2021
Zivisisa Musimboti weZvakazarurwa
Ndira 2021


“Zivisisa Musimboti weZvakazarurwa,” Liahona, Ndira 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Ndira 2021

Zivisisa Musimboti weZvakazarurwa

Ndinokukuridzirai kuti mutore zvidanho zvinodikanwa kuti munzwe Ishe zvirinani uye kakanyanya kuwanda kuitira kuti mugamuchire rujekeso rwaVanoda kukupai.

Mufananidzo
chirimwa

Mifananidzo kubva kuGetty Images

Pamusi wa30 Gunyana, 2017, mushure mechikamu chamasikati chemusangano mukuru ndakaenda kuchipatara kunoona nhengo yechikwata yandinoda Gosa Robert D. Hales. Akanga apinzwa muchipatara kubvira paakabatwa nehosha yemwoyo mazuva mashoma akanga apfuura.

Takava nekushanyirana kwakanaka, uye akataridzika kuti arikuita zvirinani. Ainge arikutokwanisa kufema iye oga pachake, icho chaiva chiratidzo chakanaka.

Manheru iwayo, zvisinei, Mweya wakataura kumwoyo nekupfungwa dzangu kuti ndaifanira kudzoka kuchipatara neSvondo. Panguva yechikamu chamagwanani cheSvondo chomusangano mukuru, femero iyoyo yakasimba yakadzokazve. Ndakanzwa kuti ndaifanira kuregedza kudya kwemasikati uye ndokumhanyira kumubhedha waGosa Hales musangano wemangwanani uchingopera, zvinova zvandakaita.

Apo pandakasvika, ndakaona kuti mamiriro outano hwaGosa Hales akanga awedzera kuipa. Zvinosuwisa zvikuru kuti vakashaya mushure memaminitsi 10 ekusvikapo kwangu, asi ndinotenda kuti ndaiva parutivi rwavo nemudzimai wavo anorudo, Mary, uye navanakomana vawo vaviri apo pavakasiya muhupenyu huno.

Ndinotenda zvikuru kuti zevezero yeMweya Mutsvene yakandifemera kuti ndiite chimwe chinhu chandaisagona kuita neimwe nzira. Ndinotenda zvikuru nehuchokwadi hwezvakazarurwa uye kuti Mwari zvakare varikupa vanhu zvakazarurwa.

Gore rino nangiso yedu yokunzvera kwemunhu ari oga uye neyemukirasi ichazova yeDzidziso neZvibvumirano. “Zvakazarurwa zvehumwari nezviziviso zvakafemerwa” izvi zvinogona kukomborera avo vose vanozvinzvera uye nokudavira kumirairidzo yazvo yehumwari. Zvinokoka “vanhu vose kwose kwose kuti vanzwe inzwi raIshe Jesu Kristu,”1 nokuti zvirokwazvo “inzwi raIshe riri kuvanhu vose” (Dzidziso neZvibvumirano 1:2).

Njodzi, Rima, Unyengeri

Matutu epamweya neepanyama chikamu choupenyu panyika, sekuyeuchidzwa kwatakaitwa nedenda reCOVID-19. Kana tichitaura nezve nguva iyo Kuuya Kwake kweChipiri kusati kwaitika, Muponesi akafanotaura nezve mazuva ekutambudzika nekurwadziwa kukurusa. Akataura kuti, “kuchava nenzara, nezvirwere, uye nekundengendeka kwenyika, munzvimbo dzakasiyana-siyana” (Joseph Smith—Mateo 1:29).

Chinowedzera kumatambudziko iwayo irima neunyengeri zvakatikomberedza. Sokutaurira kwakaita Jesu vadzidzi vake, “huipi huchanyanya kuvapo” Asati adzoka (Joseph Smith—Mateo 1:30).

Satani akaunganidza nokurayira masimba ekurwisa ake uye arikupikisa nechisimba basa raIshe neavo vedu vari kushanda mariri. Nokuda kwenjodzi dzirikuwedzera dzatinotarisana nadzo, kudikanwa kwedu kwenhungamiro yehumwari hakuna kumbova kwakakura kupfuura iyezvino, uye kuedza kwedu kunzwa inzwi raJesu Kristu—Muyananisi, Muponesi, uye Mununuri wedu—hakuna kumbobvira kwakadiwa nekukurumidza saiyezvino.

Sezvandakataura ndichangobva mukusheedzwa seMutungamiri weChechi, Ishe vakagadzirira kuzarura chido Chavo kwatiri. Ndicho chimwe chemakomborero Avo makurusa kwatiri.2

Muzuva redu, Vakavimbisa, “Kana mukakumbira, muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

Ndinoziva kuti Vanozopindura kuteterero dzedu.

Manzwiro Atinovaita

Kuziva matauriro anoita Mweya kwakakosha muzuva ranhasi. Kugamuchira zvakazarurwa zvemunhu pachake, kuwana mhinduro, uye kugamuchira dziviriro nenhungamiro, tinorangarira mutoo uyo Muporofita Joseph Smith waakatimisira.

Chokutanga, tinozvinyudza mumagwaro matsvene. Kuita izvi kunozarura pfungwa nemwoyo yedu kudzidziso nezvokwadi zveMuponesi. Mashoko aKristu “anotiudza zvinhu zvose zvatinofanira kuita” (2 Nifai 32:3), kunyanya mumazuva ano emhirizhonga nekusagadzikana.

Chinhu chinotevera tinonamata. Kunamata kunoda chido chedu pachezvedu, saka tinozvininipisa pamberi paMwari, towana nzvimbo inerunyararo yatinokwanisa kuenda nguva nenguva, uye todururira mwoyo yedu kwaVari.

Ishe vanoti, “Swederai pedyo neni uye ini ndichaswedera pedyo nemi; nditsvakei nokushingaira uye muchandiwana, kumbirai uye muchagashira; gogodzai, uye muchazarurirwa” (Dzidziso neZvibvumirano 88:63).

Kuswedera pedyo naIshe kunounza nyaradzo uye kurudziro, tariro uye kuporeswa. Saka, tinonamata nemuzita Ravo pamusoro pezvinetso nehutera hwedu, zvishuviro zvedu uye neavo vatinoda, zvigaro zvatakadaidza zvedu uye nemibvunzo yedu.

Zvino tinoteerera.

Kana tikaramba tiri pamabvi edu kwechinguva mushure mokupedza munamato wedu, pfungwa, manzwiro emukati, uye nhungamiro zvinozouya mupfungwa dzedu. Kunyora pasi femero idzodzo kunozotibatsira kurangarira zvidanho izvo Ishe zvavanoda kuti titore.

Mufananidzo
mudzimai achinzvera

Apo patinodzokorora maitiro aya, mumanzwi eMuporofita Joseph Smith, “tinozozivisisa musimboti wezvakazarurwa,”3

Kodzero Yokugamuchira Zvakazarurwa

Kunatsurudza kwaniso yedu yekuziva ruzevezero rweMweya Mutsvene uye nokuwedzera kwaniso yedu yokugamuchira zvakazarurwa kunoda kuti vakakodzera. Kukodzera hakudi kuti tive vakarurama, asi kunoda kuti tishingirire kuwedzera rucheno.

Ishe vanotarisira kuedza kwezuva nezuva, kunatsurudza kwezuva nezuva, rutendeuko rwezuva nezuva. Kukodzera kunounza rucheno, uye rucheno runoita kuti tikodzere Mweya Mutsvene. Apo tinotora “Mweya Mutsvene senhungamiro yedu” (Dzidziso neZvibvumirano 45:57), tinokodzera zvakazarurwa zvedu pachedu.

Kana paine chimwe chinhu chirikutimisa kubva mukuvhura musuwo kunhungamiro yekudenga, tingangofanira kutendeuka. Rutendeuko runotibvumira kuti tivhure musuwo kuitira kuti tigonzwa inzwi raIshe zvakanyanya kuwanda nokujeka.

“Mwero wacho wakajeka,” vakadzidzisa Gosa David A. Bednar veChikwata cheVaApositora vane Gumi neVaviri. “Kana chinhu chatinofunga nezvacho, chatinoona, chatinonzwa, kana kuita chichitibvisa paMweya Mutsvene, zvino tinofanira kurega kufunga, kuoona, kunzwa kana kuita chinhu ichocho. Kana icho chinoitwa nevavariro yokutitandadza, semuenzaniso, chichitibvisa kubva paMweya Mutsvene, zvino pachokwadi rudzi rwenhandaro iyoyo harusi rwedu. Nokuti Mweya haukwanisi kugara munzvimbo imwecheteyo nezvinhu zvinonyadzisira, zvisina hunhu, kana zvisina chiremerera, zvino zvakajeka kuti zvinhu izvozvo hazvisi zvedu.”4

Apo tinobatanidza rucheno rwakawedzerwa nokuteerera nekutsanya, kutsvaga neushingairi, kunzvera magwaro matsvene uye manzwi avaporofita vanorarama, uye basa remutemberi nenhoroondo yemhuri, matenga anozozaruka. Ishe, mumhinduro, vanozadzikisa chivimbiso Chavo: “Ndinozopa kwauri Mweya wangu, uyo uchajekesa pfungwa dzako” (Dzidziso neZvibvumirano 11:13).

Tingangofanira kuva nemwoyo murefu, asi Mwari vanozotaura kwatiri munguva Yavo pachavo uye nemunzira Yavo pachavo.

Mweya weRunzwisiso

Jobo akazivisa pachena kuti, “Asi mweya uripo pamunhu: kufurudzira kwoWamasimba ose kunovapa kunzwisisa” (Jobo 32:8). Mugore rino idzva ra2021, ndinokukurudzirai kuti mutore zvidanho zvinodikanwa kuti munzwe Ishe zvirinani uye kakanyanya kuwanda kuitira kuti mugogamuchira ruvhenekero urwo rwaVanoda kukupai.

Gosa Hales vasati vashaya pazuva raGumiguru iroro muna 2017, vakagadzirira mharidzo diki yemusangano mukuru iyo vasina kuzokwanisa kupa. Mumharidzo iyoyo, vakanyora kuti, “Rutendo rwedu rwunotigadzirira kuti tive pamberi paIshe.”5

Apo patinogamuchira zvakazarurwa, tinopedza nguva tiri pamberi paMwari apo paVanenge Vachizarura pfungwa, chido, uye neinzwi Ravo kwatiri (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:4). Ndinovimba tichaisa rutendo rwedu muzviito, tichidaidza kwaVari, tichirarama zvakakodzera vimbiso Yavo yefemero, uye tichitevedza nhungamiro yatinogamuchira.

Zvinyorwa

  1. Chisumo kuDzidziso neZvibvumirano.

  2. Ona Russell M. Nelson, “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu,” Liahona, Chivabvu 2018, 94.

  3. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 132.

  4. David A. Bednar, “That We May Always Have His Spirit to Be with Us,” Liahona Chivabvu 2006, 30.

  5. Muna Neil L. Andersen, “The Voice of the Lord,” Liahona, Mbudzi 2017, 125.