2023
Vafudzi Vanoshanyira Jesu Mucheche
Zvita 2023


“Vafudzi Vanoshanyira Jesu Mucheche,” Shamwari, Zvita 2023, 46–47.

Shoko reMwedzi Woga Woga reFriend, Zvita 2023

Vafudzi Vanoshanyira Jesu Mucheche

Mufananidzo
Alt text

Mifananidzo naApryl Stott

Humwe usiku, ngirozi yakashanyira vafudzi mumafuro. Ngirozi yakavaudza kuti kwaberekwa mwana akakosha. Zita rake ainzi Jesu Kristu. Aizova Muponesi wevanhu vose vari panyika. Dzimwe ngirozi zhinji dzakauya. Dzakaimba dzichiti, “Rumbidzo kuna Mwari kumusoro-soro, norugare panyika, chido chakanaka kuvanhu.”

Mufananidzo
Alt text

Vafudzi vakakurumidza kunoshanyira Jesu mucheche. Vakafara zvikuru kuMuona!

Mufananidzo
Alt text

Vafudzi vakaudza vamwe pamusoro paJesu Kristu. Vaida kuti munhu wose anzwe mashoko akanaka.

Peji Yekuisa Ruvara

Ndinokwanisa Kuimba pamusoro paJesu Kristu

Mufananidzo
alt text here

Mufananidzo naApryl Stott

Ndinokwanisa kuimba nziyo dzaJesu kupemberera kuzvarwa Kwake.