Magwaro Matsvene
Mosaya 16


Chitsauko 16

Mwari vanoponesa vanhu kubva mukurasika nokupunzika kwavo—Avo vanoita zvenyika vanogara sekunge pasina rununuro—Kristu anoita kuti kuve nokumuka kuvakafa neupenyu husingaperi kana kuti kuraswa kusingaperi. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino, zvakaitika kuti mushure mekunge Abhinadhai ataura mazwi aya akatambanudza ruoko rwake akati: Nguva ichasvika yekuti vose vachaona ruponeso rwaIshe; apo rwose rwudzi, hama, ndimi, uye nevanhu vachawirirana vagoreurura pamberi paMwari kuti kutonga kwavo kwakanaka.

2 Uye ndipo pacharaswa vakaipa, uye vachave nechikonzero chekuwuwura, nokuchema, nokurungaira, nokugedageda mazino avo, zvose izvi zvichikonzerwa nokuti havana kuda kuteerera izwi raIshe; naizvozvo Ishe havana kuvanunura.

3 Nokuti vanoita zvenyama ndivana dhiabhorosi, uye dhiabhorosi ane simba pavari; hongu, kana nyoka iya yakanyengedza vabereki vedu vekutanga, chakave ndicho chikonzero chokupunzika kwavo; chakave ndicho chikonzero chakaita kuti vanhu vaite zvenyama, unhubu, udhiabhorosi, vachiziva zvakaipa nezvakanaka, vachiteerera kune zvinodiwa nadhiabhorosi.

4 Ndiko kurasika kwakaita vanhu vose; uye tarisai, vangadai vakarasika zvachose dai pasina kuti Mwari vakanunura vanhu vavo mukupunzika nekurasika kwavo.

5 Asi rangarirai kuti uyo anoramba ari muzvinhu zvenyama, achitevedza nzira dzezvitadzo nekupandukira Mwari, anogara akapunzika uye dhiabhorosi ane simba rose pamusoro pake. Saka achaita sekusina kumbove nerununuro rwakaitwa, ari muvengi waMwari; uye ariwo dhiabhorosi muvengi waMwari.

6 Uye zvino dai Kristu akanga asina kuuya munyika, achitaura nezvinhu zvichauya sekunge zvakatouya kare, kungadai kusina rununuro.

7 Uye dai Kristu akanga asina kumuka kuvakafa, kana dai asina kudimbura majoto erufu kuti guva rishaye kukunda, kuti rufu rwusave chironda, kungadai kusina kumuka kwevakafa.

8 Asi kune kumuka kwevakafa, naizvozvo guva harina kukunda, uye chironda cherufu chikamedzwa munaKristu.

9 Ndiye chiedza neupenyu hwenyika; hongu, chiedza chisingapere, chisingasvibiswe; hongu, neupenyuwo husingapere, kuti hakuchazova nerufu.

10 Kana muviri unofa uyu uchapfekedzwa kusafa, uye kuora uku kuchapfekedzwa kusaora, uye vachaitwa kuti vamire pamberi pechigaro chekutonga chaMwari, kuti vagotongwa maererano nemabasa avo kuti akanaka here kana kuti akaipa—

11 Kana vakanaka, kusvika pakumutswa kuvakafa muupenyu husingaperi nerufaro; uye kana akaipa, kusvika mukumutswa kuvakafa mukuraswa kusingaperi, vachitumirwa kuna dhiabhorosi, akavaita varanda, kuri kuraswa—

12 Vafamba maererano nokuda kwenyama dzavo nezvido zvavo; vasina kumbodaidza Ishe apo maoko etsitsi akange akatambanudzirwa kwavari; nokuti maoko etsitsi akanga akatambanudzirwa kwavari, asi vakaaramba; vakayambirwa nokuipa kwavo asi havana kubva kwazviri; vakaudzwa kuti vatendeuke asi havana kuda kutendeuka.

13 Uye zvino, hamufanire kubvunda here nokutendeuka kubva muzvitema zvenyu, uye murangarire kuti munoponeswa chete kana muri munaKristu?

14 Naizvozvo, kana muchidzidzisa mutemo waMosesi, makafanira kudzidzisawo kuti mufananidzo wezvinhu zvichauya—

15 Vadzidzisei kuti rununuro rwunouya nekuna Kristu Ishe, vanove ndivo Baba Vokusingaperi. Ameni.