Magwaro Matsvene
3 Nifai 4


Chitsauko 4

Mauto emaNifai anokurira makororo aGadhiandoni—Gidhiyanihai anouraiwa, uye anotora nzvimbo yake, Zemunaraya, anosungirirwa—MaNifai anorumbidza Ishe nokukunda kwavo. Zvingangove makore 19 kusvika ku22 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti mukupera kwegore rechigumi nemasere mauto aye emakororo akanga agadzirira hondo, uye akatanga kudzika uye achikurumidza kubva muzvikomo, nemumakomo, nemurenje, nemunzvimbo dzao dzakasimba, nenzvimbo dzao dzemuruvande, uye akatanga kutora nyika, dzose dzaive kumaodzanyemba nedzaive kuchamhembe, uye akatanga kutora matunhu ose akanga asiiwa nemaNifai, nemaguta akanga asiiwa ave matongo.

2 Asi tarisai, makanga musina mhuka dzesango kana dzenyama munzvimbo idzodzo dzakanga dzasiiwa nemaNifai, uye makanga musina mhuka dzekuti makororo abaye, kunze kwekunge aenda murenje.

3 Uye makororo haaikwanisa kurarama kunze kwekunge ari murenje, nokushaika kwekudya; nokuti maNifai akanga asiya nyika yavo yave gwenga, uye vakanga vaunganidza matanga avo nezvose zvavaive nazvo, uye zvakanga zviri pamwechete sechinhu chimwechete.

4 Naizvozvo, pakanga pasina mukana wekuti makororo apwanye agowana zvekudya, kunze kwekutouya pachena ozorwa nemaNifai; uye maNifai vakanga vave boka rimwechete, uye vari vakawanda zvikuru, uye vakazvirongedzera zvekudya, nemahachi nemombe, nezvipfuyo zvakasiyana zvemarudzi ose, kuti vagorarama kwemakore anokwana manomwe, munguva iyi vaivimba kuti vainge vakwanisa kuparadza makororo aya asisiri panyika; uye ndiko kupfuura kwakaita gore rechigumi nemasere.

5 Uye zvakaitika kuti mugore rechigumi nepfumbamwe Gidhiyanihai akaona kuti zvaitofanira kuti aende anorwisana nemaNifai, nokuti havana imwe nzira yavaipona nayo kunze kwekupaza nekuba nokuponda.

6 Uye vaitya kuti vapararire nenyika kuti varime mbeu, nokuti maNifai aigona kuvavinga akavauraya; naizvozvo Gidhiyanihai akapa murau kumauto ake kuti mugore iri vakafanira kuenda kunorwisa maNifai.

7 Uye zvakaitika kuti vakauya kuzorwa; uye makanga muri mumwedzi wechitanhatu; uye tarisai, zuva iroro ravakauya kuzorwa rakave guru raityisa; uye vakanga vakapfeka sekupfeka kunoita makororo; uye vakange vaine dehwe rehwai muchiuno, uye vakazvizora ropa, uye misoro yavo yakanga yakaguswa, uye vakanga vaine zvidzitiro zvemumisoro; uye mauto aGidhiyanihai airatidzika zvinotyisa, pamusana pezvavakanga vakapfeka, nepamusana pekuzvizora ropa.

8 Uye zvakaitika kuti mauto emaNifai, zvaakaona kusvika kwemauto aGidhiyanihai, akawira pasi ose, vakasimudzira kuchema kwavo kuna Ishe Mwari wavo, kuti avaponise uye avabvise mumaoko evavengi vavo.

9 Uye zvakaitika kuti mauto aGidhiyanihai paakaona izvi akatanga kudaidzira nezwi guru, pamusana pekufara kwavo, nokuti vakafunga kuti maNifai awira pasi pamusana pekutya kutyisa kwemauto avo.

10 Asi muchinhu ichi vakagumburwa, nokuti maNifai akanga asingavatye; asi vaitya Mwari vavo uye vakamukumbira kuti avadzivirire; naizvozvo, mauto aGidhiyanihai paakamhanyira kwavari vakanga vakagadzirira kusangana navo; hongu, musimba raIshe vakavagashira.

11 Uye hondo yakatanga mumwedzi uyu wechitanhatu; uye pakaita hondo yakaipa kwazvo yakarwiwa, hongu, pakaurayanwa pakabayanwa zvakaipa, zvekuti hakuna kumboonekwa kuuraiwa kwakadaro muvanhu vose vaRihai kubvira kubva kwaakaita kuJerusarema.

12 Uye zvisinei nekutyisidzira nezvitsidzo zvakaitwa naGidhiyanihai, tarisai, maNifai vakavakurira, zvekuti vakavamba kudududza vachibva kwavari.

13 Uye zvakaitika kuti Gidhigidhonai akati mauto ake avatandanise kudakara kumuganhu nerenje, uye nokuti havaifanira kuregerera kana mumwechete zvake anenge awira mumaoko avo mukutiza kwavo, uye saka vakavatevera vakavauraya, kusvika kumuganhu werenje, kusvika vazadzikisa murairo waGidhigidhonai.

14 Uye zvakaitika kuti Gidhiyanihai, akanga amira akarwa asingatye, akateverwa ave kutiza; uye sezvo akanga aneta nokurwa zvakanyanya akabatwa akauraiwa. Uye ndiko kupera kwakaita Gidhiyanihai gororo.

15 Uye zvakaitika kuti mauto emaNifai akadzokera zvakare kunzvimbo dzavo dzakadzivirirwa. Uye zvikaitika kuti gore rechigumi nemapfumbamwe rakapfuura, uye makororo haana kuuya zvakare kuzorwa; kana mugore rechimakumi maviri haana kuuya zvakare.

16 Uye mugore rechimakumi maviri nerimwechete haana kuuya kuzorwa, asi akauya nemativi ose akakomberedza vanhu vaNifai; nokuti aifunga kuti akavadimura vanhu vaNifai kusvika kuminda yavo, uye akavakomberedza kunhivi dzose, uye akavachengetedza vasingakwanisi kuenda kunze, aizovaita kuti vazvipire kwaari zviri izvo zvaaida.

17 Zvino vazvisarudzira pachezvavo akanga aisa mumwe mutungamiri, zita rake ainzi Zemunaraya; naizvozvo ndiye Zemunaraya akakonzera ati kukomberedzwa uku kutore nzvimbo.

18 Asi tarisai, izvi zvakanga zvakanakira maNifai; nokuti zvakanga zvakaoma kuti makororo aya akombe kwenguva refu ingazorwadza maNifai, nenzira yekudya kwakawanda kwavakanga vachengeta,

19 Uye nepamusana pekushomeka kwezvokudya pakati pemakororo; nokuti tarisai, hapana chavaive nacho kunze kwenyama chete kuti apone, iri nyama yavaiwana murenje;

20 Uye zvakaitika kuti mhuka dzesango dzakaita shoma murenje zvekuti makororo aya akada kupera kufa nenzara.

21 Uye maNifai vakaramba vachifora kunze siku nesikati, uye vachiwira pamusoro pemauto awo, uye vachiadimura zviuru nemakumi ezviuru.

22 Uye saka chakave chido chevanhu vaZemunaraya kuti vabve mukuronga kwavo, pamusana pekuparadzwa kukuru kwaiuya kwavari usiku nemasikati.

23 Uye zvakaitika kuti Zemunaraya akati vanhu vake vabve mukukomba kwavakanga vakaita, uye vaende kumusoro-soro kwenyika yekuchamhembe.

24 Uye zvino, Gidhigidhonai aziva zano ravo, uye achizivawo kusasimba kwavo pamusana pekushaya zvekudya, nokuuraiwa kwakaipa kwavakanga vaitwa, naizvozvo akatumira mauto ake munguva yeusiku, uye akavadimudzira mukudududza kwavo, uye akaisa mauto ake munzira mavaitiza namo.

25 Uye izvi vakazviita munguva yeusiku, uye vakafora kupfuurira makororo aya, zvekuti ave mangwana, makororo paakatanga kufora kwawo, akasanganikwa nawo nemauto emaNifai kwose mberi kwawo neshure kwawo.

26 Uye makororo akanga ari nechekumaodzanyemba akadimurirwawo nzvimbo dzawo dzekutizira. Uye zvose zvinhu izvi zvakaitwa nekutuma kwaGidhigidhonai.

27 Uye kwakaita vazhinji vavo zviuru zvakawanda vakazvipira sevasungwa kumaNifai, uye vamwe vavo vose vakauraiwa.

28 Uye mutungamiri wavo, Zemunaraya, akatorwa akasungirirwa mumuti, hongu, kana pamusoro pawo kudakara afa. Uye pavakanga vamusungirira kudakara afa, vakatema muti ukawira pasi, uye vakachema nezwi guru, vachiti:

29 Ishe ngavachengetedze vanhu vavo vari mukururama nomuutsvene hwemwoyo, kuti vagoita kuti vawisirwe pasi avo vose vanotsvaka kuvauraya pamusana pesimba nezvikwata zvemuruvande, sekurigirwa kwaitwa murume uyu pasi.

30 Uye vakafara vakachema zvakare nezwi rimwechete, vachiti: Mwari vaAbrahama, naMwari vaIsaka, naMwari vaJakobo, dzivirirai vanhu avo mukururama, kana vari vanodaidza zita raMwari vavo kuti vadzivirirwe.

31 Uye zvakaitika kuti vakatanga vose, semunhu mumwechete, kuimba, nokurumbidza Mwari vavo nechinhu chikuru chaakanga avaitira, nokuvachengetedza kuti vasawire mumaoko evavengi vavo.

32 Hongu, vakachema: Hosana kuna Mwari Vekumusoro-soro. Uye vakachema kuti: Ngariropafadzwe zita raIshe Mwari Samasimba, Mwari Vekumusoro-soro.

33 Uye mwoyo yavo yakafuta nemufaro, zvekuti vakasvimha misodzi, pamusana pekunaka kukuru kwaMwari mukuvabvisa mumaoko evavengi vavo; uye vaiziva kuti izvi zvakanga zvakonzerwa nekutendeuka kwavo nokupfava kwavo kuti vabviswe mukuparadzwa kusingaperi.