Zvibatsiro Zvekudzidza
Mutemo waMosesi


Mutemo waMosesi

Mwari vaipa mitemo nekuna Mosesi kumba yaIsraeri kuti itore nzvimbo yemutemo wepamusoro soro wavainge vatadza kuteerera (Eks. 34; DJS, Eks. 34:1–2; DJS, Deut. 10:2). Mutemo waMosesi wakange uine misimboti, mirau, mitambo, mapira, nekupawo mucherechedzo yaiita kuti vanhu varangarire mabasa avo nezva vaitarisirwa kuita. Zvinosanganisa mutemo wekuzvibata, tsika, kunamata, nemirairo yezvenyama nekuita—zvichisanganisa zvekupira (Rev. 1–7)—zvakanga zvichiitirwa kuti zvivaveuchidze nezva Mwari nebasa ravo kwavari (Mosaya 13:30). Rutendo, kutendeuka, rubhabhatidzo mumvura, nokuregererwa kwezvitadzo zvaive zvimwe zvemutemo, sezvakanga zvakaita Mirairo ine Gumi nemimwe mirairo mizhinji yetsika nehunhu hwepamusoro-soro. Mitemo mizhinji yemitambo yakazadzikiswa pakufa nekumuka kuvakafa kwaJesu Kristu, kwakapedza kupira nekudeura ropa (Aru. 34:13–14). Mutemo uyu waiitwa pasi peHupirisita hwaAroni uye raive vhangeri regadziriro yekuunza vakanamatira kwariri kuna Kristu.