2022
Chii Chinoitika muMisangano yeChechi yeSvondo?
Chikumi 2022


“Chii Chinoitika muMisangano yeSvondo yeChechi?,” Liahona, Chikumi 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chikumi 2022

Chii Chinoitika muMisangano yeChechi yeSvondo?

Mufananidzo
madzimai maviri achimbundirana

Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira dzinoungana Svondo yoga yoga kunamata Mwari uye nokudzidzisana vhangeri raJesu Kristu. Vanhu vose vanotambirwa kuti vapinde, uye nhengo dzinozova nemukana wokunamata, kupa nhaurwa, uye nokudzidzisa zvidzidzo kana vachida. Misangano iyi inobatsira nhengo kusimbisana murutendo uye kuva “nemwoyo yavo yakarukwa pamwechete mukubatana uye nomurudo” (Mosaya 18:21).

Mufananidzo
mukomana ari muwiricheya achigovera sakaramende

Musangano weSakaramende

Nhengo dzewadhi kana bazi dzinoungana Svondo yoga yoga kuitira musangano wesakaramende. (Avo vasiri vechitendero chedu vanotambirwa kuti vapindewo.) Sakaramende inopuwa kunhengo munguva yomusangano uyu kuitira kuvabatsira kurangarira Jesu Kristu (ona chinyorwa chaKubvumbi 2022 cheDzidziso dzeKutanga dzeVhangeri kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pesakaramende). Musangano unosanganisirawo minamato, mumhanzi wekushumira, uye nhaurwa dzinopuwa nenhengo pamusoro pevhangeri raJesu Kristu.

Mufananidzo
vasikana vaviri vachinyemwerera muchechi

Mimwe Misangano

Mushure memusangano wesakaramende, nhengo dzinoparadzana mumakirasi nezvikwata. Vana vane mwedzi gumi nemisere kusvika kumakore gumi nerimwe vanopinda Puraimari. PaSvondo yokutanga uye neyechitatu yemwedzi woga woga, dzimwe nhengo dzinopinda Chikoro cheSvondo. PaSvondo yechipiri uye neyechina, vanopinda misangano yeChita cheRubatsiro, Vasikana veChidiki, kana yechikwata chevehupirisita.

Minamato

Minamato mumisangano yeChechi inopuwa nenhengo. Minamato yacho yakareruka uye inotungamirwa neMweya Mutsvene. Nhengo dzinonamata dzichishandisa mashoko anotaura rudo neruremekedzo kuna Baba Vokudenga. Izvi zvinosanganira kushandisa zvisazita zvinoti Kwamuri, Wenyu, Yenyu, uye Imi pakunamata kwaVari.

Nhaurwa

Nhengo yehubhishopi kana yehutungamiri hwebazi inokumbira nhengo kuti dzipe nhaurwa mumusangano wesakaramende. Nhaurwa idzi dzinonangisa pavhangeri raJesu Kristu. Vatauri vanoshandisa magwaro matsvene namashoko avatungamiri veChechi apo pavanogadzirira nhaurwa dzavo. Vanopawo uchapupu nezve maropafadzo emisimboti yevhangeri muupenyu hwavo.

Zvidzidzo

Mushure memusangano wesakaremende, nhengo dzinodzidza pamusoro pevhangeri mumakirasi maduku. Zvidzidzo zvacho zvinogona kuva pamusoro pamagwaro, dzidziso kubva kumusangano mukuru, kana mimwe misoro yenyaya. Kunyangwe zvazvo mudzidzisi achizotungamira chidzidzo, hachisi nhaurwa. Nhengo dzose dzekirasi dzinogona kugovera pfungwa dzavo pamusoro pemusoro wenyaya wacho.

Mufananidzo
murume achitaura ari paparupiti muchechi

Uchapupu

Kamwechete pamwedzi, musangano wesakaramende unosanganisira misangano wekupupura. Kazhinji izvi zvinoitwa paSvondo yokutanga yemwedzi. Munguva yemusangano uyu, nhengo dzinokwanisa kupa uchapupu hwadzo hwaJesu Kristu neVhangeri Rake. Kupa uchapupu zvinoreva kuzivisa pachena zvokwadi zvevhangeri sokufemera kunoitwa neMweya Mutsvene.

Gadziriro

Nhengo dzinogadzirira misangano yeSvondo nokunamata, kunzvera magwaro matsvene, uye nokuva vakagadzirira kugamuchira femero kubva kuMweya Mutsvene. Kana ukakumbirwa kupa nhaurwa kana kudzidzisa chidzidzo, nomunamato funga pamusoro pamadzidzisiro aungaita misimboti yevhangeri. Shandisa magwaro matsvene. Ipa uchapupu hwechokwadi Vatungamiri vako veChechi vanokwanisa kukubatsira kugadzirira, kana zvichidikanwa.