Riahona
Gutsa Mweya Wako neMunamato Nguva Dzose
Kubvumbi 2024


“Gutsa Mweya Wako neMunamato Nguva Dzose,” Liahona, Kubvumbi 2024

Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Kubvumbi 2024

Gutsa Mweya wako neMunamato Nguva Dzose

Tinoda kugutswa kwepamweya kwekutaura naBaba vedu Vokudenga, ropafadzo riripo kwatiri kwose kwose uye nguva dzose.

Mufananidzo
Enosi achinamata

Mufananidzo wemutambi achitamba chikamu chaEnos naMatt Reier

Tose takambonzwa nzara. Marwadzo enzara inzira yomuviri yekutiudza kuti unoda zvokudya. Uye apo patinenge tava nenzara, tinoziva zvatinofanira kuita—kudya.

Mweya yeduwo inenzira yekutizivisa apo patinoda kugutswa kwepamweya. Asi zvinoratidzika sokuti zviri nyore kwatiri kusangoteerera nzara yezvepamweya pane nzara yenyama.

Sezvakuine marudzi akasiyana-siyana ezvekudya zvatinokwanisa kudya apo patinge tava nenzara, kune zvinhu zvakasiyana-siyana zvatinokwanisa kuita kuti tigutse nzara yezvepamweya yedu. Semuenzaniso tinokwanisa “kudya pamashoko aKristu” (2 Nifai 32:3) mumagwaro matsvene uye kuburikidza nemashoko evaporofita. Tinokwanisa kupinda chechi nguva dzose uye tichidya sakaramende (ona Dzidziso neZvibvumirano 59:9). Tinokwanisa kushandira Mwari nevana Vavo (ona Mosaya 2:17).

Asi kune mamwe manyuko ekugutswa kwepamweya anowanikwa kwatiri panguva dzose, muchinguva chose cheupenyu hwedu, zvisinei nemamiriro ezvinhu edu. Tinokwanisa kutaura naBaba Vokudenga nguva dzose kuburikidza nemunamato.

“Mweya Wangu wakaita Nzara”

Apo muporofita Enosi paaivhima mhuka musango, akafunga pamusoro “pemashoko ayo aaigara achinzwa baba [vake] vachitaura maererano neupenyu hwokusingaperi, uye nemufaro wevatendi.” Mashoko aya “akadzika zvakadzama mumwoyo [wake]”(Enosi 1:3).

Nokuti Enosi aiva mumamiriro epfungwa epamweya aya, akanzwa chidikanwi chikuru: “Mweya wangu wakaita nzara,” akadaro (Enosi 1:4; kusimbisa kwakawedzerwa).

Chii chakaitwa naEnosi apo paakanzwa nzara yepamweya iyi, chidikanwi ichi chekugutswa kwepamweya? “Ndakapfugama pamberi poMusiki wangu,” akadaro, “uye ndikachema kwavari mumunamato nechikumbiro chikuru chemweya wangu pachangu” (Enosi 1:4).

Nzara yaEnosi yezvepamweya yaiva yakakura zvekuti akanamata “zuva rose … apo usiku pahwakauya akaramba akasimudza inzwi [rake] pamusoro zvekuti rakasvika kumatenga” (Enosi 1 4). Pekupedzisira, Mwari vakapindura munamato wake uye vakaregerera zvivi zvake. Enosi akanzwa mhosva yake ichibviswa. Asi kugutswa kwepamweya wake hakuna kugumira ipapo.

Akadzidza pamusoro pesimba rerutendo muna Jesu Kristu uye akadurura mweya wake wose akamiririra vanhu vake—kunyangwe vavengi vake. Akaita zvibvumirano naIshe uye akawana zvisimbiso kubva kwaVari. Uye mushure memunamato mukurusa waEnosi, akaenda pakati pevanhu vake achiporofita uye achipupura nezvezvinhu zvaakanga anzwa nekuona. (Ona Enosi 1:5–19.)

Hausi wese munamato unozodairwa nenzira inoshamisa zvakadai, asi zviitiko zvedu neminamato zvinokwanisa kuva nerevo uye zvichishandura upenyu. Tinokwanisa kudzidza zvidzidzo zvakakosha kubva pazviitiko zvaEnosi nemunamato. Semuenzaniso:

  • Kushingaira kurarama vhangeri zvakazara kunokwanisa kutibatsira kuziva nzara yedu yezvemweya.

  • Nzara yedu yezvemweya inofanira kutisvitsa pamabvi edu kukumbira rubatsiro rwaBaba Vokudenga.

  • Kunamata kuna Baba Vokudenga kunokwanisa kubatsira kugutsa nzara yezvemweya yedu—uye nezvimwe.

  • Tinokwanisa kunamata kupi zvako, nguva ipi zvayo.

  • Munamato unokwanisa kutibatsira kutendeuka.

  • Munamato unokwanisa kusimbisa rutendo rwedu muna Jesu Kristu.

  • Tinokwanisa kuwana uchapupu hwedu pachedu hwekuti Baba Vokudenga vanotinzwa uye vanotiziva.

  • Uchapupu nesimba zvatinowana kuburikidza nemunamato zvinokwanisa kutibatsira kushandira nekusimbisa vamwe.

Mufananidzo
Gosa Soares vachiri mukomana

Zviitiko Zvangu neSimba reMunamato

SaEnosi, ndakadzidza zvimwe zvezvidzidzo zvimwechetezvo izvi kuburikidza nezviitiko zvangu pachangu. Vabereki vangu vakava nhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira apo pandakanga ndiri mukomana mudiki, uye ndakabhabhatidzwa apo pandakava nemakore masere okuberekwa. Ndaiva nguva dzose nemanzwiro akanaka, anodziya mumwoyo wangu pamusoro paBaba vangu Vokudenga uye pamusoro paJesu Kristu, vhangeri Rake rakadzorerwa, uye Chechi Yake. Asi ndakatozoti ndava nemakore angangoita gumi nematanhatu okuberekwa ndipo pandakanamata kokutanga pamusoro pechokwadi chezvinhu izvi.

Bhishopi vangu vakafemerwa vakandikumbira kuti ndidzidzise kirasi yevechidiki yeChikoro cheSvondo. Ndaifanirwa kudzidzisa chidzidzo pamusoro pemakwanisiro okuwana uchapupu hwevhangeri kuburikidza nemunamato. Basa iri randakapihwa nabhishopi rakandikonzera kufunga zvakadzama zvakanyanya pamusoro peuchapupu hwangu Ndakanga ndatora nguva yekunzvera Bhuku raMormon uye nguva dzose ndainzwa kuti Chechi yaiva iri yechokwadi. Ndakanga ndichitenda muna Jesu Kristu nguva dzose, asi ndakanga ndisina kugamuchira zvakazara chivimbiso chaMoroni chinowanikwa muna Moronai 10:4-5. Ndakanga ndisina kumbonamata pamusoro pehuchokwadi hwevhangeri.

Ndinoyeuka ndichinzwa mumwoyo mangu kuti kana ndaizodzidzisa vechidiki ava nzira yekuwana uchapupu kuburikidza nemunamato, ndinofanira kunamatira uchapupu pachezvangu. Mweya wangu wakaita nzara—zvichida nenzira yakasiyana neya Enosi, asi kunyange zvakadaro ndakanzwa chidikanwi chepamweya.

Pandaigadzirira chidzidzo, ndakapfugama ndikapa chishuviro chemwoyo wangu kuna Baba Vekudenga kusimbisa chokwadi chandainzwa mukati. Handina kunge ndakatarisira zviratidzo zvikuru. Asi pandakabvunza Ishe kana vhangeri riri rechokwadi kwakauya kutapira kwakanyanya mukati memoyo—kaye kazwi kakapfava, kadiki kachisimbisa kuti chaive chokwadi uye ndinofanira kuramba ndichiita zvandaiita.

Manzwiro acho aiva akasimba zvekuti handaikwanisa kushaya hanya nemhinduro iyoyo uye ndoti ndaisaziva. Ndakaswera zuva rese ndichinzwa mufaro mukuru. Pfungwa dzangu dzaiva kumatenga ndichifungisisa manzwiro akanaka aiva mumwoyo wangu.

Svondo yakatevera, ndakamira pamberi pevatatu kana vana vevamwe vandaidzidza navo, vose avo vaiva vadiki kwandiri. Ndakapupura kwavari kuti Baba Vokudenga vaizopindura munamato wavo kana vakanga vaine rutendo.

Mufananidzo
Gosa Soares

Munamato wakapindurwa uyo wakagashirwa naGosa Soares vachiri mukomana wechidiki wakavabvumira kupupura—semushumiri (pamusoro), baba nemurume, neMuapositora—kuti Baba Vokudenga vanopindura minamato inopuwa murutendo.

Kubvira ipapo, uchapupu uhwu hwakagara neni. Hwakandibatsira kuita sarudzo, kunyanya muzvinguva zvandinenge ndasangana nezvinetso. Munamato iwoyo pazuva iroro, pamwechete nezvimwe zvapupu zvandakagamuchira nemumakore ose, zvakandibvumira kuti ndikwanise kupupura kuvanhu, netendeseko, kuti vanokwanisa kuwana mhinduro kubva kuna Baba Vokudenga vakanamata nerutendo. Ichi chakava chokwadi apo pandakapupura semushumiri, semutungamiri weChechi, sababa, uye murume, uye kunyangwe nhasi seMuapositori.

Riinhi uye Chii zvoMunamato

Chokwadi, hatinamate chete apo patinonzwa chimwe chidikanwi chikuru chepamweya. Naizvozvo, ndiriinhi watinofanira kunamata? Uye tinofanira kunamatira chii? Mhinduro pfupi ndeyekuti nguva ipi zvayo uye tinonamtira chinhu chipi zvacho.

Mwari ndiBaba Vedu Vokudenga. Kuziva izvi kunoshandura manamatiro atinoita. Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti: “Kuva neruzivo rwaMwari, tinotanga kuziva masvikiro atinoita paVari, uye makumbiriro atinoita kuitira kuti tigamuchire mhinduro. … Apo patinenge tagadzirira kuuya kwaVari, Ivo vagadzirira kuuya kwatiri.”1

Baba vedu Vokudenga vakagadzirira nguva dzose kutinzwa uye vanoda kuti tinamate kwaVari nguva dzose uye kakawanda. Tinofanirwa “kurangana naIshe panezvose zvatinoita [zvedu]” (Aruma 37:37) uye tonamata mangwanani, masikati, nemanheru. Tinofanirwa kunamata kumba, kubasa, kuchikoro—pese zvapo patingava tiri uye kunamatira zvipi zvazvo zvatinoedza kuita (ona Aruma 34:17–26).

Tinofanira kunamata mumhuri dzedu (ona 3 Nifai 18:21). Tinofanira kunamata “tichidaidzira uye mumwoyo [yedu], paruzhinji uye muruvande” (Dzidziso neZvibvumirano 81:3). Uye “apo [isu] patisingacheme kuna Ishe, [tinofanira] kuita kuti mwoyo [yedu] izare, iri mumunamato kwavari nguva dzose pamusoro pemagariro akanaka [edu], namagariro akanaka eavo vakatikomberedza” (Aruma 34:27). Uye tinofanira kunamata nguva dzose kuna Baba muzita raJesu Kristu (ona 3 Nifai 18:19–20).

Mufananidzo
Joseph Smith ari mukomana wechidiki

Mufananidzo waJoseph Smith naWalter Rane

Kutaura naBaba Vedu Vokudenga

Baba Vedu Vokudenga vanoda kutiropafadza. Uye Vanozoita izvi—kana tikakumbira. Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti, “Yeuka kuti pasina kukumbira hapana chatinogamuchira; naizvozvo, kumbira murutendo, uye uchagamuchira maropafadzo ayo Mwari avanoona kuti akakodzera kupuwa kwauri.”2

Minamato yedu yenguva dzose uye kakawanda chikamu chakakosha chekudya kunemwero kwokugutswa kwepamweya yedu inenzara. Kutaurirana naBaba vedu Vokudenga kuburikidza nemunamato kunowanikwa uye kunotambirwa kupi kwose zvako uye nguva dzose.

Chimwe chezvinyorwa zvitsvene zvandinofarira chinodzidzisa nzira yekumasvikiro okuita kuna Baba vedu Vokudenga apo patinopfugama kunamata: “Zvininipise; uye Ishe Mwari wako achakutungamirira neruoko uye okupa mhinduro kuminamato yako” (Dzidziso neZvibvumirano 112:10). Apo patinozvininipisa nokuteerera, Baba Vokudenga vanozova nesu. Vanozotitungamirira neruoko. Vanozotifemera nekwokuenda uye izvo zvekuita. Vanozopindura minamato yedu maererano nekuda Kwavo, nzira, nenguva Yavo, uye ruzivo Rwavo rweizvo zvakatinakira.

Tinofanira kuyeuka izvi uye tokoshesa mikana yekusvika pachigaro choumambo chaMwari uye nokugamuchira maropafadzo muruoko Rwavo.

Manotsi

  1. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2011), 40, 41.

  2. Teachings: Joseph Smith, 131.