2014
Ndingakwanisa here kufarira kuita gwashamazwi?
Chikumi 2014


Vechidiki

Ndingakwanisa here kufarira kuita gwashamazwi?

Munyori wenyaya anogara muVeracruz, Mexico.

Ndakatora chinhano muchinangwa chesiteki yedu chokuita gwashamazwi remazita zvuru makumi mashanu. Pakutanga zvakanga zvakaoma. Panguva dzakawanda chikamu chemazita chandaiburitsa kubva mukombuyuta chaiva nerunyoro rwainetsa kuverenga, uye dzimwe nguva ndaida kuchidzorera uye ndoburitsa chimwe chikamu chakasiyana. Asi zvino ndakaona kuti kana munhu wese akafunga zvakadaro, zvikamu zvemazita izvozvo zvaizosiiwa kusvikira kwekupedzisira. Ndakafunga mitsetse yakawanda yevanhu vakamirira munyika yomweya, uye ndikasarudza kuramba ndichiedza kuverenga mazita iwayo uye nokuanyora ndisingakanganisi.

Ndakadzidza kuva nerudo kuvanhu ivavo. Ndakanzwisisa kuti chokwadi vaida rubatsiro, uye kuti taidawo rubatsiro kubva kwavari. Ndakasvika pakunzwisisa kurinani kwekuti chirongwa chaBaba Vokudenga chakarurama chinofunga nezve munhu wese. Apo patinotevera femero nerairo yevatungamiri vakasarudzwa Vavo, tinozopupura tsitsi Dzavo nerudo Rwavo rusinamugumo.

Kuita gwashamazwi kwakava chiitiko chakanaka zvikuru kwandiri. Ndakadzidza kukoshesa nokuda zvinhu zvakawanda pamusoro penhoroondo yemhuri. Ndakawanawo zvipo zvakakosha zvikuru kubva kuna Ishe wedu nokuteerera kuchimwe chinhu chakareruka sekutora chinhano mukuita gwashamazwi.