2022
Muponesi Arikutambura
Kubvumbi 2022


“Muponesi Arikutambura,” For the Strength of Youth (Zverusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Kubvumbi 2022

Muponesi Arikutambura

Mazana emakore Jesu Kristu asati auya, Isaya akafanoona kutamburira Kwake zvivi zvedu.

akazvidzwa uye akarambwa

Mufananidzo
Maoko aJesu Kristu akasungwa

Apo Jesu Kristu paakauya panyika, vamwe vanhu vakatenda maAri, asi vakawanda havana. VakatoMutarisira pasi, uye vakawanda vakamuvenga. Pakupedzisira, vanhu vakasarudza kuti vaite kuti atambudzwe uye auraiwe. (Ona 1 Nifai 19:9.)

akatakura marwadzo edu

Mufananidzo
Jesu Kristu Akapfugama muGetsemani

Jesu Kristu akatora paAri marwadzo edu ose, hurwere, neutera hwedu hwose. Akaita izvi kuitira kuti Agotinzwira ngoni uye nokuziva mabatsiriro aangatiita. (Ona Aruma 7:11–13.)

akakuvadzirwa zvitadzo zvedu

Mufananidzo
Jesu Kristu pamuchinjikwa

Jesu Kristu akatamburira zvivi zvedu. Akaita izvi kuitira kuti tikwanise kuregererwa apo patinotendeuka. (Ona Dzidziso neZvibvumirano 18:11; 19:15–19.)

nemavanga ake tinoporeswa

Mufananidzo
vanhu vachibata ruoko rwaJesu Kristu akamutswa kuvakafa

“Mavanga Ake” ndiwo maronda Ake. Izvi zvinomirira kutambura kwose kwaAkatsungirira kuitira isu, kusanganisira kudeurwa kweropa Rake uye rufu Rwake. Nokuti Jesu Kristu akatitamburira, tinokwanisa kuitwa vakazara zvakare. Kuzvipira Kwake kunoita kuti zvikwanisike kuti zvivi zvedu zviregererwe. Apo patinotendeuka uye tichiedza kuchengeta zvibvumirano zvedu, Anotiporesa uye nekutishandura. (Ona Mosaya 3:7–11; Misimboti yeChitendero 1:3.)