2022
Mosesi neMana
Kubvumbi 2022


“Mosesi neMana,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kukadzi 2022

“Mosesi neMana”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Kubvumbi 2022

Mosesi neMana

Mufananidzo
Mosesi uye vana veIsraeri

Mifananidzo naApryl Stott

Mosesi aiva muporofita. Akatungamirira vanhu vaMwari kuenda kunyika yechipikirwa. Vakafamba kwemazuva mazhinji.

Mufananidzo
vana nemana

Vanhu vaiva nenzara. Vaiva vasina zvokudya. Saka Mwari vakavatumira zvokudya kubva kudenga. Zvaidaidzwa kunzi mana.

Mufananidzo
mwanakomana naamai vachigadzira mana

Mangwanani oga oga, vanhu vaiunganidza mana yekuti vadye. Asi yaiva isingachengeteke kudarika usiku humwechete. Vaifanira kuunganidza imwezve zuva raitevera.

Mufananidzo
Jesu Kristu nevana

Mana inotiyeuchidza nezva Jesu Kristu. Mwari vakatumira mana kuti vaponese vanhu. Vakatumirawo Jesu panyika kuti azotiponesa. Tinoda Jesu mazuva ose, sezvatinoda zvokudya mazuva ose.

Mufananidzo
vana vakatarisa mufananidzo waJesu Kristu

Ndinozotevera Jesu. Anozondipa simba uye nekundibatsira kunzwa rudo Rwake zuva roga roga.

Peji Yokuisa Ruvara

Tinoda Jesu Mazuva Ose

Mufananidzo
Jesu Kristu nevana

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Jesu anokubatsira sei?