2018
Zvinhu Zvitatu zveKurangarira
Kukadzi 2018


Vechidiki

Zvinhu Zvitatu zveKurangarira

Izwi rinoti rangarirai rinooneka kakawanda muBhuku raMormoni. Nifai akakurudzira madzikoma ake kuti varangarire maponeserwo akaitwa madzitateguru avo naMwari. Mambo Benjamini akakumbira vanhu vake kuti varangarire hukuru hwaMwari. Uye Moronai akaraira vaverengi vake kuti varangarire kuti Ishe vane tsitsi sei.

Kurangarira Muponesi kwakakosha—tinoita nyange chibvumirano chekumurangarira nguva yega yega yatinotora sakaramende. Mutungamiri Eyring vanotikoka kurangarira izvi zvinhu zvitatu panguva yesakaramende:

  1. Rangarira Jesu Kristu: Verenga magwaro matsvene pamusoro pekuti Muponesi akashandira uye akaratidza rudo sei kune vamwe. Unonzwa sei rudo Rwake? Unokwanisa kushandira nekuratidza rudo sei kune vamwe sezvakaita Muponesi?

  2. Rangarira izvo zvaunofanira kuita zvirinani: Funga pamusoro pesvondo rakapfuura rako nechido chekutendeuka. Sarudza chinhu chimwechete chaunokwanisa kushandura, uye nyora pasi manatsiro auchachiita. Isa chinangwa chako pamwe panhu paunozochiona nguva zhinji.

  3. Rangarira mafambiro mberi auri kuita: Kumbira Mwari kuti vakubatsire kuona kufambira mberi kwakanaka kwauri kuita. Nyora manzwiro aurikuita.

Hatina kurururama, asi Muponesi anozviziva izvozvo. Ndikokusaka Achitikumbira kuti tiMurangarire. Kumurangarira kunotipa tariro uye kunotibatsira kuti tide kunatsurudza. Kunyange panguva dzatinotadza kuMurangarira, Mutungamiri Eyring vanoti, “Anokurangarirai nguva dzose.”