2021
Zvakazarurwa Zvinoenderera Mberi
Kurume 2021.


“Zvakazarurwa Zvinoenderera Mberi,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kurume 2021, 16.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki) Kurume 2021

Zvakazarurwa Zvinoenderera Mberi

Kubva kunhauro yemusangano mukuru waKubvumbi 2020

Mufananidzo
Chiratidzo Chekutanga

Mufananidzo naBen Simonsen

Muporofita Joseph Smith vakagashira zvakazarurwa zvizhinji. Zvakazarurwa zvizhinji zvakagashirwa neMuporofita Joseph zvakachengetedzerwa isu muDzidziso neZvibvumirano.

Pamusoro pezvo, tinokomborerwa nezvakazarurwa zvinoenderera mberi zvinopuwa kuvaporofita vapenyu avo vanova vatumwa “vakagadzwa vaIshe, vakapuwa mvumo yekutaura vakaVamiririra.”1

Zvakazarurwa zvomunhu pachake zvinowanikwawo kune avo vese vanotsvaga nouninipi nhungamiro kubva kuna Ishe. Izvi zvakakosha sezvakazarurwa zvehuporofita.

Zvakazarurwa zvemunhu pachake zvinomisirwa pazvokwadi zvepamweya zvinogamuchirwa kubva kuMweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ndiwo muzaruri uye mupupuri wechokwadi chose, kunyanya icho chezve Muponesi. Pasina Mweya Mutsvene, hataizokwanisa kuziva kuti Jesu ndiye Kristu. Basa Rake rakakosha nderekupa uchapupu nezva Baba uye neMwanakomana uye zvigaro Zvavo neKubwinya Kwavo.

Ndinokuvimbisai kuti nhungamiro yekuzarurirwa inogona kugamuchirwa nemumwe nemumwe wedu apo patinoshanda tichizvininipisa mumunda waIshe wemizambiringa.

Chikumbiro chakaninipa changu ndechekuti mumwe nemumwe wedu anozotsvaga zvakazarurwa zvinoenderera mberi zvinotungamira upenyu hwedu uye totevera Mweya apo patinonamata Mwari Baba uye neMuponesi wedu, Jesu Kristu.

Chinyorwa

  1. Hugh B. Brown, “Joseph Smith among the Prophets” (Sixteenth Annual Joseph Smith Memorial Sermon, Logan Institute of Religion, Zvita. 7, 1958), 7.