2021
Kuwana Simba Rekuregerera
Chikumi 2021


“Kuwana Simba Rekuregerera,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Chikumi 2021, 10–11.

Huyai, Munditevere

Kuwana Simba reKuregerera

Ishe vakatiraira kuti tiregerere vamwe. Vanozotibatsira kuchengeta mirairo Yavo, kusanganisira uno uyu.

Dzidziso neZvibvumirano 64:10

Mufananidzo
mudzimai akatarisa mumwe munhu arikutambanudzira ruoko kwaari

Mufananidzo naJames Madsen

Mimwe mirairo inoratidzika here seyakaoma kuchengeta pane mimwe?

Heuno mumwe murairo unotyisa vanhu vakawanda: “Ini Ishe ndinozoregerera uyo wandinoda kuzoregerera, asi kwamuri kunodiwa kuti muregerere munhu wose” (Dzidziso neZvibvumirano 64:10).

Mira. Tinofanira kuregerera munhu wese anenge atitadzira? Zvinokwanisika here izvozvo?!

Chimwe chinhu kuregerera munhu ataura chimwe chinhu chakaipa kwauri kana kumuregerera pakutora chingwa chekupedzisira patafura yekudyira. Asi zvakaoma sei kuregerera maronda akadzika? Izvo zvigumburo zvakakomba zvinokwanisa kukanganisa kana kunyangwe kushandura mafambiro eupenyu hwedu?

Dzimwe nguva kwaniso yekuregerera mumwe munhu akatirwadzisa zvakanyanya inokwanisa kunzwika seisingabviri kwatiri.

Heano mashoko akanaka: Nerubatsiro rwaJesu Kristu, hatimboganhurirwi pane izvo zvatinokwanisa kuita isu pachedu.

Rubatsiro Rwaaida

Mumwe muKristu akazvipira anobva kuNetherlands anonzi Corrie ten Boom akazvionera iye ega pachake simba rekukumbira Mwari kuti amubatsire kuregerera mumwe munhu.

Iye nemukoma wake Betsy vakanga vakavharirwa mumisasa yeudzvinyiriri yevasungwa munguva yeHondo yePasi Rose yeChipiri. Corrie nevamwe vakatambura nokushungurudzwa kwakaipa zvikuru kubva kuvarindi vejeri vechiNatsi. Mukoma wake Betsy akafa nokuda kwekushungurudzwa ikoko. Corrie akapona.

Mushure mehondo, Corrie akawana simba rinoporesa rekuregerera vamwe. Kazhinji aigovera shoko rake mumisangano yeruzhinji. Asi rimwe zuva mashoko ake akaiswa muchiedzo chikurusa.

Mushure menhauro yeparuzhinji, Corrie akavingwa nemumwe wevarindi vejeri aive neutsinye hukurusa aibva kumisasa.

Akaudza Corrie kuti akanga ava muKristu kubvira pakupera kwehondo uye akanga atendeuka pazvinhu zvakaipisa zvaakanga aita semurindi wejeri.

Akatambanudza ruoko rwake akati, “Ungandiregererawo here?”

Zvisinei nezvese zvaakanga adzidza uye nekugovera pamusoro pekuregerera vamwe, Corrie haana kukwanisa kugamuchira ruoko rwemurume uyu uye nekumuregerera—kwete ari ega pachake, zvisinei.

Pashure akazonyora kuti, “Kunyangwe apo pfungwa dzine hasha, nerutsivo padzaivira nemandiri, ndakaona chivi chadzo. … Ishe Jesu, ndakanamata, ndiregererei uye ndibatsireiwo kumuregerera.

“Ndakaedza kunyemwerera, [uye] ndakatambudzika kusimudza ruoko rwangu. Handina kukwanisa. Hapana chandakanzwa, kwete kana tsitsi shoma zvadzo kana rudo rwakarurama. Uye zvakare ndakaita munamato wakanyarara. Jesu, handikwanise kumuregerera. Ndipe ruregerero Rwako.

“Apo pandakamubata ruoko chinhu chinoshamisa zvikuru chakaitika. Kubva pabendekete rangu zvichitevedza ruoko rwangu uye nemuchanza changu manzwiro akasimba akaratidzika kufamba kubva mandiri kuenda maari, apo mukati memwoyo wangu makamuka rudo rwemutorwa uyu rwakapotsa rwandikurira.

“Uye nokudaro ndakaziva kuti kuporeswa kwenyika hakuna kumisirwa paruregerero rwedu sezvakusinawo kumisirwa parunako rwedu asi paruregerero Rwake. Apo paanotiudza kuti tide vavengi vedu, Anopa, pamwepo nemurairo wacho, rudo pacharwo.”1

Mwari varipo kuti vakubatsire kuchengeta mirairo Yavo, kusanganisira murairo wekuregerera—kunyangwe apo pazvinenge zvakaoma. Anokwanisa kukubatsira sekubatsira kwaakaita Corrie ten Boom.

Kuporeswa Kwaunokodzera

Upenyu hwakaoma. Hunovhiringidza. Uye huzere chaizvo nevanhu vane rusununguko rwekuzvisarudzira rwakapihwa naMwari.

Munguva idzodzo apo mumwe munhu paanoita sarudzo inokukonzera marwadzo akakomba—kana kunyangwe azviita isiri vavariro yake—unokwanisa kugamuchira simba rinoporesa apo paunonamatira rubatsiro uye nokuedza kuregerera.

Kuregerera vamwe kunounza kuporeswa kumweya wako. Nerubatsiro rwaMwari, apo paunoregerera mumwe munhu akakutadzira, unobvisa mutoro wakaipa kubva pamafudzi ako uyo ungange uchikudzosera kumashure. Kunyangwe apo nzira yekuporeswa kwechokwadi painonzwikwa yakaoma, naMwari, hauzombofanirwe kuifamba wega.

Zvinyorwa

  1. Corrie ten Boom, The Hiding Place (1971), 215.

  2. Jeffrey R. Holland, Oct. 2018 general conference (Ensign kana Liahona, Mbudzi. 2018, 79).