2018
Muzive Iye neMhuri Yake.
Kukadzi 2018


Misimboti yeDzidziso yeKushanyirana, Kukadzi 2018

Muzive Iye neMhuri Yake

Dzidziso yekushanyirana iri maererano nekusvika nemwoyo wako wose pakuziva nekuda sisita wega wega kuitira kuti tikwanise kubatsira kusimbisa rutendo rwake uye kupa mushando.

Rutendo , Mhuri, Rubatsiro

Rita Jeppeson nemudzidzisi wake wekushanyirana vava shamwari dzakanaka apo pavanoshanyirana nekugoverana misimboti yevhangeri. Asi kushanyirana kwavo kunosanganisirawo kutamba mitambo yemazwi pamwechete. Chinhu chinodisiswa naRita pamusoro pemudzidzisi wake wekushanyirana nokuti anoziva kuti ishamwari yake uye kushanya uku hakusi chete kwekungoti azoti “kushanya kwakazadziswa”. Pane zvinhu zvakawandisa zvinokwaniswa kuitwa nemasisita panguva dzekushanyirana, sezvakaita kuenda kukamufambo pamwechete kana kudzura masora mashoma mubindu apo vana pavanenge vachitamba.

Gosa Jeffery R. Holland veChikwata cheVaapostori vane Gumi neVaviri vakati: “Zvionei sevamiririri vaIshe kuvana Vavo. … Tinozovimba … kuti munozomisa nguva yehanya yechokwadi, iyo yakanangana nevhangeri yenhengo, muchiriritirana nekuchengetana, muchigadzirisa zvidikanwi zvemweya nezvenyama nenzira ipi zvayo inobatsira.”1

Ishe nekuburikidza naMosesi vakaraira vana veIsraeri kuti “mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri semunhu wakaberekwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe” (Revitiko 19:34). Masisita atinoshanyira angave “vatorwa” apo patinotanga mushando wedu, asi apo patinosvika pakumuziva iye nemhuri yake, chido chedu chinozowedzera “chekutakurirana mitoro,kuti ive inoreruka” uye kuita kuti “mwoyo yedu irukwe pamwechete mukubatana nokudanana” (Mosaya 16:8, 21).

Reyna I. Aburto, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hukuru hweChita cheRubatsiro, anorangarira paakanga ari nhengo itsva yeChechi ichangobva mukurambana nemurume. “Vadzidzisi vangu vekushanyirana vakauya kumba kwangu,” akadaro, “uye vakaunza kumwoyo wangu manzwiro anodziya ekuva mumwe wavo uye erudo”2

Funga Izvi

Mukati memhuri dzemasisita amunodzidzisa mukushanyirana, zvii zviitiko zvirikuuya zvamunofanira kuziva nekurangarira?

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Jeffrey R. Holland, “Emissaries to the Church,” Liahona, Mbudzi 2016, 62.

  2. Reyna I. Aburto, “What Has Relief Society Been for Me?” Brigham Young University Women’s Conference, Kubvumbi 5, 2017, LDS.org