2023
Vakafa Vanozomira pamberi paMwari
Zvita 2023


“Vakafa Vanozomira Pamberi paMwari,” ZveRusimbiso rweVechidiki, Zvita 2023.

Shoko reMwedzi Woga Woga reZveRusimbiso rweVechidiki, Zvita 2023

Vakafa Vanozomira pamberi paMwari

Muzvakazarurwa zvake, Johane akaona Mutongo Wekupedzisira.

Mufananidzo
Jesu Kristu

He Comes Again to Rule and Reign [Anouya Zvakare Kuzotonga neKubata Umambo], NaMary Sauer

vakafa, vaduku navakuru, vanomira pamberi paMwari

Simba reKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu rinounza vanhu vose pamberi paMwari kuti vatongwe (ona Aruma 11:42–44; 33:22; 40:21; Hiramani 14:15–17; Mormoni 9:13–14).

mabhuku akazarurwa

Mabhuku aya anomiririra zvinyorwa zvakachengetwa panyika zveizvo zvakaitwa nevanhu panyika kutevere gwara rechibvumirano (ona Dzidziso neZvibvumirano 128:7).

bhuku roupenyu

“Neimwe pfungwa Bhuku roUpenyu ihwerengedzo yepfungwa nezviito zvomunhu—rondedzero youpenyu hwake. Zvisinei, magwaro matsvene anoratidzawo kuti zvinyorwa zvekudenga zvinochengetwa zvevakatendeka, kusanganisira mazita avo nerondedzero dzemabasa avo akarurama” (Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Bhuku roUpenyu,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org).

tongwa

Mutongo Wekupedzisira unouya mushure mekunge vanhu vamutswa kuvakafa. Jesu Kristu anozova Mutongi womunhu mumwe nomumwe. Mutongo uyu unozotungamirira kukubwinya kwokusingaperi kunozogamuchirwa nemunhu mumwe nomumwe. (Ona Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Mutongo, Wekupedzisira,” scriptures.ChurchofJesusChrist.org; Aruma 41:3–5; Dzidziso neZvibvumirano 88:26–32;.)

maererano namabasa avo

Munhu mumwe nomumwe anozotongwa kuburikidza neizvo zvaakaita uye neizvo zvaaida (ona Dzidziso neZvibvumirano 137:9). Vanozotongwa kuburikidza nokuti vaiiva vachiteerera kumirairo yaMwari uye vakashanda muwirirano nechiedza uye chokwadi chipi nechipi chavakagamuchira muupenyu huno.