Zvibatsiro Zvekudzidza
Mwari, Musoro hwehuMwari


Mwari, Musoro hwehuMwari

Mune vanhu vatatu vakasiyana mumusoro hwehuMwari: Mwari, Vokusingaperi Baba; Mwanakomana wavo, Jesu Kristu; neMweya Mutsvene. Tinodaira mune mumwe nemumwe wavo (Mis. yeCh. 1:1). Kubva kune zvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira tinodzidza kuti Baba neMwanakomana vane miviri inobatika chaiyo yenyama nemapfupa asika Mweya Mutsvene munhu wemweya, asina nyama nemapfupa (D&Z 130:22–23). Ava vanhu vatatu vamwechete mukubatana kwakakwana nokuwirirana kwebasa nedzidziso (Joh. 17:21–23; 2 Ni. 31:21; 3 Ni. 11:27, 36).

Mwari Baba

Kazhinji ndiBaba, kana Erohimi, vanodaidzwa nemadaidzirwo ekunzi Mwari. Vanodaidzwa kunzi Baba nokuti ndivo baba vemweya yedu (Mara. 2:10; Num. 16:22; 27:16; Mat. 6:9; VaE. 4:6; VaH. 12:9). Mwari Baba ndivo mutongi mukuru wenyika. Ndisamasimba (Gen. 18:14; Aru. 26:35; D&Z 19:1–3), vanoziva zvose (Mat. 6:8; 2 Ni. 2:24), uye ari kwose kwose kuburikidza neMweya wavo (Mpi. 139:7–12; D&Z 88:7–13, 41). Rudzi rwemunhu rwune hukama naMwari hwakakosha uhwo hunomupatsanura kubva kune zvimwe zvisikwa zvose: varume nevakadzi vana vaMwari vemweya (Mpi. 82:6; Ⅰ Joh. 3:1–3; D&Z 20:17–18).

Kune zviito zvishomanani zvakanyorwa zvaMwari Baba zvaakazviratidza kana kutaura kumunhu. Magwaro matsvene anoti vakataura kuna Adama naEva (Mos. 4:14–31) akasuma Jesu Kristu kakawanda (Mat. 3:17; 17:5; Joh. 12:28–29; 3 Ni. 11:3–7). Akazviratidza kuna Stefano (Mabasa 7:55–56) naJoseph Smith (Nh—JS 1:17). Mushure akazviratidza kuvaviri Joseph Smith naSidney Rigdon (D&Z 76:20, 23). Kune avo vanoda Mwari uye vagozvichenesa pamberi pavo, Mwari dzimwe nguva vanovapa mukana wekuona nokuzvizivira kuti ndiye Mwari (Mat. 5:8; 3 Ni. 12:8; D&Z 76:116–118; 93:1).

Mwari Mwanakomana

Mwari vanozivikanwa saJehova ndiye Mwanakomana, Jesu Kristu (Isa. 12:2; 43:11; 49:26; Ⅰ VaKori. 10:1–4; Ⅰ Tim. 1:1; Zvaka. 1:8; 2 Ni. 22:2). Jesu anoshanda ari pasi pekurairwa naBaba uye vanonzwirana zvakakwana. Vose vemarudzi evanhu vanin’ina nehanzvadzi dzake, nokuti ndiye mukuru wevana vemweya vaErohimi. Mamwe magwaro matsvene anomutaura neshoko rinoti Mwari. Semufananidzo, gwaro dzvene rinoti “Mwari akasika denga nenyika” (Gen. 1:1), asi chaizvo aive Jesu akanga ari Musiki ari pasi pekutungamirwa naMwari Baba (Joh. 1:1–3, 10, 14; VaH. 1:1–2).

Mwari Mweya Mutsvene

Mweya Mutsvene iwowo ndiMwari uye anodaidzwa kunzi Mweya Mutsvene, Mweya, uye Mweya waMwari, mukati memamwe mazita nemadaidzirwo akadaro. Nerubatsiro rweMweya Mutsvene, vanhu vanokwanisa kuziva chido chaMwari Baba uye vagoziva kuti Jesu ndiye Kristu (Ⅰ VaKori. 12:3).