2022
Nhaka yeKurudziro—Zvikamu Zvakatorwa
Mbudzi 2022


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Mbudzi 2022

Nhaka yeKurudziro

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
ndege yebepa inemumvuri wendege

Sezvandakaudzwa naamai vangu apo pandainyunyuta pamusoro pokuoma kunenge kwakaita chimwe chinhu, “O, Hal, hongu zvakaoma. Zvinofanira kudaro. Upenyu chiyedzo.”

Vaikwanisa kutaura izvozvo vakadzikama, kunyangwe nerunyemwerero, nokuda kwokuti vaiziva zvinhu zviviri. Zvisinei nekunetsekana, chinhu chaizonyanyisa kukosha chaizova kusvika kumusha kuti vave naBaba vavo Vokudenga. Uye vaiziva kuti vaikwanisa kuzviita kuburikidza nerutendo muMuponesi wavo. …

Nhaka yerukurudziro yavakatisiira inotsanangurwa zvakanakisisa muna Moronai 7, umo Mormoni maanokurudzira mwanakomana wake Moronai uye navanhu vake. …

Anoisa Jesu Kristu kutanga, sezvinoitwa naavo vose vanobudirira mukupa kurudziro kuna avo vanonetsekana kukwira nemugwara rokuenda kumusha wavo wokudenga. …

Mormoni akaona unyoro seumboo hwekusimba kwerutendo rwavo. …

Mormoni zvino anovakurudzira kupupura kuti vari munzira yokunogamuchira chipo chemwoyo yavo ichizadzwa nerudo rwakarurama rwaKristu. …

Ndichitarisa kumashure, iyezvino ndinoona kuti chipo cherudo rwakadzama—rudo rutsvene rwaKristu—chakasimbisa, nokutungamira, nokutsigira, uye nokushandura sei amai vangu mukunetsekana vari munzira yavo yokuenda kumusha. …

… Muponesi anonyatsoziva zvakazara zvinetso zvako. Anoziva kwaniso yako huru yokukura murutendo, mutariro uye nomurudo rwakadzama.

Mirairo nezvibvumirano zvaAnokupa hazvisi zviyedzo zvokukutonga. Izvi chipo chokukusimudzira wakananga kunogamuchira zvipo zvaMwari uye kudzokera kumusha kuna Baba vako Vokudenga naIshe, avo vanokuda.