Zvibatsiro Zvekudzidza
Mepu 4: Kirtland, Ohio, 1830–38


Mepu 4

Kirtland, Ohio, 1830–38

Mufananidzo
Mepu 4 yenhoroondo yeChechi

Kch.

Purazi raIsaac Morley

Bazi reKumabvazuva reRwizi rweChagrin

ku Willoughby

ku Mentor

Chigayo cheMapuranga

Mugwagwa weMarkell

Chigayo

Nzvimbo yekuBhabhatidzira

Dhamu

Chivako chekugadzirira zvidhinda

Musha waNewel K. Whitney

ku Painesville

Chitoro chaNewel K. Whitney

Panogadzirwa Matehwe

Imba yeVayeni yaJohn Johnson

Chikoro

Mugwagwa weCowdery

Chivako chekupisira Huni Dzedota

Rukova

Musha waJoseph Smith Mwana

Chitoro cheZvakasiyana-siyana chaJoseph Smith

ku Chardon

Musha waParley P. PrattKumokuva

Nzvimbo yeMakuva

Mugwagwa weWhitney

Hofisi yeKudhindira

Temberi yeKirtland

Musha waSidney Rigdon

Musha waVinson Knight

Bhangi

Mugwagwa weChillicothe

Musha waMartin Harris

Mugwagwa weJoseph

Musha waHyrum Smith

Mamita

0 150 300

A B C D

1 2 3 4

●1

●2

●3

●4

●5

●6

●7

  1. Musha waNewel K. Whitney Joseph naEmma vakagara pano kwemasvondo akati kuti mushure mekunge vatamira kuKirtland muna 1831.

  2. Purazi raIsaac Morley Joseph naEmma Smith vakambogara pano kubva munaKurume kusvikira muna Gunyana 1831. MaPirisita apamusoro vakagadzwa pano. Joseph akashanda paDudziro yaJoseph Smith (DJS).

  3. Chitoro chaNewel K. Whitney VaTungamiri Vekutanga veChechi vakapihwa makiyi ezveumambo hwekudenga pano. Chikoro cheMaporofita chakatanga kusangana pano. DJS yaive iri kapati pekupedziswa pano muna 1833. Joseph naEmma vakagara pano kubva muna 1832 kusvikira 1833. Joseph akatambira zviratidzo zvakawanda zvikuru pano.

  4. Imba yeVayeni yaJohn Johnson Joseph Smith Baba akadeedzwa semuPatriaki wekutanga muChechi pano muna 1833. Imba yeVayeni yakave yekutanga kuve nehofisi yekudhindira muKirtland. The Evening and the Morning Star (Nyenyedzi yamaNheru naMangwanani) rakadhindirwa pano mushure mekuparadzwa kwemuchina wekudhinda muRuwa rweJackson, Missouri. Vaapositori vaneGumi neVaviri vakasumuka kubva pano musi wa4 Chivabvu 1835 muhushumiri hwavo hwekutanga.

  5. Musha waJoseph Smith Mwana Joseph naEmma vakagara pano kubva muna 1834 kusvikira 1837. Kududzirwa kweBhuku raAbrahama kwakatangiswa.

  6. Hofisi yeKudhindira Zvidzidzo pamusoro perutendo zvakapihwa muchivako chino. Vaapositori vaneGumi neVaviri neChikwata Chekutanga cheMakumi Manomwe vakadeedzwa nekugadzwa pano. Dzidziso neZvibvumirano (Kudhindwa kwekutanga), Bhuku raMormoni (Kudhindwa kwechipiri), The Evening and the Morning Star (Nyenyedzi yaManheru neMangwanani), Latter Day Saints’ Messenger and Advocate (Mutunwa neMumiririri waVatendi vamaZuva Ekupedzisira), nemabuku ekutanga Elders’ Journal (ezveNhoroondo dzemaGosa) zvakadhindwa pano.

  7. Temberi yeKirtland Temberi iyi yakave yekutanga mumukuwo uno. Jesu Kristu akazviratidza uye akagamuchira temberi. Mosesi, Eria, naErija vakazviratidza uye vakadzorerazve mamwe makiyi ehupurisita (ona D&Z 110). Chikoro cheMaporofita chaisanganawo pano. Zvakazarurwa zvakagamuchirwa pano: D&Z 109, 110, 137.

    Kirtland (nzvimbo isina kudomwa) Nemusi wa17 Nyamavhuvhu 1835, Dzidziso neZvibvumirano zvakatambirwa neChechi semagwaro matsvene. Zvakazarurwa zvakatambirwa muKirtland zvinosanganisira D&Z 41–50, 52–56, 63–64, 102–104, 106–110, 134, ne137. Zvitsauko 104 zvinomirira nekutsanagura zvinhu zvaifanirwa kupihwa sehutariri kunhengo dzeChechi dzaishanda muhurongwa hwemubatanidzwa (ona ndima 19–46).