2022
Rute naNaome
Chikumi 2022


“Rute naNaome,” Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2022

“Rute naNaome”

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2022

Rute naNaome

Mufananidzo
Rute achichata, aine mhuri yaNaome

Mifananidzo naApryl Stott

Naome nemhuri yake vakauya kunyika itsva nokuda kwenzara. Vakasangana nemusikana wechidiki ainzi Rute. Rute akachata nemwanakomana waNaome.

Mufananidzo
Rute nemurume aiva avakufa.

Zvino murume waRute akafa. Rute akasuwa zvikurusa.

Mufananidzo
Naome

Naome akasuwawo zvikurusa. Akanga asisina mhuri yaiva yasara kumuchengeta. Akasarudza kudzokera kunyika kwaaiva abva.

Mufananidzo
Naome naRute

Naome akaudza Rute kuti adzokere kumhuri yake. Asi Rute aida Naome. Akavimbisa kuenda naNaome uye kumuchengeta.

Mufananidzo
Rute achiunganidza

Rute naNaome vaiva varombo. Saka Rute akashanda nesimba kuti awane zvokudya zvavo.

Mufananidzo
Boazi naRute vari mumunda

Rimwe zuva murume ainzi Boazi akaona Rute achiunganidza zviyo zvaiva zvasara mune mumwe weminda yake.

Mufananidzo
Boazi nemuranda

Boazi aiva netsitsi. Akataurira varanda vake kuti vasiye zvimwe zvokudya kuitira Rute.

Mufananidzo
Rute, Boazi, naNaome, nemucheche

Pashure Rute naBoazi vakachata. Vakaita mwana mukomana. Naome akabatsira kumuchengeta.

Mufananidzo
mhuri ichipa zvokudya

Ndinokwanisa kubatsira kuchengeta vamwe. Ndinokwanisa kuva netsitsi kuna avo vanoshaya.

Peji Yokuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kuchengeta Vamwe.

Mufananidzo
vana nasekuru

Dzvanya pamufananidzo kuti udhaunirodhe.

Mufananidzo naApryl Stott

Ndiani waungakwanisa kubatsira?