Magwaro Matsvene
Dzidziso neZvibvumirano 104


Chikamu 104

Zvakazarurwa zvakapihwa kuna Joseph Smith Muporofita, 23 Kubvumbi 1834, maererano nehurongwa hwemubatanidzwa kana hurongwa hweChechi hwakamisirwa kubatsira varombo (History of the Church, 2:54–60). Rakanga riri zuva remusango weDare reVatungamiri vekutanga nevapirisita vepamusoro, umo makazeyiva nyaya dzekushaya kwevanhu hurongwa hwemubatanidzwa paKirtland hwakanga hwave kumbobviswa uye hozorongwa patsva naizvozvo zvinhu zvaitorwa seutariri zvakange zvave kugoverwa nhengo dzehurongwa.

1–10, Vatendi vanotadzira hurongwa hwemubatanidzwa vachatukwa; 11–16, Ishe vanogadzirira Vatendi vavo nenzira yavo; 17–18, Mutemo wevhangeri inotonga kuchengetwa kwevarombo; 19–46, Hutariri nemakomborero ehama dzakasiyana-siyana dzinodzikwa; 47–53, Hurongwa hwemubatananidzwa muKirtland, nehurongwa muZioni hwaizoshanda (pakepake) husina kubatana; 54–66, Dura reupfumi rinoyera raIshe rakamisirwa kunyorwa kwemagwaro matsvene; 67–77, Dura rezvakasiyana-siyana rehurongwa hwemubatanidzwa raizoshanda zvichibva mukubvumirana kwevose; 78–86, vose vari muhurongwa hwemubatanidzwa vanofanira kubhadhara zvikwerete zvavo zvose uyezve Ishe vaizovasunungura kubva (kuhuranda) husungwa hwezvemari.

1 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, shamwari dzangu ndinokupai kuraira nemurairo zviri pamusoro pemidziyo yose yehurongwa uho hwandakaraira kuti hurongwe nekumiswa kuti huve ahurongwa hwakabatana uyezve husingaperi kuti zvinakire chechi yangu, nekuponesa vanhu kusvikira ndauya—

2 Nechivimbiso chisingasanduki kana chisingasandurwe zvichienda nekuti avo vandakaraira vakaramba vakatendeka, vachakomborerwa nemakomborero akawandisa;

3 Asi pose pavainge vasina kutendeka vaive pedyo nekutukwa.

4 Naizvozvo, sezvo vamwe vevaranda vangu vasina kuchengeta murairo asi vakatyora chibvumirano pamusana aperuchiva, uye nemazwi ekunyepa, ndavatuka nekutuka kunorwadza uye kunosuwisa.

5 Nokuti Ini Ishe, ndazvitsidza mumwoyo mangu, kuti kana munhu upi zvake wechisungo akawanikwa ari mutadzi, kana nemamwe mazwi, akatyora chibvumirano icho chakakusungai, achatukwa muupenyu hwake, uye achatsikwa-tsikwa neuyo wandinenge ndada;

6 Nokuti Ini Ishe, ahandisekwe muzvinhu izvi—

7 Uye zvose izvi kuti vasina chavanoziva pakati penyu varege kutongwa pamwechete nevasakaruruma; uye nokuti vane mhosva pakati penyu havapunyuke; nokuti Ini Ishe, ndakavimbisa kwamuri akorona yekubwinya kuruoko rwangu rwerudyi.

8 Naizvozvo, sezvo mukawanikwa muri vatadzi, hamungapunyuke muhasha dzangu muupenyu hwenyu.

9 Kana muri amakaraswa pamusana pekutadza, hamungapunyuke bkunetswa cnaSatani kusvika muzuva rerununuro.

10 Uye zvino ndavekupa simba kubvira panguva ino, kuti ani zvake munhu pakati penyu, wemuchisungo, akawanikwa ari mutadzi uye akasatendeuka pachakaipa, kuti muchamuisa kunonetswa naSatani; uye haazove nesimba arekuunza zvakaipa kwamuri.

11 Ungwaru mandiri, nokudaro murairo wandinokupai, kuti muzvironge pachenyu uye nokudomera wose munhu ahutariri hwake;

12 Kuti wose munhu ataure kwandiri pamusoro pehutariri hwake uhwo hwaakadomerwa;

13 Nokuti zvakafanira kuti Ini Ishe ndiite kuti wose munhu aazvipindurire, bsemutariri wezvinhu zvepano pasi; izvo zvandakaita uye ndikagadzirira zvisikwa zvangu.

14 Ini Ishe, ndakatambanudza matenga, uye andikavaka nyika, bbasa remaoko angu; uye zvose zvinhu zvirimo ndezvangu.

15 Uye chinangwa changu chekuti ndiriritire vatendi vangu, nokuti zvose zvinhu ndezvangu.

16 Asi zvinofanira kuitwa anemaitiro angu; uye tarisai iyi ndiyo nzira Ini Ishe, yandatsidza yekuriritira vatendi vangu, kuti bvarombo vagosimudzirwa, mukuti vapfumi vagoderedzwe.

17 Nokuti anyika izere, uye mune zvakakwana nezvinotosara; hongu, ndakagadzira zvose zvinhu, uye ndikapa kuvana vevanhu kuti bvazvimirire pachavo.

18 Naizvozvo, kana mumwe munhu akatora kubva apanezvakawanda izvi zvandakasika, uye akasagovera chidimu chake, maererano bnemutemo wevhangeri rangu, ckuvarombo nevanoshaya, achasimudza meso ake, pamwechete nevakaipa, ari dmugehena, ari mukutambura.

19 Uye zvino zvirokwazvo ndinoti kwamuri, maererano nemidziyo ayehurongwa

20 Regai muranda wangu Sidney Rigdon adomerwe nzvimbo iyo yaari kugara iyezvino, uye nenzvimbo yekusuka matehwe kuhutariri hwake, kuitira kuti awane chekubata achishanda mumunda wangu wemizambiringa, kunyangwe sekuda kwangu, pandichataura kwaari.

21 Uye regai zvose zvinhu zviitwe maererano nekuraira kwehurongwa nemvumo yemubatanidzwa kana neizwi rehurongwa revagari vemunyika yeKirtland.

22 Uye hutariri uhu nemaropafadzo, ini Ishe, ndinoisa pamuranda wangu Sidney Rigdon kuitira maropafadzo paari uye nekumbeu mushure make.

23 Uye ndichawanza maropafadzo paari kana ari anenge akazvininipisa pamberi pangu.

24 Uye zvakare, regai muranda wangu Martin Harris, adomerwe, hutariri hwake, nzvimbo iyo yakawanikwa nemuranda wangu John Johnson yeyakange iri nhaka yake, yake iye nembeu yake mushure make;

25 Uye kana achinge akavimbika, ndichapamhidzira maropafadzo paari uye nekumbeu yake mushure make.

26 Uye regai muranda wangu Martin Harris aise mari yake mukutaura mazwi angu, maererano nezvichataurwa nemuranda wangu Joseph Smith, Mwana.

27 Uye zvakare, Frederick G. Williams ave nenzvimbo apo paagere iyezvino.

28 Uye muranda wangu Oliver Cowdery ngaawane nzvimbo iyo yakabatana nemba, iyo ichave hofisi yekudhinda, iri iyo nzvimbo yekutanga, uyewo nenzvimbo apo pagere baba vake.

29 Uye regai varanda vangu Frederick G. Williams naOliver Cowdery vave nenzvimbo yekudhindira uye nezvose zvinhu zvinoenderana nayo.

30 Uye uhu ndihwo huchave hutariri hwavo huchapihwa kwavari.

31 Uye kana vari vanotendeka, tarisai ndichavaropafadza, uye ndigopamhidzira maropafadzo pavari.

32 Uye uku ndikokutanga kwehutariri hwandavadomera, ivo nembeu yavo mushure mavo.

33 Uye kana vari vanotendeka, ndichapamhidzira maropafadzo pavari uye nekumbeu yavo mushure mavo, kana maropafadzo akawanda zvakapetwa.

34 Uye zvakare, regai muranda wangu John Johnson awane imba iyo yaagere, uye nenhaka, yose kunze kwenzvimbo yakasiirwa akuvaka dzimba dzangu, zviri maererano neiyo nhaka, uye neidzo nzvimbo dzadaidzirwa muranda wangu Oliver Cowdery.

35 Uye kana ari akatendeka, ndichapamhidzira maropafadzo paari.

36 Uye chido changu kuti anofanira kutengesa idzo nzvimbo dzakakamurwa kuitira kuvaka guta revatendi vangu, kana kuti zvichienderana nekuziviswa kwazvichaita kwavari anezwi reMweya, nemaererano nekuraira kwehurongwa, nezwi rehurongwa.

37 Uye uku ndikokutanga kwehutariri uhwo hwandakamudomera, semaropafadzo kwaari uye nekumbeu yake mushure make.

38 Uye kana ari anotendeka, ndichawanza zvakapetwa maropafadzo paari.

39 Uye zvakare, regai muranda wangu Newel K. aWhitney adomerwe nzvimbo nedzimba iye zvino, apo pane zvitoro, uyewo nenzvimbo iri parutivi nechekuchamhembe kwechitoro uyewo nenzvimbo iyo inemba inogadzirirwa sipo nezvimwe zvakadaro.

40 Uye zvose izvi ndazvidomera kumuranda wangu Newel K. Whitney sehutariri hwake, semaropafadzo paari uye nekumbeu yake mushure make, kuyamura zvitoro zvechirongwa changu icho chandakamisira hoko yangu munyika yeKirtland.

41 Hongu, zvirokwazvo, uhu ndihwo hutariri hwandadomera kumuranda wangu Newel K. Whitney, kunyangwe zvose zvitoro zvino, iye anemumiririri wake, uye nekumbeu yake mushure make.

42 Uye kana ari anotendeka mukuchengeta mirairo yangu, iyo yandakamupa, ndichapamhidzira maropafadzo paari uye nekumbeu yake mushure make, kunyangwe maropafadzo akapetwa zvakawanda.

43 Uye zvakare regai muranda wangu Joesph Smith, Mwana adomerwe nzvimbo iyo yakasiirwa kuvakwa kwemba yangu, iyo yakareba zvinoita mazana maviri enhano kureba uye negumi nembiri kupamhama, uye nenhakawo apo pagere baba vake;

44 Uye uku ndiko kutanga kwehutariri uhwo hwandakamudomera, uye kuti ndimuropafadze, uye nababa vakewo.

45 Nokuti tarisai, ndachengetedza nhaka ayababa vake, kuti zvivayamure; nokudaro vachaverengerwa mumba yemuranda wangu Joseph Smith, Mwana.

46 Uye ndichapamhidzira maropafadzo mumba yemuranda wangu Joseph Smith, Mwana, kana ari akatendeka, kunyangwe maropafadzo akapetwa zvakawanda.

47 Uye zvino, murairo ndinopa kwamuri maererano neZioni, kuti hamuchasungirwa hurongwa kuramba muri semubatanidzwa kuhama dzenyu dzeZioni, asi mune izvi chete—

48 Mushure mekunge maronga, muchadaidzwa kuti Hurongwa hweMubatanidzwa ahweHoko yeZioni, Guta reKirtland. Uye hama dzenyu, mushure mekunge varongwa, vachadaidzwa kuti Hurongwa hweMubatanidzwa hweGuta reZioni.

49 Uye vacharongwa mumazita avo, uye nemuzita ravo; uye vachaita basa ravo muzita ravo, uye nemumazita avo;

50 Uye imi muchaita basa renyu muzita renyu, uye nemumazita enyu.

51 Uye ndazviraira kuti zviitwe kuti muwane ruponeso, uyewo neruponeso rwavo, pamusana apekutandwa kwavo uye nepamusana peicho chichauya.

52 aZvibvumirano zviri kutyorwa kuburikidza nokutadza, bneruchiva uye nemazwi ekunyepera—

53 Naizvozvo, maputswa sechirongwa chemubatanidzwa pamwe nehama dzenyu, kuti hamuna kusungirwa kwavari kubvira panguva ino chete, kunze kwemune izvi, sekutaura kwandakaita, muchikwereti sezvichabvumirwa nehurongwa huno mudare, sezvinobvumidzwa nemamiriro enyu nekutungamira kuchaita izwi redare.

54 Uye zvakare, murairo ndinopa kwamuri maererano nehutariri hwenyu uho hwandakadoma kwamuri.

55 Tarisai, yose midziyo iyi ndeyangu, kana zvisiriizvo rutendo rwenyu haruna basa, uye munowanikwa muri vanyengedzi, uye zvibvumirano zvamakaita kwandiri zvakatyorwa.

56 Uye kana midziyo iri yangu, zvino imi amurivatariri; pasinaizvo hamungave vatariri.

57 Asi, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ndakakudomai kuti muve vatariri vemba yangu, kunyangwe vatariri vechokwadi.

58 Uye nechinangwa ichi ndakakurairai kuti muzvironge pachenyu, kunyangwe kutsikisa mazwi aangu, zvizere zvemagwaro angu matsvene, zvakazarurwa zvandakapa kwamuri, nezvandichakupai kubvira zvino, nguva nenguva

59 Nechinangwa chekuvaka chechi yangu neumambo hwangu pasi pano nokugadzirira vanhu anguva byandichagara navo, iyo yave pedyo.

60 Uye imi muchazvigadzirira nzvimbo yekuisa pfuma uye moitsaurira kuzita rangu.

61 Uye muchadoma mumwe pakati penyu anochengeta panoiswa pfuma, uye achagadzwa kumaropafadzo aya.

62 Uye pachave nechisimbiso papfuma, uye zvose zvinhu zvinoyera zvichaiswa munzvimbo yepfuma iyi, uye hapana munhu pakati penyu achaiti ndeyake, kana rumwe rutivi rwayo, nokuti ichange iri yenyu mose muri pamwechete.

63 Uye ndinoipa kwamuri kubvira panguva iyo ino; saka chionai kuti maenda kunoshandisa hutariri hwandakadoma kwamuri, husingabatanidzire zvinoera, nechinangwa chekuti zvinhu izvi zvinoyera zvinyorwe sekutaura kwandakaita.

64 Uye zvinenge azvawanikwa pamusana pezvinhu zvinoyera zvichaiswa munochengeterwa pfuma; uye pachave nesimbiso pairi uye hazvizoshandiswa kana kuburitsa munzvimbo yepfuma naani zvake, kana chinamo hachizobviswa chinenge chaiswa, asi chete nezwi rechisungo, kana nemurairo

65 Uye ndikokuchengetedza kwamuchaita zvinowanikwa muzvinhu zvinokosha zviri muzvimbo inochengeterwa pfuma, kuitira zvinangwa zvinoyera nezvitsvene.

66 Uye iyi ichinzi nzvimbo inoyera inochengeterwa pfuma yaIshe; uye chitsikiso chichaiswa pairi kuti ive tsvene uye yakatsaurirwa kuna Ishe.

67 Uye zvakare, kuchave neimwe nzvimbo yepfuma ichagadzirirwa, uye koiswa muchengeti anochengeta nzvimbo yepfuma uye ichiiswa chisimbiso pairi.

68 Uye dzose mari dzamunogashira muhutariri hwenyu, nokuvandudzira pazvinhu zvandakakupai, mudzimba, kana munzvimbo, kana kumombe, kana muzvinhu zvose, kunze chete kwezvinyorwa zvitsvene zvinoyera, izvo zvandakazvichengetera ini parutivi nezvinangwa zvitsvene nezvinoyera, zvichakandwa mumba yepfuma nokukurumidza mangoitambira mari yacho, kana ari mazana, kana makumi mashanu, kana makumi maviri, kana gumi, kana shanu.

69 Kana nemamwe mazwi, kana ani zvake munhu pakati penyu akawana madhora mashanu, ngaakande mumba yepfuma kana akawana gumi, kana makumi maviri, kana makumi mashanu, kana zana, ngaaite zvimwechetezvo;

70 Uye ngakurege kuva nemumwe pakati penyu anoti ndeyake ega; nokuti haizodaidzwa kuti ndeyake kana chidimu zvacho chayo.

71 Uye hakuna chidimu chayo chinoshandiswa, kana kubviswa mumba yepfuma, asi chete nezwi uye nokubvumirana kwechisungo.

72 Uye iri richave izwi nokubvumirana kwechisungo—kuti ani zvake munhu pakati penyu ati kumuchengeti wehomwe; ndirikuda izvi kuti zvindiyamure muhutariri hwangu—

73 Kana ari madhora mashanu, kana ari madhora gumi, kana makumi maviri, kana makumi mashanu, kana zana, muchengeti wehomwe achamupa mari yaari kuda kumuyamura muhutariri hwake—

74 Dakara awanikwa ari mutadzi, uye zvaratidzwa kudare rechisungo zviri pachena kuti haatendeseke uye mutariri aasina kungwara.

75 Asi kana ari mukufambidzana zvizere, uye ari anotendeka uye akangwara muhutariri hwake, ichi ndichochichave chiratidzo chake kumba yepfuma kuti muchengeti wehomwe asazoramba.

76 Asi kana paripaitwa chitadzo muchengeti wehomwe achatarisa kudare uye nekuzwi rechisungo.

77 Uye kana muchengeti wehomwe akawanikwa asiri akatendeka uye ari mutariri asina kungwara, achatongwa nedare, uye nezwi rechisungo, uye achabviswa panzvimbo yake, uye amumwe obva adomwa munzvimbo make.

78 Uye zvakare, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, pamusoro pezvikwereti zvenyu—tarisai chido changu chekuti amubhadhare bzvikwereti zvenyu.

79 Uye kuda kwangu kuti amuzvininipise pamberi pangu, kuti muwane maropafadzo aya bnekushingaira kwenyu uye nokuzvininipisa nemunamato werutendo.

80 Uye kana muri munoshingaira uye makazvininipisa, uye muchiita amunamato werutendo, tarisai, ndichapfavisa mwoyo yeavo vamuine zvikwereti navo, dakara ndatumira nzira kwamuri yekuti mubve mazviri.

81 Naizvozvo, nyorerai nokukurumidza kuNew York uye munyore zviri maererano nezvichataurwa aneMweya wangu; uye ndichapfavisa mwoyo yeavo vamuine zvikwereti navo, kuti zvibviswe mupfungwa dzavo kuti vakupinzei mumatambudziko.

82 Uye kana muri amakazvininipisa uye muchitendeka uye muchidaidza zita rangu, tarisai, ndinokupai bkukunda.

83 Ndinopa kwamuri chivimbiso, kuti muchabviswa kamwechete kano kubva muhusungwa hwenyu.

84 Kana muri munowana mukana wekukwereta mari iri mumazana, kana muzviuru, kana kudakara makwereta inokwanisa kukubvisai muhusungwa, zviri kwamuri.

85 Uye ipai midziyo yandakaisa mumaoko enyu, kwazvino chete nekupa mazita enyu nokutenderana kana neimwewo nzira, izvo zvamuchaona zvichinge zvakanaka kwamuri.

86 Ndinopa kwamuri mukana uyu, zvino chete; uye tarisai, kana mukaita zvinhu zvandaisa pamberi penyu, maererano nemirairo yangu, zvose zvinhu izvi ndezvangu, uye imi muri vatariri vangu, uye tenzi haazobvumira kuti imba yake ipazwe. Kunyangwe saizvozvo. Ameni.