Magwaro Matsvene
2 Nifai 31


Chitsauko 31

Nifai anotaura chikonzero chokubhabhatidzwa kwaKristu—Vanhu vanofanira kutevera Kristu, vobhabhatidzwa, vogamuchira Mweya Mutsvene; voshingirira kusvika kumagumo kuti vagoponeswa—Kutendeuka nokubhabhatidzwa ndiwo musuwo wenzira yakamanikana uye yakamanika—Upenyu hwokusingaperi hunouya kuna avo vanochengeta mirairo shure kwokubhabhatidzwa. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ini Nifai, ndinogumisa kuporofita kwangu kwamuri, hama dzangu dzinodiwa. Ndinonyora zvinhu zvishoma, izvo ndine chokwadi kuti zvichaitika; handinganyori mazwi mashoma omunin’ina wangu Jakobho.

2 Nokudaro, zvinhu zvandakanyora zvinondigutsa; kunze kwemazwi mashomanana andinofanira kutaura pamusoro pedzidziso dzaKristu; nokudaro ndichataura kwamuri zviri pachena maererano nokujeka kwokuporofita kwangu.

3 Nokuti mweya wangu unofarira kuisa zvinhu pachena; nokuti ndiko kushanda kunoita Ishe Mwari pakati pavana vavanhu. Nokuti Ishe Mwari vanopa chiedza kune avo vanonzwisisa; nokuti vanotaura kuvanhu norurimi rwavo, nomukunzwisisa kwavo.

4 Nokudaro, ndinoda kuti murangarire kuti ndakataura kwamuri maererano nomuporofita uyo Ishe wavakandiratidza, uyo aizobhabhatidza Gwayana raMwari, rinozobvisa zvitadzo zvenyika.

5 Uye zvino, kana Gwayana raMwari, iye ari mutsvene, akafanirwa kubhabhatidzwa nemvura, kuti utsvene hwose huzadzikiswe, ko zvino isu, tisiri vatsvene, tinofanirwa zvakadii kuti tibhabhatidzwe, hongu, kana nemvura!

6 Uye zvino, ndinokukumbirai, hama dzangu dzinodiwa, Gwayana raMwari rakazadzikisa sei utsvene hwose mukubhabhatidzwa nemvura?

7 Hamuzive here kuti akanga ari mutsvene? Asi kunyange zvakadaro iye ari mutsvene, akaratidza kuvana vavanhu kuti, panyama akazvininipisa pamberi paBaba, akapupura kuna Baba kuti achazovateerera nokuchengeta mirairo yavo.

8 Naizvozvo, shure kwokunge abhabhatidzwa nemvura Mweya Mutsvene wakaburuka pamusoro pake uchinge njiva.

9 Uye zvakare, zvinoratidza kuvana vavanhu kutwasanuka kwenzira, nokumanikidzika kwesuo, ravanofanira kupinda naro, iye akaratidza muenzaniso kwavari.

10 Uye akati kuvana vavanhu: Nditeverei. Naizvozvo, hama dzinodiwa, tingatevere here Jesu kana tisina chido chokuchengeta mirairo yaBaba?

11 Uye Baba vakati: Tendeukai, tendeukai, mugobhabhatidzwa muzita roMwanakomana wangu Wandinodisisa.

12 Uye zvakare, izwi roMwanakomana rakauya kwandiri, richiti: Uyo anobhabhatidzwa muzita rangu, kwaari Baba vachapa Mweya Mutsvene, sezvavakaita kwandiri; nokudaro, nditeverei, mugoita mabasa amakandiona ndichiita.

13 Nokudaro, hama dzangu dzinodiwa, ndinoziva kuti mukatevera Mwanakomana, nomwoyo wose uzere, muchiita musinganyengedzi musingafambe munzira isina kururama pamberi paMwari, asi muine chinangwa chizere, muchitendeuka pazvivi zvenyu, muchipupura kuna Baba kuti mune chido chokutora zita raKristu, nokubhabhatidzwa—hongu, nokutevera Ishe venyu noMuponesi venyu mumvura, maererano neshoko ravo, tarisai, ndipo pamuchagamuchira Mweya Mutsvene; hongu, kwozouya rubhabhatidzo rwomoto nokwoMweya Mutsvene; mozotaura norurimi rwengirozi, muchishevedzera kurumbidza kuMutsvene waIsraeri.

14 Asi, tarisai, hama dzangu dzinodiwa, kwakauya izwi roMwanakomana kwandiri, richiti: Shure kwokunge matendeuka pazvivi zvenyu, muchipupura kuna Baba kuti munoda kuchengeta mitemo yangu, nokubhabhatidzwa nemvura, nokugamuchira kubhabhatidzwa kwomoto noMweya Mutsvene, uye kuti mava kutaura norurimi rwutsva, hongu, rurimi rwengirozi, shure kwezvo mozondiramba, zvingadai zviri-nani kuti dai musina kunge makandiziva.

15 Uye ndakanzwa izwi kubva kuna Baba richiti: Mazwi anobva kune Andinodisisa mashoko echokwadi anotendeka. Uyo achashingirira kusvika kumagumo achaponeswa.

16 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, ndinoziva kuti munhu akasashingirira kusvika kumagumo, mukutevera muyenzaniso woMwanakomana waMwari mupenyu, haangaponeswe.

17 Nokudaro, itai zvinhu zvandakakutaurirai, ndazviona kuti Ishe Venyu Mununuri vanofanira kuita; nokuti, nokuda kweizvi zvakaratidzwa kwandiri, kuti muzoziva musuwo wamunofanira kupinda nawo. Nokuti musuo wamunopinda nawo kutendeuka nokubhabhatidzwa nemvura; kwozouya kuregererwa kwezvivi zvenyu nomoto noMweya Mutsvene.

18 Uye ipapo munenge mave munzira iyoyi yakamanikana uye yakamanika iyo inotungamirira kuupenyu hwokusingaperi; hongu, mapinda napamusuo; maita maererano nemirairo yaBaba noMwanakomana; magamuchira Mweya Mutsvene, uyo unopupura pamusoro paBaba neMwanakomana, mukuzadzikisa chivimbiso icho akaita, kuti mukapinda nenzira iyoyo munowana.

19 Uye zvino, hama dzangu dzinodiwa, shure kwokunge mapinda munzira iyi yakamanikana uye yakamanika, ndinobvunza kuti zvose zvaitwa here? Tarisai, ndinoti kwamuri, Kwete; hamusati masvika kunze kwokunge muri mushoko raKristu nokutenda kwaari kusingazunguzike, muchirarama zvizere maari anesimba rekuponesa.

20 Nokudaro, munofanira kuenda mberi makabatisisa panaKristu, mune tariro yakakwana yakachena, norudo rwaMwari navanhu vose. Nokudaro, mukaramba muchienda mberi, muchidya mushoko raKristu, makashingirira kusvika kumagumo, tarisai, naizvozvo ndizvo zvinotaura Baba: Muchava noupenyu hwokusingaperi.

21 Uye zvino, tarisai, hama dzangu dzinodiwa, iyi ndiyo nzira; zve hapana imwe nzira kana zita rakapiwa pasi pedenga iro munhu angaponeswa naro muumambo hwaMwari. Uye zvino, tarisai, iyi ndiyo dzidziso yaKristu, dzidziso imwechete yechokwadi yaBaba, neyoMwanakomana, neyoMweya Mutsvene, anova Mwari mumwechete vasingagume. Ameni.