2022
Kubatsira Varombo naVanotambudzika—Zvikamu Zvakatorwa
Mbudzi 2022


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Mbudzi 2022

Kubatsira Varombo naVanotambudzika

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
Oaks data-poster quote

Kushandira zvikuru pane zvemagariro akanaka uye neruyamuro kuna vamwe vedu kunodzidzisa uye nokuitwa neChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira uye nesu senhengo dzayo. Semuenzaniso, tinotsanya pazuva rokutanga remwedzi woga woga uye topa zvakaenzana kana kupfuura nezvokudya zvatisina kudya kuitira kubatsira avo vanotumbura mumagungano edu pachedu. Chechi inopawo zvipo zvikurusa kuitira ruyamuro rwavanhu uye mimwe mishando napanyika pose.

Zvisinei neizvo zvose zvinoitwa neChechi yedu, mishando yeruyamuro mizhinjisa kuvana vaMwari napanyika pose inoitwa navanhu uye nemasangano asina kubatana zvapamutemo neChechi yedu. …

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira yakazvipira kushandira avo vanotambura, uye yakazvipirawo kushanda pamwechete navamwe mukuenda ikoko. .…

Zvakazarurwa zvamazuva ano zvinodzidzisa kuti Muponesi wedu, Jesu Kristu, ndiye “chiedza chechokwadi chinovhenekera munhu wose anouya munyika” [Dzidziso neZvibvumirano 93:2]. Kuburikidza neizvi, vana vose vaMwari vane ruzivo rwokuVashandira nokushandirana ivo pachavo muruzivo rwavo rwose uye nemukwaniso yavo yose. …

… Vakawanda vedu vanofanira kunge vachiziva zvakanaka zvinoitwa navamwe uye vachizvitsigira sezvo tiine nguva nemitoo yokuita kudaro. …

Ndinopupura nezva Jesu Kristu, uyo chiedza chake neMweya wake zvinotungamira vana vose vaMwari mukubatsira varombo navanotambudzika napanyika pose.