2021
Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende
Kurume 2021.


“Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende,” Liahona (Riahona) Kurume 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) Kurume 2021

Jesu Kristu Akatikumbira kuti Titore Sakaramende

Tinoshanangurwa nekuporeswa apo patinoyeuka Muponesi wedu vhiki rega rega.

Mufananidzo
Chirairo Chekupedzisira

Chirairo Chekupedzisira, naCarl Heinrich Bloch

Asati Afa, Jesu Kristu akadya kudya kwokupedzisira kunonzi Chirairo Chekupedzisira. Pakupera kwekudya uku, Akasuma sakaramende kuvateveri Vake. Akamedura chingwa akachiropafadza. “Izvi itai mukundirangarira,” Akadaro (Ruka 22:19). Zvino Akaropafadza uye akagovera mukombe wewaini.

Mufananidzo
mhuri ichigamuchira sakaramende

Chikamu Chekushumira kweVhiki yega yega

Apo Chechi yaJesu Kristu payakadzorerwa panyika, sakaramende yakava chikamu chekushumira kwevhiki yega yega. Munguva yechechi, sakaramende inoropafadzwa uye inogoverwa neavo vane hupirisita. Vanonamata vachishandisa mashoko anobva mumagwaro matsvene (ona Moronai 4; 5). Zvino munhu mumwe nemumwe ari mugungano anodya chingwa nekunwa mvura kuti arangarire Jesu Kristu uye nekuzvipira Kwake kwaakatiitira, nenzira yaAkatikumbira kuti tiite.

Mufananidzo
musikana wechidiki achinamata

Mufananidzo naAngela Suitter

Kugadzirira Kutora

Kuti tigadzirire kutora sakaramende, tinofanira kufungisisa pachokwadi nezve upenyu hwedu nesarudzo dzedu. Tinofanira kutendeuka kubva kuzvikanganiso nezvivi zvevhiki yapfuura, kusanganisira kukumbira Mwari ruregerero. Hatifanirwe kuve vakarurama kuti titore sakaramende, asi mwoyo yedu inofanira kuzvininipisa.

Mufananidzo
Munamato paGetsemani

Munamato paGetsemani, naDel Parson

Zvinopfuura Kungova Chingwa neMvura

Kutora sakaramende inguva tsvene inoera Minamato yesakaramende inotiyeuchidza kuti apo patinotora chingwa nemvura, tiri kurangarira muviri neropa izvo Jesu Kristu zvaakapa kwatiri. Tinovimbisa kuMutevera uye kurarama upenyu hwechiKristu. Tinovimbisa kuedza kuchengeta mirairo yaMwari. Mukudzorera kwatiri, Mweya Mutsvene unozotinyaradza, kutitungamira, uye nokutiporesa.

Mufananidzo
rubhabhatidzo

Kuvandudza Zvibvumirano

Apo avo vedu vakabhabhatidzwa patinotora sakaramende nemwoyo wakachena, tinovandudza chisungo chatakaita parubhabhatidzo. Izvi zvinosanganisira kugamuchira Mweya Mutsvene uye nekushanangurwa kubva muchivi sekunge tabhabhatidzwa zvakare. Iyi ndiyo tariro netsitsi izvo Jesu zvaanopa kune mumwe nemumwe wedu. Hazvimbovi zvanonoka kuti titendeuke nokuregererwa.

Mufananidzo
Jesu Kristu achisuma sakaremende kuvaNifai

Kuti Mundirangarire Nguva Dzose, naGary L. Kapp, hazvifaniri kukopwa

Magwaro Matsvene Anotikudii pamusoro peSakaramende?

Tinofanira kuzviongorora pazvemweya, tichizvitarisa mukati pachokwadi, tisati tatora sakaramende (ona 1 Vakorinte 11:28).

Mushure meKumuka Kuvakafa, Jesu akaratidza vanhu Vake mumaAmerica matorero okuita sakaramende (ona 3 Nifai 18).

Vaporofita vemazuva ano vakatiudza kuti tishandise chingwa nemvura pasakaramende, asi zvatinodya kana kunwa hazvina mhosva zvakanyanya (ona Dzidziso neZvibvumirano 27:2). Dzimwe nguva avo vanotambura pautano kana vakadya chingwa vanofanira kushandisa zvimwe zvinhu zvakada kufanana nechingwa.

Chirairo Chekupedzisira, naCarl Heinrich Bloch; mufananidzo wemusikana wechidiki achinamata naAngela Suitter; Munamato paGetsemani, naDel Parson; Kuti Mundirangarire Nguva Dzose, naGary L. Kapp, hazvifaniri kukopwa