2021
Vanasikana vekwaRollins Vakadzivirira Chiitiko Chakaipa!
Chikumi 2021


“Vanasikana vekwaRollins Vakadzivirira Chiitiko Chakaipa!” Friend (Shamwari), Chikumi 2021

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2021

Vanasikana vekwaRollins Vakadzivirira Chiitiko Chakaipa!

Mufananidzo
Joseph Smith achitarisa pamapepa

Mifananidzo naApryl Stott

Jesu Kristu akaudza Muporofita Joseph Smith zvinhu zvakawanda zvakakosha zvekutibatsira. Chechi yakagadzira muchina wekudhinda zvinyorwa kuitira kudhinda mashoko aJesu. Nenzira iyoyo vanhu vaizokwanisa kuaverenga.

Mufananidzo
varume vachikanda mapepa

Rimwe zuva, boka revarume vakashatirwa rakauya. Vakaparadza muchina wekudhinda zvinyorwa. Vakakanda mapeji emagwaro matsvene panze mumugwagwa.

Mufananidzo
vasikana vachimhanya nemapepa

Mukoma nemuninʼina vaviri vainzi Mary Elizabeth naCaroline Rollins vakaona zvakaitika. Vakamhanya uye vakaunganidza mapeji acho mumaoko avo.

Mufananidzo
vasikana vakahwanda mumunda wechibage

Vasikana ava vakahwanda mumunda wechibage kusvikira varume vaenda. Vakanga vadzivirira magwaro matsvene! Magwaro matsvene iwayo pashure akazove chikamu cheDzidziso neZvibvumirano.

Mufananidzo
musikana naambuya vachiverenga magwaro matsvene mubhazi

Ndinokwanisa kuverenga magwaro matsvene. Ndinokwanisa kushinga uye nekudzivirira izvo zvandinotenda kuvachokwadi.

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kushinga

Mufananidzo
mwana achibaiwa jekiseni

Chii chinokubatsira kuti uve wakashinga?