2022
Kutungamirwa naVaporofita Vapenyu
Gunyana 2022


“Kutungamirwa naVaporofita Vapenyu,” Liahona (Riahona), Gunyana 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona (Riahona) Gunyana 2022

Kutungamirwa naVaporofita Vapenyu

Mufananidzo
Vatungamiri vechechi vari pamberi pechiumbwa chaChristus

Vaporofita varume vakadaidzwa naBaba Vekudenga kuti vataure muchinzvimbo Chavo. Vanopupura nezva Jesu Kristu uye nokudzidzisa vhangeri Rake. Nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira dzinotenda muvaporofita vechinyakare nevamazuvano.

Mwari Vanotaura kuburikidza neVaporofita

Vaporofita vanotambira zvakazarurwa kubva kuna Mwari. Apo vaporofita pavanofemerwa kuti vatidzidzise, zvakafanana sekunge Mwari ndivo vari kutaura nesu (ona Dzidziso neZvibvumirano 1:38). Tinokwanisa kuvimba kuti varikutiudza izvo Mwari zvavanoda kuti tizive.

Mufananidzo
Mormoni nemahwendefa egoridhe.

Mormoni Achipfupisa Mahwendefa, naTom Lovell

Vaporofita Vanodzidzisa nezva Jesu Kristu

Vaporofita vose vanopupura nezva Jesu Kristu. Vanotidzidzisa kuti Ndiye Mwanakomana waMwari. Vanotidzidzisa pamusoro pehupenyu Hwake, muenzaniso Wake, uye neRudzikinuro Rwake. Uye vanotiratidza nzira yokumutevera nekuteerera mirairo yake.

Mabasa Avaporofita

Vaporofita vanodzidzisa vhangeri raJesu Kristu. Vanotsanangura maropafadzo atinotambira apo patinoteerera mirairo uye nemhedzisiro yatinotambira kana tikasateerera. Dzimwe nguva, vanofemerwa kutiudza pamusoro pezvichaitika muneramangwana.

Mufananidzo
Mosesi ane mahwendefa

Mosesi namaHwendefa. naJerry Harston

Vaporofita Vechinyakare

Mwari vakaidzidzisa vanhu kuburikidza nevaporofita kubvira pakutanga. Vaporofita avo vakararama munguva dzeTestamente Yekare Adama, Abrahama, Mosesi, Isaya, nevamwe. Kwaivawo nevaporofita pakati pavanhu vemuBhuku raMormoni. Vaporofita ava vaisanganisira Rihai, Mosaya, Aruma, and Moroni. Tinokwanisa kudzidza zvavakadzidzisa nekuverenga magwaro matsvene.

Vaporofita veNguva Dzino

Joseph Smith ndiye akava muporofita wekutanga wenguva dzino. Akadzorera Chechi yaJesu Kristu panyika. Russell M. Nelson ndiye muporofita neMutangamiri weChechi nhasi. Vatevedzeri vake muHutungamiri Hwekutanga neChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vaporofita, vaoni, uye vazaruriwo.

Mufananidzo
vaviri varikuona musangano parunhare

Kuteerera kuMuporofita

Muporofita anotaura kwatiri munguva yemusangano mukuru uye pane dzimwe nguva. Anotidzidzisa izvo Mwari zvaVanoda kuti tizive uye nzira yokutevera nayo Jesu Kristu nhasi. Tinowana zvidzidzo zvake muLiahona (Riahona) uye pawebhusaiti inoti ChurchofJesusChrist.org

Maropafadzo ekutevera Muporofita

Tinozoropafadzwa kana tikatevera dzidziso dzemuporofota. Kana tikatevera muporofita, tinoziva kuti tinenge tichiita izvo Mwari zvavanoda kuti tiite. Tinokwanisa kunzwa runyararo muhupenyu hwedu uye nekuswedera pedyo naJesu Kristu.