2022
Dzidza nezvaJesu Kristu uye Uwane Simba Rake
Gunyana 2022


“Dzidza nezva Jesu Kristu uye Uwane Simba Rake,” For the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2022.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFor the Strength of Youth (ZveRusimbiso rweVechidiki), Gunyana 2022

Dzidza nezvaJesu Kristu uye Uwane Simba Rake

Kubva kuNhaurwa yemusangano mukuru waKubvumbi 2017

Ndinoda kugovera kuti tingaswededza sei muupenyu hwedu simba raIshe naTenzi wedu, Jesu Kristu.

Tinotanga nokudzidza pamusoro Pake.1 “Hazvibviri kuti [tese] tiponeswe mukusaziva” (Dzidziso neZvibvumirano 131:6) Patinonzwisisa zvakanyanya dzidziso yeMuponesi nezvaAkatiitira, ndipo patinonyanya kuziva kuti Anokwanisa kupa simba ratinoda muupenyu hwedu.

SaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinotaura nezve basa Rake seRudzikinuro rwaJesu Kristu, urwo rwakaita kuti kumuka kuvakafa kuve kwechokwadi kuna vose uye nokuita kuti upenyu hwokusingaperi hwukwanisike kuna avo vanotendeuka kuzvivi zvavo uye nekugashira nekuchengeta zvisungo nezvibvumirano zvakakosha.

Pasi pechirongwa chikuru chaBaba chokusingaperi, Muponesi ndiye akatambura. Muponesi ndiye akadambura zvisungo zverufu. Muponesi ndiye akaripa muripo wezvivi nezvitadzo zvedu uye anozvidzima maererano nefaniro yorutendeuko rwedu. Muponesi ndiye anotisunungura kubva kurufu rwepanyama nerwepamweya.

Mashoko anoera akaita seanoti Rudzikinuro uye Kumuka Kuvakafa anotsanangura zvakaitwa neMuponesi, maererano nechirongwa chaBaba, kuitira kuti tigorarama netariro muupenyu hwuno uye tigowana upenyu hwokusingaperi munyika ichauya.