Magwaro Matsvene
Moronai 6


Chitsauko 6

Vanhu vatendeuka vanobhabhatidzwa nokufambirwa—Nhengo dzesangano dzinotendeuka dzinoregererwa—Misangano inotungamirirwa nesimba roMweya Mutsvene. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino ndinotaura maererano norubhabhatidzo. Tarisai, magosa, vapirisita, nevadzidzisi vakabhabhatidzwa; havaibhabhatidzwa kunze kwokunge vaunza michero yakafanira yairatidza kuti vakakodzera.

2 Havaigamuchira munhu murubhabhatidzo kunze kwokunge auya nemwoyo wakatyoka nomweya wakapfava, vachipupura kuchechi kuti vatendeuka zvechokwadi pazvivi zvavo zvose.

3 Uye hakuna kana mumwe akagamuchira rubhabhatidzo kunze kwokunge vatakura pavari zita raKristu, akashinga kumushandira kusvika kumagumo.

4 Uye shure kwokunge vagamuchirwa parubhabhatidzo, vakava vanotunhwa nokucheneswa nesimba roMweya Mutsvene, vakaverengerwa mukati mevanhu vechechi yaKristu; mazita avo akatorwa, kuti zvimwe vangarangarirwa nokugutswa neshoko rakanaka raMwari, kuti vachengetwe munzira kwayo, vachigara vakavimba nomunamato nguva dzose, vachivimba chete nemabasa akanaka aKristu, akava munyori nomupedzisi wokutenda kwavo.

5 Uye chechi yaigara ichisangana pamwechete, kuti vatsanye nokunamata, nokukurukurirana maererano nezvemagariro akanaka emweya yavo.

6 Uye vaigara vachisangana pamwechete kuti vadye chingwa newaini, mukurangarira Ishe Jesu.

7 Uye vakanga vakaoma vachitarisisa kuti hapana ari kutadza pakati pavo; avo vaizoonekwa vachitadza, vapupuri vatatu vechechi vaivapa mhosva pamberi pemagosa, kana vasina kutendeuka, vasina kureurura, mazita avo aibviswa, uye havaizoverengerwa pakati pevanhu vaKristu.

8 Asi pose apo vaitendeuka nokutsvaga kukanganwirwa, nomwoyo wose, vairegererwa.

9 Uye misangano yavo yaitungamirirwa nechechi sekushanda kweMweya, uye nesimba roMweya Mutsvene; sokutungamirwa kwavaiitwa neMweya Mutsvene kuparidza, kana kukurudzira, kana kunamata, nokukumbira vakazvininipisa, kana kuimba, zvakadaro zvaiitwa.