Zvibatsiro Zvekudzidza
Bhabhatidza


Bhabhatidza

Kubva muzwi rechiGiriki rinoreva “kunyika” kana “kunyudza.” Rubhabhatidzo rwekunyudza mumvura nemunhu ane mvumo ndicho chisungo chekutanga chevhangeri uye chiri chakafanira kuti uve nhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Zvinotungamirwa nerutendo muna Jesu Kristu nekutendeuka. Zvakafanira kuteverwa nokugashira chipo cheMweya Mutsvene kuti zvikwane (2 Ni. 31:13–14). Rubhabhatidzo rwemvura neMweya rwunofanirwa munhu asati apinda muumambo hwepamusoro-soro. Adama ndiye wekutanga kubhabhatidzwa (Mos. 6:64–65). Jesu naiyewo akabhabhatidzwa kuzadzikisa kwose kururama nokuratidza nzira kumarudzi ose evanhu (Mat. 3:13–17; 2 Ni. 31:5–12).

Nokuti vose vari pasi pano havana mukana wekutambira vhangeri munguva yeupenyu hwavo hwenyama, Ishe vakabvumira rubhabhatidzo rwevakafa rwuchiitwa nevamiririri. Naizvozvo, avo vanogashira vhangeri vari munyika yemweya vanogona kukodzera kupinda muumambo hwaMwari.

Zvinofanira

Rubhabhatidzo nokunyudzwa

Rubhabhatidzo rwekuregererwa kwezvitadzo

Mvumo chaiyo

Kodzero yerubhabhatidzo

Zvibvumirano zvinoitwa nekubhabhatidzwa

Rubhabhatidzo rwevakafa

Rubhabhatidzo harwusi rwevacheche