2014
Ziva Nyaya dzeNhoroondo yeMhuri Yako
Chikumi 2014


Vana

Ziva Nyaya dzeNhoroondo yeMhuri Yako

Vabereki , vanasekuru naana mbuya vako vakava nezviitiko zvakawanda —zvinosanganisira zvimwe zvausingambozivi nezvazvo! Dzimwe dzenyaya dzavo dzinoita kuti useke, uye dzinokwanisa kukubatsira kuva nerutendo muna Baba Vokudenga. Asi nyangwe vanhu vakuru vanonzwa kunyara dzimwenguva. Shandisa mibvunzo iyi kuti uvabatsire kurangarira dzimwe dzenyaya dzavo dzavanonyanya kuda uye nyora pasi kana kutara mifananidzo yemhinduro dzavo.

  1. Ndiudzei nezve ndangariro dzenyu nhatu dzamaifara zvikuru.

  2. Ndeipi nguva yenyu yakanyanya kukunyadzisai?

  3. Ndiudzei nezve zuva randakazvarwa.

  4. Zvii zvamaifarira kuita apo pamaiva mudiki?

  5. Makawana sei uchapupu hwenyu hwevhangeri?