, nezvapupu.

  • Shandisa misimboti iyi nedzidziso idzi muupenyu hwavo.

Mwedzi Inodzidziswa Zvidzidzo

Zvinyorwa Zvokushandisa muChidzidzo cheSvondo yeChina

Kubvumbi 2013–Gumiguru 2013

Nhaurwa dzakapiwa mumusangano mukuru waKubvumbi 2013*

Gumiguru 2013–Kubvumbi 2014

Nhaurwa dzakapihwa mumusangano mukuru waGumiguru 2013*

  • Kwezvidzidzo zveSvondo yechina zvaKubvumbi nezvaGumiguru, nhaurwa i(dzi)nokwanisa kusarudzwa kubva kumusangano wakapfuura kana kubva kune uchangopfuura. Nhaurwa idzi dzinowanikwa mundimi dzakawanda kubva kuconference.lds.orgconference.lds.org.