2023
Mweya Mutsvene Unokwanisa Kutibatsira
Chikumi 2023


“Mweya Mutsvene Unokwanisa Kutibatsira,” Riahona, Chikumi 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reRiahona, Chikumi 2023

Mweya Mutsvene Unokwanisa Kutibatsira

Mufananidzo
murume akagara uye achitarisa zuva riri kubuda

Mweya Mutsvene inhengo yechitatu yeMusoro wehuMwari. Magwaro matsvene anotaurawo neZvake seMweya, Mweya Mutsvene, kana Munyaradzi. Apo patinodzidza kuteerera kuinzwi Rake, Anozopupura kwatiri nezvaJesu Kristu uye nokutibatsira kudzidza chokwadi chevhangeri.

Nhengo yeMusoro wehuMwari

Baba Vokudenga, Jesu Kristu, neMweya Mutsvene ndivo Musoro wehuMwari. Vanotida uye vanoshanda murubatano kuunza kuzadzikiswa kwechirongwa cheruponeso. Kunyangwe zvazvo Baba Vokudenga naJesu Kristu vaine miviri yenyama nemapfupa, Mweya Mutsvene hauna. Iye mweya.

Mufananidzo
mufananidzo uri pagirazi rakapendwa waBaba neMwanakomana

Chapupu chaBaba neMwanakomana

Mweya Mutsvene “unopupura nezvaBaba neMwanakomana” (2 Nifai 31:18). Izvi zvinoreva kuti tinokwanisa kugamuchira uchapupu hwaBaba Vokudenga naJesu Kristu kuburikidza neMweya Mutsvene.

Unopupura Chokwadi

Mweya Mutsvene unopupura chokwadi chose. Unozotibatsira kuziva kuti vhangeri—kusanganisira chirongwa cheruponeso, mirairo yaMwari, Kudzorerwa, uye Rudzikinuro rwaJesu Kristu—ndezvechokwadi. Unozosimbisa uchapupu hwedu apo patinoenderera mberi nekunamata, kuchengeta mirairo, uye kudzidza vhangeri.

Mufananidzo
ruoko rwakabata kambasi

Unotitungamirira uye Unotidzivirira

Mweya Mutsvene unokwanisa kutitungamirira musarudzo dzedu uye nokutidzivirira kubva munjodzi yepanyama neyezvepamweya. Unozotibatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo yedu kana tikanyengetera uye nekuedza kuita zvakarurama. Unozogara uchititungamirira “kuita zvakanaka” (Dzidziso neZvibvumirano 11:12).

Unotinyaradza

Mweya Mutsvene dzimwe nguva unonzi “Munyaradzi” (Johane 14:26). Anokwanisa kutizadza “netariro nerudo rwakarurama” (Moronai 8:26) apo patinenge tiri kushushikana, kusuwa, kana kutya. Apo paUnotibatsira kunzwa rudo rwaMwari, tinokwanisa kukunda kuora mwoyo uye tosimbiswa mumiedzo yedu.

Chipo cheMweya Mutsvene

Mushure mokunge tabhabhatidzwa, tinogashira chipo cheMweya Mutsvene muchisungo chinonzi rusimbiso. Apo patinenge tagamuchira chipo ichi, tinokwanisa kuva neufambidzani hwenguva dzose hweMweya Mutsvene chero chete tichirarama zvakarurama.

Mufananidzo
mukadzi achiverenga magwaro matsvene

Mufananidzo naJ. Kirk Richards

Manzwiro Atinoita Mweya Mutsvene

Mweya Mutsvene unotaura kuvanhu nenzira dzakasiyana. Idzi dzinogona kusanganisira manzwiro erunyararo, anonyaradza kana nzwisiso pamusoro pezvekutaura kana kuita. Apo patinonamatira nhungamiro uye toteerera kufemero Dzake, tinokwanisa kudzidza matauriro aAnoita kwatiri.