2021
Inzwa, Teerera, uye Tetekera
Ndira 2021


“Inzwa, Teerera, uye Tetekera,” For the Strenth of Youth (Rusimbiso rweVechidiki), Ndira 2021, 32.

Shoko reMwedzi Woga Woga For the Strength of Youth (Rusimbiso rweVechidiki) Ndira 2021

Inzwa, Teerera, uye Tetekera

Kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2020.

Mufananidzo
kuteerera, kuverenga, uye kutaura papurupiti

Mifananidzo naGuev Design

Shoko rekutanga chairo muDzidziso neZvibvumirano nderekuti teererai (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:1). Rinoreva “kuteerera nevavariro yokutevedza zvataurwa.” Kuteerera zvinoreva “kuMunzwa”— kunzwa izvo zvinotaurwa neMuponesi uye zvino kutetekera rairo Yake. Mushoko iroro rokuti—“Munzwei”—Mwari vanotipa mutoo webudiriro, rudekaro, uye mufaro muupenyu huno. Tinofanira kunzwa mashoko aIshe, kuteerera kwaari, uye nekutetekera izvo zvaVatiudza!

Ndekupi kwatinokwanisa kuenda kunoMunzwa?”

Tinokwanisa kuenda kumagwaro matsvene. Tinokwanisawo kuMunzwa mutemberi. Isu tinoMunzwawo zvakanyanya kujeka apo patinonatsurudza kwaniso yedu yekuziva zevezero dzeMweya Mutsvene. Uye, chokupedzisira, tinoMunzwa apo patinotetekera mashoko evaporofita, vaoni, uye vazaruri.

Chii chinozoitika apo nechido pamunonzwa, kuteerera, uye kutetekera izvo zvakataurwa neMuponesi uye nezvaAri kutaura iyezvino kuburikidza nevaporofita Vake? Ndinovimbisa kuti munozokomborerwa nesimba rakawedzerwa rokutarisana nemiedzo, zvinetso, uye neutera. Ndinovimbisa zvishamiso muhukama hwenyu hwemhuri, uye nemubasa renyu rezuva nezuva. Uye ndinovimbisa kuti kwaniso yenyu yekunzwa mufaro inozowedzwera kunyange kana matambudziko akawedzera muupenyu hwenyu.