Zvibatsiro Zvekudzidza
Kutsanya


Kutsanya

Kuzvipira kuregera kudya kana kunwa kuitira kusebera pedyo naIshe muchikumbira maropafadzo avo. Kana vanhu nezvikwata vachitsanya, vakafanirawo kunamata kuti vanzwisise kuda kwaMwari nekukuridzira simba remweya. Kutsanya kwakagara kuchiitwa neavo vanodaira zvechokwadi.

MuChechi nhasi, zuva reSabata rimwechete mwedzi wega-wega rinomisirwa kutsanya. Panguva iyoyi, nhengo dzeChechi dzinoenda dzisina chekudya kana mvura zuva rimwechete. Vozoisa kuChechi mari yavainge vachifanira kunge vashandisa mukutenga kudya ikoko. Mari iyi inonzi mupiro wekutsanya. Chechi rinoshandisa mipiro yekutsanya kuyamura varombo nevanoshaya.