2023
Sakaramende Yokutanga
Chikumi 2023


“Sakaramende Yokutanga,” Friend (Shamwari), Chikumi 2023, 46–47.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend (Shamwari), Chikumi 2023

Nyaya dzemuMagwaro Matsvene

Sakaramende Yokutanga

Mufananidzo
Jesu akagara patafura nevaApositora Vake

Mifananidzo naApryl Stott

Asati afa, Jesu Kristu akasangana nevaApositora Vake. Akavapa sakaramende.

Mufananidzo
Jesu akabata chingwa

Jesu akamedura chingwa uye akachipa kwavari. Akavakumbira kuti vachidye kuvabatsira kuyeuka kuti Akapa upenyu Hwake kuitira ivo.

Mufananidzo
Jesu akabata mukombe

Ipapo Jesu akavapa mukombe. Akavakumbira kuti vanwe kubva mauri. Zvaizovabatsira kuMurangarirawo.

Mufananidzo
MaKristu ekutanga achitora sakaramende

Kunyangwe mushure mokunge Jesu akanga asisiri nevaApositora Vake, sakaramende yakavabatsira kufunga neZvake. Vaikwanisa kunzwa rudo Rwake uye nekurangarira kuchengeta mirairo.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kutora Sakaramende

Mufananidzo
Mukomana achitora sakaramende

Mufananidzo naApryl Stott

Apo pandinotora sakaramende, ndinokwanisa kurangarira Jesu nerudo rwake kwandiri.